‘Ndakarohwa nemugoti’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
VAMWE samusha vanoti vanogara vachizvambaradzwa pamwe chete nemukadzi wavo neshamwarikadzi yavaimbodanana nayo iyo iri kuramba kurambwa.

Itayi Mbavara akamhan’arira Clara Nzvimbo kuHarare Civil Court achiti anomutukirira nekumuvinga kumba kwake achimurova pamwe nemhuri yake.

“Changamire, mukadzi uyu anonditambudza. Anoda kuti ndirambe ndichimuda asi ini naye zvakapera. Nenyaya yekuti ari kuramba achiuya kumba kuzokonzera bongozozo nemukadzi wangu, Eunice Beans, achimurova izvi ndizvo zvaita kuti ndipotere kuno kudare.

“Akambouya kumba kwangu akamhanya kunotora mugoti muimba yekubikira ndokubva andizvindikita nawo saka ndave kutotya kuti kana zvikaramba zvakadai angatozondiponda.

“Ini semunhu wemurume ndakaedza kuzvibata ndisawanikwa ndichirovana nemukadzi uyu,” akadaro.

Nzvimbo akapikisa chikumbiro chaMbavara achiti Beans akamurova ndokumhan’ara nyaya yacho kumapurisa.“Ndine madhoketi maviri andakavhurisa kumapurisa ekuMbare nekuti mukadzi wake akanga andirova. Pamusoro pazvo, ari kuti haachadi kuti ndisvike pamusha pake iye ane mbatya dzake dziri kumba kwangu.

“Ini handina kana shungu nemurume uyu nekuti hatisi kutomboonana asi kungoti mukadzi wake ndiye wandakavhurisira madhoketi kuMbare,” akadaro.

Beans akaudzawo dare kuti Nzvimbo anomutuka nekumurova.

“Hatichina mufaro nemukadzi uyu, tiri kutoda kudzivirirwa kubva mukutambudzwa uku nekuti mukadzi uyu haazeze. Akandirovera mwana wangu paakasvika pamba pangu aine mapurisa. Naizvozvo tinokumbirawo kudzivirirwa.

“Akandiudza kuti ari kuda kundiisa mukabati handizivi kuti chii ichocho kana kuti zvinorevei,” akadaro.

Nzvimbo akati Beans ari kuramba kumudzosera mari yake saka akamuendera kubasa kwake ndokunomutuka.

“Ane chikwereti changu che$100, ndiko kusaka ndakamuvhurisira madhoketi maviri kumapurisa. Ndakaenda kubasa kwake ndichinopengera mari yangu yaanayo. Pamusoro pazvo, akambondifonera achinditi ndiri muroyi saka ndakagumbuka zvikuru pedzezvo ndiye ondiunza kudare achiti anoda gwaro redziviriro?” akadaro Nzvimbo.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Mbavara naBeans magwaro edziviriro.

Share This:

Sponsored Links