‘Ndakarapwa gomarara muchivanhu’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Ndakarapwa gomarara muchivanhu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wemuHarare anoti akapedza makore mana achitambura negomarara repagumbo — iro akange anzi kuchipatara ridamburwe — asi rakazopera mushure mekunge ashandisa mishonga yechivanhu.

VaMike Mawodza (42), avo vanogara kuOld Highfield, vanoti vakatambura negomarara kusvikira vamira kuenda kubasa rekutyaira mabhazi anobuda kunze kwenyika.

“Ndakaenda kuzvipatara zvakawanda zvandisingagone kudoma nemazita kusvikira ndamira basa rekutyaira mabhazi anoenda kuSouth Africa. Kuzvipatara zvemuno nekunze ndakanga ndanzi gumbo rangu richidamburwa. Asi ndakazoshandisirwa mishonga yechivanhu gumbo rangu rikapora, izvozvi ndave kuda kutodzokera kubasa,” vanodaro VaMawodza.

Vanoti vakanga vasisina tarisiro yekurarama sezvo tsinga dzavo nenyama zvanga zvapera kuwora.

“Ndakapedza mari, ndikatengesa midziyo inosanganisira motokari. Ndakatombopihwa mazuva kuchipatara ekuti gumbo rangu rizonodamburwa asi zvakaramba apo ndakazongonzwawo nezvasekuru vekuUzumba uko ndakazoenda nemudzimai wangu tikanoita mazuva tiriko ndikarapwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndakatengesa motokari dzangu ina dzinoti Benz, makombi maviri neimwe diki ndichida kutsvaga mari yekuti ndirapwe gomarara iri. Ndakanga ndisisagone kudya, ndaingorutsa musana wakanga wabuda asi zvakapera.”

VaMawodza vanoti kunze kwekuenda kuchipatara, vakambozama kunotsvaga rubatsiro kune mamwe machechi ane mukurumbira munyika muno asi zvakashaya basa.

“KumaGuest House akasiyana ndakagarako ndichinzi gomarara iri rinopera asi chokwadi ndakararamira kun’anga kunonzi ndekwemweya yakaipa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemudzimai wavo, Mai Synodia Mawodza (36), vachiti vakange vasisina tarisiro yekuti murume wavo achararama.

“Ndingadai ndava shirikadzi izvozvi, chakanaka hachishorwe. Tange tapedza mari asi nemishonga yechivanhu, murume wangu ararama. Iye zvino ave kugona kutyaira negumbo rekurudyi iro rakanga rapera kuwora.

“Akarega basa apo gumbo rose rakange rave kugara richibuda mvura neropa, nyama dzose dzawora,” vanodaro.

Sekuru Bornface Katerere, avo vakabatsira murwere uyu, vanoti havazvitutumadze nekuda kwekubatsira kwavanoita varwere.

“Murume uyu aibuda hurwa neropa, nguva imwe chete ronda richinhuhwa. Akauya kwandiri achichema kuti akange ave kuda kudamburwa gumbo. Ndakamurapa nemishonga yechivanhu ronda iri rikatanga kuvhara ndokubva rapora rikaserera kuzvimba uko raiva rakaita,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Gomarara rinoshevedzawo zvimwe zvirwere zvakaita sekurwadza kwechibereko kuvanhukadzi, dundiro, mapapu nekurwara nepfungwa.”

Share This:

Sponsored Links