‘Ndakapingwa nemuramu wangu’

25 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
‘Ndakapingwa  nemuramu wangu’

Kwayedza

MAI Maidei Nemhara

MAI Maidei Nemhara

MAI Maidei Nemhara (48) vari kupika ravo jeri voga – kwemakore mana dumbu ravo rakangoti shutu kufutunuka sevane mimba asi handizvo.
Mudzimai wemubhuku raMutake, kwaChinhamhora kuDomboshava uyu, ari kungozvimba dumbu zvisinganzwisisike zvekutoita kunge akazvitakura. Vanoziva nezvedambudziko rake vari kuti akapingwa nemumwe wevaramu vake uyo aida kupinda naye pabonde asi iye ndokuramba.

Mai Nemhara, avo vane vana vana nemurume wavo, VaRichard Mutake-Mhosva (51), vanoti dambudziko iri rakatanga vachifunga kuti vaiva nepamuviri kudzimara zvakazoonekwa kuchipatara kuti haisi nhumbu.

“Pakutanga dumbu rangu raikura pamwe richimboserera. Ndakazovhunduka kwapera gore nekukura kwaro ndikaenda kuchipatara cheParirenyatwa uko ndakanzi nditsvage mari ye ‘scan’ ndikaishaya,” vakadaro Mai Nemhara.

Vanoti vamwe vanachiremba vaivaona vaiti vane mapundu muchibereko asi vamwe vachiti mudumbu umu mune mvura iri kuita kuti rizvimbe.

Pane mashoko ari kutaurwa pamusoro pekuzvimba kwedumbu remudzimai uyu, anosanganisira ekuti akagadzirwa nemunhu waakabira manhanga nenzimbe.

Mamwe mashoko anoti Mai Nemhara vakaroyiwa nehama pamwe nekuti vakashandisirwa mishonga nemuramo wavo uyo aida kupinda navo pabonde asi ivo ndokuramba.

Mudzimai uyu anoti kwavanofamba maporofita anoti akagadzirwa nemhodzi dzemanhanga, mudzi wemuriwo wemuboora, dzetse nekadende kanoteketerwa kuti dumbu rizvimbe.

“Kwatinofamba tinonzwa zvakasiyana, hanzi kune hama dzakandigadzira. Zvekunzi ndakaba manhanga nenzimbe zvakataurirwa munin’ina wangu, Violet Nemhara, apo akaenda kumuporofita oga uko akanzi ini nemumwewo mudzimai taiva taba manhanga nenzimbe mubindu remumwe munhu. Zvinonzi mumwe wangu uyu akazodzokera nerweseri akanokumbira ruregerero oga.

“Muporofita uyu anonzi akataurira munin’ina wangu kuti iniwo ndiende ndinokumbira ruregerero kwatinonzi takaba uku asi ini handizvizive.”

Votaura nyaya yekunzi “vakasotwa” nemuramu wavo, vanoti kumaporofita vanoudzwa kuti pane muramu akavapfimba vakamuramba uyo anonzi akazovapinga nemishonga seshaisano.

Vakati: “Munin’ina wemurume wangu, babamudiki (zita tinaro), vakambouya pamba mukoma wavo asipo vachindinyenga vachiti, ‘Dai ndakaziva kuti mukoma vaisavapo ndakauya zvangu manheru tingadai takafara zvikuru maiguru’. Vakazoti toita sei ini ndikamuramba, saka anonzi ndiye akazondigadzira.”

Mai Nemhara vanoti vanorota vachirwisana nemunhu wechirume uyo anenge achida kushinha navo ivo vachiramba.

Vanoti mudumbu mavo munorwadza zvikuru nekudivi rekuruboshwe uye panguva yekutevera vanopedza mazuva gumi kana kudarika apo vanenge vachirwadziwa zvikanyanya.

“Nyaya yekuti ndakaba, handina. Kudai ndakaba ndinganyarare here ini ndichirwadziwa kudai? Ndaingobvumaka ndoroyonorwa, nyaya hombe yandingafungire ndeye munhu aindida nekuti aripo ari kutaurwa nemaporofita nen’anga akatombosvika kwandiri anova babamudiki vangu,” vakadaro.

Murume wemukadzi uyu, VaMutake, vakati nyaya yekuti mudzimai wavo akaba vanoinzwa.
“Inyaya inotaurwa asi ini handina chokwadi nazvo, ruvengo chete muno mandigere muhama dzangu. Asi hakuna kana mumwe chete anondibatsira uye dai ndaitevedzera zvinotaurwa ndingadai ndakazviuraya,” vakadaro.

VaMutake vanoti havana kukwanisa kubvunza munin’ina wavo nekuda kwenyaya yekuti anonzi ndiye akaroya mudzimai wavo mushure mekunge amupfimba ndokurambwa.

Vanoti chinhu chikuru kwavari ndechekuti vabatsirwe nenzira ipi zvayo kuti dambudziko rakatarisana nemudzimai wavo ripere.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemuramu waamai ava anonzi ndiye akavashinhirira uyu, uyo anonzi muporofita weimwe chechi, sezvo akanzi aive abvakacha.

Mwanasikana waVaMutake, Martha Mutake (20), akati dambudziko raamai vake ravashaisa mufaro semhuri. Mhuri iyi inoti dai ikawana mari inokwana US$800 yekuti ava vanorapwa kuchipatara.

VaMutake nemhuri yavo vanorarama nekurima matomatisi vachitengesa.

Kune vanoda kuvabatsira vanoridza nhare panhamba dzinoti 0734 467 027, 0777 714 327 kana 0734 491 257.

Share This:

Sponsored Links