Uncategorized

Ndakapinda satanism kuchechi

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Ndakapinda satanism kuchechi Max nemuzukuru wake

Kwayedza

Max nemuzukuru wake

Max nemuzukuru wake

MUKOMANA wechidiki wemumusha weHopley, muHarare, ari kuti akashandiswa neimwe chechi ine mukurumbira iri muHarare kuti azviite muSatanist, asi iye asiri, nechinangwa chekuti chechi iyi igoita mukurumbira unokwezva veruzhinji.

Mukomana uyu anoti akavimbiswa nevakuru vechechi iyi kuti kana akabvuma kuzviita muSatanist, baba vake vaizovakirwa imba yekugara nemhuri yavo muHarare.

Zvisinei, zvose zvaakavimbiswa hazvina kuzozadziswa.

Pane kuti mhuri yavo igare zvakanaka sekuvimbiswa kwaakaitwa kuchechi, mukomana uyu anoti haachada kuonekwa nehama dzake nekuda kwekubuda uko akaita paimwe nhepfenyuro yechechi achizviti muSatanist izvo zvave kukonzera kuti ashaye kwekugara.

Max (17), uyo watisiri kudura zita rake chairo nekuda kwekuti achiri mwana, anoti akaenda kuchechi iyi mushure mekuita dambudziko rekunetsana nevamwe vana vechikoro kuMacheke, uko kwaaidzidza vachimuti muSatanist.

“Ndakaita dambudziko kuchikoro uko ndaigara ndichinzi nevamwe vana taiva maSatanist. Ndadzoka kuno kuHarare, ndakaenda kumafundisi akasiyana uko ndainamatirwa zvichinzi kwaingova kupomerwa, kwete kuti ndizvo zvandinoita.

“Dzimwe hama dzakazoti ndiende kuchechi iyi (zita tinaro) uko ndakasvikonzi ndibvume kuti ndiri muSatanist izvo ndakaita mushure mekumboramba,” anodaro Max.

Anoti baba vake (zita tinaro), ndivo vakatanga kushevedzwa vakavimbiswa kuvakirwa imba pamwe nekuti iye aizoendeswa kuchikoro.

“Baba vatorwa moyo nezvinhu zvavaivimbiswa izvi, vakanditi ndibvume kuti ndiri muSatanist sezvaidiwa. Ndabvuma semunhu anoda kuenda kuchikoro, ndakaita svondo ndichidzidziswa kutevedzera zvinoita maSatanist, kupunzika pasi, kufamba senyoka nezvinofanirwa kutaurwa.

“Ndaidzidziswa nevanhu vaidarika 30, varume nevakadzi, kusvikira ndagona zvaidiwa. Ndaigarako kuchechi ndichipihwa kudya chete apo ndaiva nababa.”

Max anoti zuva rekuti anyepere kuzviita muSatanist rakasvika ndokuenda muchechi umo akanotanga kuita zvaainge adzidziswa achitorwa mifananidzo yemavhidhiyo iyo yaibuda paterevhizheni yechechi.

“Zvadaro, takazonzi tose nababa taizoshevedzwa mangwana acho kuti nyaya yechivimbiso chedu itaurwe, maiva muna February. Takazonzi tiende kumba apo takapihwa mari yekombi, takadzokerako kasingaperi kusvikira tave kuita zvekudzingwa. Ini handitomboda kuonekwa kuchechi iyi.

“Baba vangu vanorwara necancer (gomarara) yepagumbo vakazoenda kunotsvaga basa kuBelvedere rehugarden boy,” anodaro Max.

Kuburikidza nenyaya iyi, anodaro Max, haasisina hama dzichada kugara naye sezvo dzichimuti muSatanist. Pari zvino ari kugara kumba kwemuzukuru wake uyo anonzi akatosiyana nemurume wake nekuda kwake.

“Ndinoda kukumbira ruregerero kuti ndakanyepera nyika yose ndichizviita muSatanist ndichida kubatsirwa pamwe chete nababa vangu. Asi hapana chakabuda, izvozvi ndinotsvaga pekugara nekuti ndiendeswewo kuchikoro ndokwanisa kunyora Form 4 neA-level,” anodaro.

Kwayedza yakaedza kakawanda kutaura nemutauriri wechechi iyi, kuburikidza nekumutumira mashoko panhare yake asi asingapindure. Pamwe pacho nhare yake yakadavirwa nemunhu akati muridzi wayo asi achiti aiva mumusangano. Nyakudaira nhare uyu akavimbisa kuti mutauriri uyu aizofonera mutori wenhau uno izvo asina kuita kusvikira pakudhindwa kwenhau ino.

Max anoti amai vake (zita tinaro) vakashaika mugore ra2012 apo akazotanga kugara naambuya vake avo vakazoshaika zvakare.

“Mbuya vashaika, ndakazotanga kugara natete (zita tinaro) avo vakazondiendesa kunochengetwa nherera kunonzi kuRoss of Sharon, kuMarlborough (muHarare). Ndakabva ndaendeswa kuchikoro Form 1 kusvika 2 kuNhowe uko ndakadzingwa ndichinzi taiita zveSatanism nevamwe vangu,” anodaro.

Anoti akadzoka kumuzinda uyu muna Kubvumbi 2015 ndokuzodzoserwa kuchikoro uku achibva anodzingwa zvakare.

Max anoti akazoenda kuna tete vake (zita tinaro), muHarare, uko anoti akaendeswa kune imwe chechi kunobatsirwa akanzi aisaita zveSatanism.

Kubva ipapo ndipo paakazoendeswa kuchechi yakazomuita muSatanist apo baba vake vakanga vabvuma. “Ndakamboenda kubasa kwababa ndikadzingwa. Izvozvi ndiri kugara nemuzukuru wangu uyo akatizwa nemurume achinzi ave kugara nemuSatanist, handina kwekuenda hama hadzichandida,” anodaro.

Muzukurukadzi uyu anoti haana kwaangarasira sekuru vake nekuti hapana hama ichamuda nekuda kwenyaya iyi.

“Murume wangu akatiza, ari kuti sekuru ava ngavaende kuhama dzavo. Ndinomutsvagira kwekurara nekuti ndine room imwe chete. Izvozvi akapotera kusowe rechechi yeJohane Masowe weChishanu kwaMadzibaba Stalin Nhamo, kuround-about (kuMbudzi) uko nyaya yake yakabuda ndaenda kunoshandirwa achinzi achasvika pakuzviuraya nekushungurudzika,” anodaro muzukuru uyu.

Madzibaba Wilborn Chatukuta (37), avo vanonamata pamwe chete naMadzibaba Stalin, vanotsinhira dambudziko remukomana uyu vachiti akapotera pasowe ravo.

“Ari pano, ari kubatsirwa kuti vanhu vagone kumutambira. Haasi muSatanist asi kuti akashandiswa,” vanodaro.

Madzibaba Givemore Mudavanhu (36) vanotsinhirawo nyaya iyi. “Isu tinoti ruzhinji rweZimbabwe ngavabatsire mwana uyu, akashandiswa kuzviita muroyi iye asiri kuri kuda kusimudzira zita rechechi iyi,” vanodaro.

  • Kune vanoda kubatsira mukomana uyu vanogona kuridza nhare dzinoti 0737 088 700.

Share This:

Sponsored Links