‘Ndakarambirwa mwana akaremara’

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Ndakarambirwa mwana akaremara’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUDZIMAI wekuEpworth anoti akarambwa nemurume wake uyo anova mupurisa zvichitevera kuzvara kwaakaita mwana akaremara mitezo.

Monica Makusha (27) anogara kwaJacha anoti upenyu hwamuomera zvichitevera kurambwa nekutizwa kwaakaitwa nemurume wake.

“Ndakarambwa nemurume wangu anonzi John Safarawo (27), uyo anova mupurisa kuGweru mushure mekunge ndabara mwana akaremara. Akandiudza kuti aya mashura makuru achiti kumhuri kwavo hakuzvarwe vana vakaremara.

“Mwana wedu uyu akaremara makumbo, mawoko nekuoma mitezo uye haagoni kufamba, anotogwesha nemusana negotsi.

“Mwana uyu anoda mapamper nguva nenguva nekuti haagoni kuenda kuchimbuzi oga uye mari yekuti ange achienda kunofunda kuJairosi Jiri Centre uko kunodiwa $350 yechikoro handina,” anodaro.

Zvisinei, Safarawo ari kuramba mashoko ekuti haana hanya nemwana wake achiti ari kumuchengeta kuburikidza nemendenenzi uye Makusha munhu asingatende.

Makusha nerimwe divi anoti Safarawo akatanga kuramba mwana uyu ichiri mimba apo vakapesana pamusoro pemazuva aanonzi akabata pamuviri.

“Pandakaita nhumbu yemwana uyu, handina kuzviziva nekuti ndakanga ndiri kungotevera mazuva angu. Ndakatozoziva kuti ndaiva nepamuviri nhumbu yatokura, zvinova zvisina kumufadza achibva atonoroora mumwe mudzimai kumusha kwavo. Pandakazobara mwana uyu akaremara, akabva ati haasi wake nekuti kumusha kwavo hakuzvarwe zvirema,” anodaro Makusha.

Anoenderera mberi: “Ndakabva ndamumhan’arira mendenenzi iyo ari kubhadhara $100 inova isiri kukwana pazvinhu zvinodiwa nemwana. Ndakamuwanira nzvimbo yechikoro kuJairosi Jiri kuWaterfalls asi mari yechikoro $350 handina.

“Anoda zvakare wiricheya nekuti ndinotogara ndakamubereka kumusana kuti asatsemuke musoro nekuti anofamba negotsi. Gotsi nemusana angova maronda asi mwana ane njere zvekuti kana akaenda kuchikoro anopasa,” anodaro.

Makusha anoti dzimwe nguva kana zvanyanya kumuomera anoenda kumusha kwevabereki vake uko vanonotengesa zvipfuyo kuti awane mari yekuchengeta mwana uyu.

“Mombe, mbudzi nematoki zvevabereki vangu zvapera kumusha nekuti vabereki vangu vanenge vachingotengesa kuti variritire mwana uyu nekuda kwekurwadziwa neraramo yake. Pandinofonera baba vake ndichida kuti ndivaudze kuti mwana anoda kuenda kuchikoro, mudzimai wavo ndiye anodaira asi achinditukirira pamusaka pemwana wangu akaremara. Mamwe mashoko anorwadza ayo anotukirira nawo mwana wangu pamusaka pekuremara kwake ndinawo mufoni yangu,” anodaro.

Makusha anoti aimboita mabasa ekutengesa muriwo neemumba asi zvava kumuremera nekuda kwekuti mwana uyu anenge achida kuchengetedzwa.

“Nguva zhinji ndinenge ndakabereka mwana saka handina kana mukana wekuti ndiite rimwe basa rinondipa chouviri. Ndatove nedambudziko rekurwadziwa nechipfuva nekuti mwana akura, ava nemakore mashanu ndichimubereka. Baba vacho havana hanya nekuona mwana uyu kana kumutsigira mukurarama kwake,” anodaro.

Asi Safarawo ari kurambisisa nyaya yekuti haana hanya nemwana uyu.

“Handina kumboramba mwana wangu, ndinobvuma kuti takaita mwana tese uye ndiri kumuchengeta. Mudzimai iyeye anotaurisa zvakawanda zvisinei nekuti ndiri kubhadhara mari yemendenzi. Takangoti regai timupe nguva achidya mari iyoyo nekuti yakawanda zvikuru ndikatarisa mari yandinotambira asi anongoramba achingofona achiti anoda mari.

“Anongomuka achiti mwana akura anoda kuenda kuchikoro asingazive kuti zvinhu zvinorongwa nenguva,” anodaro.

Anoti Makusha paakataura nemudzimai wake, ndiye akanga akumbira kutaura naye achida mari kwaari.

“Paakafona ndiye akakumbira kuti anoda kutaura nemudzimai wangu asi vakazogumisira vave kukandirana mashoko akashata. Ndapota musabudise nyaya iyoyo nekuti inozondinyadzisa, ndiri munhu achangobva kunoroora uye nekuda kwebasa rangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links