Uncategorized

Ndakasotwa: Tsotsi guru

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Ndakasotwa: Tsotsi guru

Kwayedza

‘. . . ndava bofu, ndakazoroyiwa’

MURUME anoshanda sahwindi muHarare uye ari mbavha – gororo remakoko – ari kureurura kuti mabasa aakabata ekubira vanhu amupandukira – zvekusara ava bofu mushure mekusotwa nevanhu vaakarozva.

George Gambe (36) uyo anobva kuBocha, kwaMarange mudunhu reMutare, ari kudura kuti itsotsi kana kuti gororo remakoko izvo zvamusiya ava bofu zvichibva mukurarama nehukopokopo.

Gambe, wemubhuku raChikwawa uye achiita zvehuhwindi panaFourth Street, muHarare, svondo rino akazopotera kumahofisi eKwayedza achiti anotsvaga vangamununure kana kumuroyonora pahupofu hwake uhwo anoti hwakakonzerwa nekubira vanhu zvinhu zvavo.

“Ini ndaiva tsotsi, mbavha gororo. Ndinozivikanwa nehama dzangu nevatorwa nekuba. Ndaitonzi madzamure, kana chikorobho chaicho ndaiba ndokunge ndashaya chekutora.

“Ndakazoroyiwa, ndava bofu kubva mugore ra2012.

“Ndinoti kune vandakabira, ngavandinzwirewo tsitsi nekundiregererawo. Itai kuti maziso angu avhurike uye makumbo angu apore,” anodaro Gambe achisiririsa.

Anoti humbavha hwake ndezve shavi uye zvakatangira kumba kwavo apo vaipota vachimonya huku dzevanhu dzainge dzaenda muchivanze chavo idzo dzavaidya semhuri kusvikira humbavha hwacho hwadzika midzi.

“Ndakamboita hwindi nekuva kondakita kubva 2008 kusvika 2010 pamakombi ekuna Fourth (muHarare) ndichienda kuMbare. Pose apa ndaibira vanhu zvinhu zvavo. Mabhegi evanhu kana zvimwe zvinhu taitora tichiraura mari dzevanhu nezvikwama. Iye muridzi wekombi chaiye aichiona, taimubira.”

Gambe, uyo anosvinura maziso asi asina chaanoona, anoenderera mberi achiti: “Kana babamudiki vangu chaivo (zita tinaro) ndakambovashanyira kupurazi kwavo ndikavabira mbatya dzinosanganisira mashirts 4 nematirauzi 4 ndikanozvitengesa, zvimwe ndikapfeka. Hakuna nzvimbo yandisina kubira munyika muno ini asi vandakarozva ngavandiregererewo.”

Gambe ane fungidziro yekuti pavanhu vaakabira, panogona kunge paine mumwe wavo akazomuendera kun’anga yechiChewa iri kwaMazai, kuMufakose muHarare, “iyo yakandisota”.

“Munhu wandinofungira uyu akabvuma kuti ndiye akandigadzira arwadziwa nemaitiro angu. Ndakafamba kwakawanda ndichiudzwa kuti ndiye akandiendera kun’anga.

“Munhu iyeyu (zita tinaro) akanditi nditsvage huku chena imwe chete yechivanhu ne$15 kuti ndinopinginurwa nen’anga iyi ndigozokwanisa kuona. Huku ndakaiwana asi mari handisati ndaiwana.

“Makumbo angu anopisa seakaiswa murufuse izvo zvinonzi zvose ndakagadzirwa nen’anga iyi.”

Anotizve nguva yadarika akaenda kunoona munhu waanoti ndiye akamugadzira kun’anga uyu asi akapedzisira amutandanisa pamba pake nehasha.

“Ndakanomuona asi akazogumisira ave kunetsana naamainini vangu nenyaya yekundiroya iyi. Amainini vachimuti aende neni kun’anga yakavapa muti wekundigadzira,” anodaro Gambe.

Murume uyu anoti aenda kunozvipira kumapurisa kasingaperi nekuda kwenyaya yekuti abatsirwe nevanhu vaanoti vakamuroya ava pasina chimuko.

Gambe anotizve akamboenda kuchipatara nekuda kwemaziso ake akaonekwa namachiremba asi hapana shanduko.

Anotiwo hama dzake dzepadyo hadzidi kumuona sezvo dzichimuti aidya mari yake yekuba oga.

“Kumusha kwaMutare ndinogara ndoga sezvo mudzimai wangu akafa uyewo mwana wangu mumwe chete wemakore gumi akatorwa naambuya vangu. Chekudya handina, kana mbatya ndinoshaya anondiwachira.

“Ndinogara ndoga, wekundicherera mvura hapana. Hama dzangu dzinosanganisira Joseph Dhambi ari kuNorton, tete Matilda Gambe vari kuBulawayo, sekuru Lameck Gambe vari kuBocha nevamwewo havadi kundiona mudzimba dzavo nekuti vamwe ndakambovabira ndisati ndava bofu.

“Kwavari ndinoti kuba chete, hama dzangu ndinodzida dai vandichengetawo sezvo ndisisina kwekuenda,” anodaro.

Gambe anoti vamwe vanhu vatorwa vemumusha ndivo vanotombomupawo kudya.

“Sabhuku wemumusha wandinogara haandinyorewo kuti ndipihwe kudya kweHurumende kwepachena. Anotopa vamwe vanhu vakagwinya ini achisindisiya apa ndiri chirema kudai.”

Murume uyu anoti akabawo mbudzi kwasabhuku Chikwawa, kwakare kuBocha, ndokunoitengesa $30 kwaSengayi achibva atizira kuHarare.

“Wandaiva ndatengesera mbudzi iyi, Funny Sengayi, akazouya kwandiri achiti akazozviziva kuti ndakamutengesera mbudzi yekuba. Tete vangu vekuBulawayo vakazotsvaga $30 ndokumudzosera pamberi pasabhuku.

“Apapo ndakazopihwa sauti nemumwe mushonga uyo ndakanzi ndinosanganisa neweti yangu ndopota ndichizora mumaziso asi hapana chakafamba,” anodaro.

Murume uyu anotiwo akaba nharembozha yehanzvadzi yake Ema Gambe, uyo parizvino ave kuSouth Africa, neyasekuru vake, VaAgrippa Charumbira, dzose akadzitengesa.

“Vanhu vose ava vakatsutsumwa zvikuru nekuda kwemaitiro angu. Hakuna akanga achada kundiona pamba pake nekuda kwekuba. Vakandiona vaitokiya dzimba.

“Ndaibawo huku, zvikuru mumisha kusanganisira dzehama dzangu tichidya kumba kwedu. Handaigona kuseva nemuriwo, zvaiyera izvozvo.

“Nhasi zvaoma veduwe, ndinoda kuroyonorwa ndionewo uye kana munhu akaita izvi achida kuripwa, ndinozozviita ndava kuzvishandira. Iye zvino hapana zvandinogona kuita.”

Gambe anoenderera mberi achiti: “Munhu chaiye akandigadzira ndinomuziva, ndinomubata kwandinofamba uye akatozvibvuma. Saka ndinokumbira kuti andiroyonerewo kana kuti vanokwanisa kundibatsira vaite tsiyo nyoro.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevamwe vanhu vanonzi naGambe ndivo vakamushandisira mushonga wekuti aite bofu.

Vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhamba dzinoti 0718 773 986.

 

Share This:

Sponsored Links