ndakamitisa vakadzi vevanhu: muporofita

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
ndakamitisa vakadzi vevanhu: muporofita

Kwayedza

‘. . . mumwe wacho kaviri’

Kingstone Mapupu —
MUPOROFITA ane mukurumbira weJohane Masowe yeJerusarema yeMbiya uyo anobva kwaMangwende, kwaMurehwa ari kudura kuti aiva mbavha gororo remakoko uye achiita hupombwe hunototyisa.

Nicholas Mapfumo (45), uyo ava kuzivikanwa saMadzibaba Paurosi, anoti akadanana nevakadzi vevanhu vakawanda — mumwe wacho zvekusvika pakumuitisa vana vaviri avo vari kutochengetwa nemumwe murume achifunga kuti ndevake.

Hanzi, “Ndinotyei, handiti gombarume harina mwana?”

Muporofita uyu anobva mubhuku raMuza uyu anoti aiba zvinotyisa, shavi rake rehumbavha richitobikirwa doro.

“Ndaiva neshavi guru rekuba, ndaipaza mudzimba nemuzvitoro ndichiba zvinhu. Ndaipwanya motokari ndichitora zvandaiwanamo, kusanganisira mari nemaredhiyo.

“Izvi zvaindiita kuti ndigare ndiine mari zhinji iyo yaindituma kuita shamwarikadzi dzakawanda — kusanganisira madzimai akaroorwa,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Anoenderera mberi: “Ndaibikirwa doro remashavi aya totorara tichitamba ngoma tichinwa hwematanda. Ndichingobva ipapo, vanhu vaiona nhamo nekubirwa neni pasina aindiona sezvo ndaitungamirirwa nemashavi.

“Muzvione, apa basa rangu chairo randakadzidzira nderekugadzira magetsi, electrician. Zvimwe zvezvinhu zvandakaba ndichinazvo, ndiri kushaya kuti ndozviisa kupi nekuti handichaziva kwandakazviba.”

Kunze kwepfambi nemadzimai evanhu vaakadanana navo, Madzibaba Paurosi anoti akaita madzimai mapfumbamwe muupenyu hwake avo aingotora kana kuroora, achizovasiya kana vaita vana.

Madzibaba Paurosi anoti vana vake vaanoziva vanosvika 19 pamwe chete — kusanganisira vaviri vaakaitisa mudzimai wemunhu —asi vemusango haazive kuti vangani.

Anoti panguva yose yaaiba nekuita chipfambi, ainamata chechi dzekumasowe zvisinei kuti aisaonekwa pamweya kuti anoita hupombwe nehumbavha gororo.

“Ndaitoenda kumasowe ndabva mukuba kana mukuita cheupombwe uye hapana aimbogona kuzviona pamweya. Maporofita amunoona aya, vazhinji imhombwe dzinohwanda naMwari, imbavha makororo. Vanoba vachiita chipfambi chinotyisa, ngavabude mumachechi avanonyepera vanhu aya.

“Ini ‘I am living testimony (ndiri chapupu chiri kurarama).

‘‘Ndakasiyana nazvo, ndave kunamata chaizvo,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Anoti madzimai ake aingoita vana vaviri kana mumwe chete ovaramba sezvo aiwandirwa navo nekuda kwekuwanda kwemari. “Pamadzimai anguaya, vamwe vakafa vamwe vapenyu asi vana vangu vamwe vari muno vamwewo mhiri kwemakungwa nekuSouth Africa.

Ndakaita mukuwasha kunzvimbo dzinosanganisira Chivhu, Gokwe, Makonde, Chipinge, Chihota, Murehwa, Karoi, nekwaSeke.”

Madzibaba Paurosi anoti mudzimai waanaye pari zvino ndewekwaMurehwa, uyo waanoti anoita zvechipfambi uye akamboenda kumba kwavo.

“Mukadzi wandiinaye ipfambi, izvozvi akatiza kumba ndakamubatira munamato chipfambi chake chikafumuka. Ave kushanda kumapurazi, ndiri ndoga zvangu kumba.”

Madzibaba Paurosi anoti mubasa rekuba iri aisanyanya kubatwa nemapurisa sezvo aichengetedzwa nemashavi ehumbavha.

“Ndakabatwa katatu chete ndichinopihwa zvirango zvenguva pfupi apo ndaichengetwa nemashavi angu. Ndakasungwa mugore ra1995 ndikanopika, ndikasungwa mugore ra1997 ndikapika nenyaya dzekuba mudzimba chete. Ndakazosandura musambo ndave kuba mavhiri emotokari nekupwanya mota dzacho ndichiba,” anodaro.

Anoti zvakare akazosungwa mugore ra2015 ari parufu rwemwana wake mushure mekunge apwanya motokari yemunhu ndokuba zvinhu zvinosanganisira redhiyo apo anoti mutumbi wemwana wakazosara uchivigwa iye ari muchitokisi.

Madzibaba Paurosi anoti akazoburitswa mujeri musi wa25 Chivabvu gore rapera pasi pechirongwa chePresidential Amnesty.

Anoti chechi yaanonamata yeJohane Masowe yeJerusarema yekuMvura ine muzinda wayo kuGuruve, uye inotungamirirwa naMadzibaba Acsense kana kuti Gondo.

“Ndakaba kubva gore ra1994 kusvika 2016, panguva imwe chete ndaiita hupombwe hwaisemesa, hwaityisa. Asi ndakazvisiya, ndinoti kune vamwe vangu maporofita anonyenga madzimai evanhu kumasowe vachiita mabasa ehumbavha ekubira vanhu vanotambura tendeukai nguva ichiripo munamate nenzira kwadzo,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Achibvunzwa neKwayedza kuti achaita sei nekuda kwenyaya yemurume ari kuchengeta vana vakakamitisa kumudzimai akaroorwa uyu, anoti gombarume harina mwana saka murume uyu ngaaenderere mberi nekuchengeta vana ivava.

Share This:

Sponsored Links