Uncategorized

‘Ndakasotwa nechipfeko chemukati’

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Ndakasotwa  nechipfeko  chemukati’

Kwayedza

MUDZIMAI wekuCaledonia, pedyo neTafara, muHarare, ari kudemba zuva raakatorerwa chipfeko chake chemukati icho chaanoti chakanoshinhirirwa nemukadzi wemurume waaidanana naye.

Anoti kudanana nemurume wemunhu kwamuparira sezvo achiti akazoshinhirirwa chipfeko ichi izvo zvamuita kuti atadze kubata mimba iyo yaari kutsvaga nemeso matsvuku.

Mushure mekupfimbwa nemurume wemunhu iye ndokuti, “Neniwo ndakuda”, mukadzi uyu anoti zvino atambura nekutsvaga mbereko achiishaya zvichibva pakubatikidzwa kwaakaita nemuridzi wemurume uyu.

Mirirai Chikoka (45) anoti ave nemakore manonwe achitsvaga kubata mimba asi zvichiramba uye ane fungidziro huru yekuti izvi zviri kukonzerwa nekushereketerwa kwaakaitwa pachipfeko chake chemukati nemuridzi wemurume.

“Zvakaitika ndezvekuti ndakafirwa nemurume muna 2008 ndichibva ndazosangana naGilbert Kachingo, uyo aiti aida mukadzi wekuroora ini ndokubvuma kufambidzana naye. Pandakabva kuTafara ndichienda kunogara kuCaledonia, handina kuziva kuti pamba pandainogara ndipo pairojawo aimbove mudzimai wemurume uyu — Munyaradzi Mupoperi (31).

Munyaradzi Mupoperi ari kumahofisi eKwayedza

Munyaradzi Mupoperi ari kumahofisi eKwayedza

“Handaiziva kuti aimbove mudzimai wake nekuti pataigara tose akange achitogarawo nemumwe murume,” anodaro Chikoka, uyo anobva kumusha kwaMurinye, kuMasvingo.

Anoti Kachingo ainge akamuudza kuti akarambana nemudzimai wake mushure mekumubatikidza aine chikomba.

“Ndakatanga kugarisana nemurume uyu asi pasina nguva ndakatangisa kurwara ndichizviitira tsvina. Papera svondo, ndakashaya chipfeko changu chemukati uye ndinofungidzira kuti mudzimai wake uyu ndiye akachiba uye ndakamuona achibuda mumba mangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Kachingo ndakamubvunza nezvenyaya iyi akatanga kundichinjira nyaya. Ndakadzimaidzwa chibereko changu nemishonga yevaviri ava zvekusvika pakutadza kubata pamuviri.”

Chikoka ari kukumbira kune vanokwanisa kuti akwanise kubata mimba.

“Iko zvino ndakaroorwa nemumwe murume asi tatove nemakore 7 pasina kubata pamuviri. Handisi kushandisa kana nzira dzekurera mhuri nekuti ndiri kuda mwana pamwe chete nemurume wangu asi zviri kuramba.

“Aive mudzimai waKachingo uyu ndakambomubvunza nenyaya yechipfeko changu uye dambudziko rekushaya mbereko iro rakatanga mushure mekunge atora chipfeko changu chemukati akanditi, ‘Chidembo chinotamba-tamba asi muswe ndakabata’. Akati handife ndakabereka mwana muupenyu hwangu nekuti akandigadzira,” anodaro.

Murume waChikoka, Simon Pembele (40), anotsinhira nyaya yekuti vave nemakore manomwe vasina mwana.

“Tave nemakore 7 nemudzimai uyu asiri kubata mbereko. Takamboenda kumachiremba zvikanzi hapana dambudziko. Takambotenderera kuchivanhu nekumaporofita asi hapana shanduko.

“Mudzimai wangu anoti akambonana nemurume wekuMalawi waari kutaura, nekudaro tine fungidziro yekuti akasotwa nemishonga ndokusaka tauya kuno kuzotaura dambudziko redu,” anodaro apo vainge vashanyira mahofisi eKwayedza.

Asi Mupoperi anoramba zvaari kupomerwa naChikoka zvekuti akatora chipfeko chake chemukati ndokunochishinhirira.

“Amai ivavo (Chikoka) vanonyepa zvikuru, vanoda kurohwa zvakasimba nekuti ivo vakanditorera murume wangu wandakaita naye vana vaviri, mumwe ane makore 15 neane 12.

“Vakauya vakagara nemurume wangu pamba pandaigara, munoti zvivindi zvavo ndezveyi? Nhasi uno vave kuti ndakavatorera bhurugwa ravo. Vaidii kuzvitaura kudhara nekuti patove nemakore 11 zvaitika?

“Ngavaende vanoongororwa chibereko chavo neropa nemachiremba kuti vaonekwe kuti chii chiri kuita kuti vasaite mwana kwete kundipumha huroyi ini,” anodaro Mupoperi.

Anoenderera mberi achiti, “Takamboendesana kumapurisa nenyaya iyi tikayananiswa asi vave kutangazve. Neaimbove murume wangu wacho iyeye takatorambana kare, akatoroora mumwe mukadzi waari kugara naye kuChitungwiza.

Munyaradzi Mupoperi (kuruboshwe) aina Ethel Mupoperi achipopotera vatori venhau. — Mifananidzo: Tawanda Midimu naInnocent Makawa

Munyaradzi Mupoperi (kuruboshwe) aina Ethel Mupoperi achipopotera vatori venhau. — Mifananidzo: Tawanda Midimu naInnocent Makawa

“Ini ndakaroorwawo, ndava nevamwe vana vaviri uye iye akaroorwawo asi haa sati ava nemwana nemurume waanaye. Ari kufamba kumaporofita nekudzin’anga achiudzwa kuti ndini ndakamubira chipfeko chake ndikamugadzira kuti asaite mwana. Ngaaende kuchipatara anovhenekwa!”

Mukadzi uyu paaitaura izvi airasa mawoko achiti anoda kupedzerana naChikoka.

Anotizve akatanga kugara kuCalidonia muna 2004 uye anoziva kuti murume akaroora Chikoka pari zvino aive nemudzimai wekutanga uyo waakasiya achirwara kusvikira azofa.

“Chikoka akatanga kudanana nemurume wangu paaigara kuTafara ini ndichigara muCalidonia. Aibika sadza pedyo nekambani yaishandira murume wangu, ndiko kwavakadanana kusvika ini ndasarudza kusiyana nemurume uyu ndikaroorwa futi zvangu.

“Panyaya iyi tinoda umboo hwakakwana nekuti kana pasina umboo hwemachiremba nemapositori acho ndichada kuripwa nekuti handikodzeri kuvingwa nevanhu vemapepanhau pamba pangu ndichibvunzwa zvakadai.

“Ehe, kudanana nevarume vevanhu kwakashata nekuti muno vanhu vapera nerukawo. Kune mumwe mudzimai muno akaita mazuva matatu afira mumba asotwa nerukawo. Ini kutora chipfeko chake chemukati handina uye handina kumbomutyisidzira. Asi nhasi ndichamugadzirisa vemapepanhau vawane nyaya chaidzo,” akadaro Mupoperi achipupa nehasha. Mai Ethel Mupoperi, avo vanozviti ndivo amai vaMupoperi, vanoshora Chikoka vachiti ndiye akaputsa wanano yemwana wavo.

“Munyaradzi akange akaroorwa zvakanaka tikabvisirwa mombe yechimanda neroora rose nemurume wake wekutanga. Zvinotirwadza kuti munhu akaparadza wanano yake ndiye achiri kuramba achiuya achinetsana naye,” vanodaro.

Mupoperi anonzi akazoenda kumba kwaChikoka kunoita mhirizhonga apo akapedza kuita hurukuro neKwayedza nemusi weChitatu svondo rapera.

Pembele anotsinhira kuti Mupoperi akaenda kumba kwavo ndokusiya avatukirira.

“Zvakaoma, vauya vakatishura vachiti ndivo vakatora chipfeko chemudzimai wangu. Vatosiya vativimbisa kuti tichafuma tisina nhengo dzedu dzakavandika,” anodaro.

Mupoperi akazoshanyirawo mahofisi eKwayedza nemusi weChina svondo rapera achida kuona mupepeti apo aiti aida kuvharisa nyaya iyi.

Mudzimai uyu akati nyaya iyi inomubvusa chimiro paruzhinji kana ikabuda mubepanhau.

“Ndauya kuzokuudzai kuti yangu nyaya haisi kuzobuda, handidi izvozvo,” akadaro Mupoperi achitoganza.

Zvisinei, mupepeti weKwayedza Patrick Shamba akaudza Mupoperi kuti iye akasununguka kupa divi rake panyaya iyi, izvo ainge aita, asi hapana mumwe munhu anomisa kuti nyaya isabude mubepanhau iri kunze kwake.

Mushure mekunge Mupoperi audzwa kuti nyaya iyi iri kuzobuda uye aziviswa kuti akange achitorwa mifananidzo paaive muhofisi yaShamba, akazobuda ari chahwiriri achitiza.

“Saka chingoitai zvamunenge maita. Asi kana nyaya iyi ikabuda chete tichafamba nawo mapepanhau acho kusvikira zvakanaka,” anodaro Mupoperi achibuda.

Zvakadai, vangada kubatsira Chikoka vanogona kumubata panhare dzinoti 0736 599 021.

Vachitaura nezviri kuitika kuna Chikoka, mutungamiriri wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiero, vanoti mukadzi uyu anogona kubatsirwa kuchivanhu.

“Akasununguka kushanyira mahofisi edu atsvagirwe nyanzvi dzinokwanisa kumubatsira kuti ayambuke padambudziko rake iri,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>