Ndakaroyiwa neakafa

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mubvunzo:

Sekuru, ndiri murume ane makore 43 uye ndakabira imwe hama yangu iyo yandinofunga kuti yakazondigadzirisa. Zvino iye akazofa ini ndisati ndamuripa, uye iye zvino ndinomurota nguva nenguva achitaura kuti anoda zvinhu zvake.

Mhinduro:

Kuba huroyi nekuti unenge watouraya mhuri iyoyo. Iwe muzukuru pamwe nevamwe vangave vachisangana nenyaya dzakadai, iyo yawakaita ndiyo inonzi kurumwa nechekuchera. Wega unozviziva kuti pamutemo kuba hakubvumidzwe, kunosungisa zvekuti unotogara mujeri uye unenge wakuvadzisa mhuri isina zvainoziva. Ukafa vasingazivi nyaya iyoyo, mhuri ichatambudzika nekuparara nekuti ndiyo ngozi yawakaparira mhuri yako.

Chepiri hama yako iyi kumubira kwawakaita wakatomukanganisira nekuti zvawakamubira izvozvo zvimwe aida kuzvishandisa mubasa rake, iwe ukamutadzisa, mhuri yake ikafa nenzara nekuda kwako. Izvi ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvakazomutuma kubata mishonga kuti akugadzire nekuti ainge ogunun’una.

Asi nyaya yako iyo inoda kugadziriswa nekuchimbidza, inoda kuti uripe nekuti hatizive kuti hama yako iyi yakashandisa mhiko dzakadii. Saka kuti ubatsirwe, unofanirwa kunopupura kumhuri yake woripa.

Mhuri yake, vangave vana, kana vakabvuma kuripwa ndivo vachazosvitsa kumufi kuti vatambira zvaunenge waripa izvi.

Chinhu chimwe chingagone kunetsa panyaya yakadai ndechekuti mhuri yake ikaramba kutambira zvinhu zvawakaba izvi, iwe unenge wave kutofanirwa kuenda kwasabhuku kuti muyananiswe.

Chimbidza kudzosera zvawakaba muzukuru nekuti mhedzisiro yacho ndeyekuti iwewo uchafa. Kana waripa, ndinoda kuti uchere kakomba, usvipire mate kuti hauchazoba zvekare nekuti mukuba unenge uchitorozva dzimwe mhuri. Gadzirisa nyaya yako nekukasika.

. Bvunza Kwayedza pa 0714 200 007 kana Sekuru Mutanga pa 0775 421 949 kana 0715 942 182

Share This:

Sponsored Links