Uncategorized

Ndakarova, ndikakuvadza dombo

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUHAMMAD ALI akazorora nemusi weChishanu svondo mbiri dzadarika. Pamazuva ake, akaita mbiri yekurwa achikurira. Aiita zvekurikita nekuriga.Ali haana kuzvarwa achifarira zvekurwa, asi akatanga zvekurwa mushure mekunge abirwa bhasikoro rake.

Kunze kwekurwa, Ali aive nyanzvi yekutaura. Amai vake vakati nyangwe paaive mudiki, ainetsa kuudza kuti ambonyarara. Kana pakurwa chaipo, Ali airwa achitaura. Kazhinji airwa achisvotesa vaakanga achirwa navo.

Paakarwa naSonny Liston muna 1964 akati, “Ndicharova Liston zvibhakera zvakawanda, zvichibva kumativi akasiyana-siyana zvekuti achafunga kuti akakombwa.”

Muna 1974 Ali akarwa naGeorge Foreman kuDRC ichiri kunzi Zaire. Mutambo wavo wetsiva wakanga uchishevedzwa kuti, “The Rumble in the Jungle.” Ali akasvotesa Foreman achiti, “George Foreman anorova zvinorwadza, asi kurova zvinorwadza hakuna chakunobatsira kana usingawane chekurova chacho. Iko zvino uri kundiona, wofunga kuti uchandirova, asi pauchada kundirova uchandishaya ugorova mhepo. Kufunga kwako uchandirova ugondikunda, asi ini ndinozviziva kuti hauna kana mukana.”

Ichokwadi, Ali akakunda Foreman akamusiya asakara.

Pakarwa Ali naJoe Frazier muna 1975 kuPhillipines mushure mekunge Foreman arumwa nenyuchi dzezvibhakera zvaAli kuZaire, Ali akabvumawo kuti Frazier aive rume risingaite pakusimba.

Achitaura, akatsvinyira Frazier achiti “KuManila ndiri kunorwa neGorilla kwete nemunhu.” Ichokwadi zvibhakera zvekuManila zvakasara padiki-diki kurira sepfuti. Kwakarikitanwa zvekuti dai varume vaviri ava vaive matombo, dai vakapfupfunyuka vakasara vave zvitutu zvemavhu.

Ali akazoti otaura nezvekurwa kwake naFrazier kuManila akati, “Patakaenda kunorwa takaenda tiri vakomana vane simba zhinji, asi pakazopera mutambo wetsiva takanga tachembera.”

Asi mashoko anonyanya kundibata mashoko aFrazier uyo akanga asina chipo chekutaura saAli. Ave kutaurawo mushure mekurwa kwavo kuManila akati, “Vakomana zvibhakera zvandakanga ndichipotsera zvakanga zvakaipa. Dai zvibhakera zvangu zvakanga zvichirova madziro, zvaigona kudonhedza masvingo eguta chaiwo.”

Asi nyangwe zvake akanga achirova zvibhakera zvinenge sando kudaro, Frazier akatadza kudonhedza Ali.

Mamwe mashoko ekuonererwa, nekuzvisimbisa, nekutyisidzira akataurwa naAli asati arwa naForeman aiti, “Ndakarwa negarwe mumvura ndikarikunda, ndakaumburudzana nezvikara zvepasi pegungwa; ini ndakakwanisa kusunga mheni necheni dzemapurisa, ndikaisa mabhanan’ana mujeri; svondo rakapera chairo ndakauraya ruware, ndikakuvadza dombo, ndikarwarisa chidhinha zvekuti chakatopihwa mubhedha kuchipatara; handijairirwe nekuti ndinoita kuti mushonga wacho unoporesa urware.”

Asi nyangwe zvake Muhammad Ali akarwa nevanhu akakunda, nyangwe zvake akaramba kudonhedzwa kana kunyararidzwa nemunhu, rufu rwakazomukunda rwukamudonhedza nekumunyararidza.

Kazhinji kana munhu uchinge waita mukurumbira vanhu vanokutaura sezvatiri kuita Wicknell Chivayo. Nhasi uno tinorangarira Ali nemashoko ake nyangwe afa.

Kune mumwe mukadziwo aive nechipo chikuru akafa asina kuzivikanwa nevanhu saAli kana Wicknell. Mukadzi uyu aive shasha yekuimba, uye paakanga ave nemakore 16 akanga ahwinha mibairo mizhinji muAmerica. Asi akati anzwa kuti kune nyika yaida rubatsiro, akasiya zvekuimba akaenda kunoshandira Mwari. Kunyika kwaakenda kwaive kusina maBhaibheri nekuti mutauro weko wakanga usina kunyorwa.

Mukadzi uyu akashandisa chipo chake, akaimba nziyo mumutauro wevanhu ivavo kuti avaparidzire Jesu. Paakanga ave kufa, mukadzi uyu akati, “Nyika yaindipa mikombe yekugona kuimba, asi ini chii chandaipa Mwari?”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>