Uncategorized

ndapedza dzinza: madzibaba

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
ndapedza dzinza: madzibaba

Kwayedza

— ‘Mwedzi waZvita kunotofiwa’
— ‘Ndini ndava kufanirwa kufa

Malven Mugadzikwa —
“ZVANGU zvekuti uku ndiri muporofita, uku ndiri n’anga handichada. Ndati handichada hangu, nekuti zvandipedzera dzinza rangu!”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemurume wechidiki wekuMuzarabani, kuMashonaland Central — uyo kwenguva refu anga achizviti muporofita asi achiitawo zvehun’anga panguva imwe chete — ukuwo hama dzake dzichipera kufa.

Panashe Kuwana (24), uyo anoti hama dzake dzapera kufa uye iye ndiye ava pachinhano chekufa, ari kuti haachada mabasa emishonga yekuromba.

Kuwana — uyo anozivikanwa nezita rekuti Madzibaba Linobhayi — anopinda chechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe, iyo yaimbotungamirirwa naMicho kana kuti Maidhona, uyo waanoti ndiye akamupa tsvimbo nhatu, imwe yacho inofungidzirwa kuti yava nemakore anodarika 100, idzo dzaanoshandisa mubasa rake.

Anoti tsvimbo idzi ndidzo dzinomupa simba pakushandira vanhu, kusanganisira kuuchika vanhukadzi nekupa vamwe rushambwa.

Kuratidza kuti aneta nazvo uye zvava kumushungurudza, nemusi weSvondo wadarika Kuwana akafamba rwendo achibva netsvimbo idzi kumusha kwake kuMuzarabani kuuya kuzodzirasa kuimwe chechi iri muHarare.

“Handichazvida ini. Ndizvo zvandipedzera hama dzangu, dzinza rose rapera kufa. Ndava kutya nekuti ndini ndava kufanirwa kufa,” akaudza Kwayedza.

Kuwana anoti akatanga kuita izvi aine makore masere okuberekwa.

“Inini ndakaporofitwa ndiri mudumbu maamai vangu, vakanzi vachabara mwana mukomana uye ndichaita basa rekubatsira vanhu. Ndakanzi ndiregere kuenda kuchikoro zvichinzi izwi raMwari rakati ndimbomira apo ndakanga ndava nemakore masere okuzvarwa.”

Anoti agara achiita zvekuporofita zvose nehun’anga sezvo zviri izvo zvaiitwa nemukuru wavo — Micho — uyo akamudzidzisa basa iri uye akazofa ave nemakore 109 okuberekwa.

“Pakundiita zvandiri izvi, takaenda nevamwe vemuchechi medu kurimwe gomo rekuVictoria Falls uko takanopinda muninga. Ndakanga ndiine vhudzi refu, remhotsi, iro randakagerwa rikachengetedzwa pasi pebako. Ndipo pandakatanga zvehun’anga.

“Mabasa aya ndava kuda kuasiya nekuti ndiri kuona kuti mhuri yedu yapera nekuda kwezvinhu izvi. Ininiwo chava chijanha changu chekunzi ndife,” anodaro Kuwana, uyo asina kujekesa kuti mbonje iri pazasi pemhuno yake yakakonzerwa nei.

Anoti mumhuri mavo vaive vana vasere asi pari zvino vasara vari vaviri chete — iye nehanzvadzi yake.

Anotizve ari kutyira kuti anogona kufa chero nguva nekuda kwezvaava kusangana nazvo kubva paakafunga kusiya tsvimbo nemagemenzi aakapihwa kuchechi kwake.

“Tsvimbo idzi handichadzida, ngadziparadzwe hadzo. Imwe yacho ndakaipihwa muna 2009 asi yakanga yagara kwenguva yakareba nekuti ndiyo inonzi yaishandiswa naMicho kubva paakatanga chipositori nekuita zvemasvikiro,” anodaro.

Kuwana anoenderera mberi achiti: “Kuchechi kwedu ndinoona sekuti Micho asati afa takanga tava kumunamata nekuti akachinja magemenzi apo akanga ava kupfeka magemenzi matema. Patakamubvunza kuti sei mava kupfeka magemenzi matema, akati aiita izvi nekuti aisanganisa zvose — kusvikirwa nechiporofita.

“Pataiita misangano mikuru gore negore, aiti rimwe divi raigarwa nevemashavi, rimwe richigarwa nesu vechiporofita. Aizivikanwa semhondoro yemvura zvekuti aigona kungonaisa mvura patiri bedzi paadira kuti inaye.”

Kuwana anotsanangura mashandisiro aanoita tsvimbo dzake.

“Tsvimbo idzi dzaindibatsira zvakawanda. Imwe yacho yaindiratidza varoyi, kuparadzanisa vanhu muwanano, kuuraya chaiko, kushaisa vanhu mabasa chero akadzidza sei, magwaro ake haashande,” anodaro.

Anoti zvakare ari kutsvaga anomubatsira kurasa tsvimbo idzi asi zviri kuramba.

“Tsvimbo idzi ndakadziendesa kwakawanda, mamwe maporofita aidzitora achida kudzipisa asi zvairamba. Ndaizongoona dzadzoka.

“Ndaigona kungodziona dzadonhera pamberi pangu ndoshaya kuti dzabva kupi. Mukuda kudzorera tsvimbo idzi, ndakaita tsaona dzisingaperi, kusanganisira mumwe musi apo ndakamukira kuchipatara.

“Pese panoitika izvi, hanzvadzi yangu inorohwa nezvinhu zvisingaonekwe.”

Kuwana anoti ave nedambudziko rekubuda mututu, izvo zvaanoti micherechedzo yekuti ndiye ava kuda kufa.

“Kubva pandakada kuendesa tsvimbo idzi, ndinobuda mututu zvakanyanya.

“Kumba kwangu kune mazihari akakura ayo andinoda kuti aparadzwe. Munhu anokwana mumazihari aya zvekuti chero vakadzi vaibuda ropa zvisingaperi ndaivapinza mumazihari iwaya zvichipera,” anodaro.

Anoti rimwe gore akamboenda kunzvimbo inonzi Bani Rembizi kumunhu anonzi Borofano, kuMozambique, achida kubatsirwa kuti arase tsvimbo idzi asi paakadzoka kumusha akasvikowana baba vake vave kurwara zvisinganzwisisike.

“Baba vakanga vava kurwara, ndipo pavakanditi ndiende kunovhura rimwe bhodhoro, iro ravakanditi kana ndavhura, mvura yacho ndinorasa iro ndobva ndanorirasira kure.

“Pandakaita izvi, ndakasvika kumba ndikawana baba vafa,” anodaro.

Kuwana anoti chimwe chava kunyanya kumunetsa ifiro iri kuita vemhuri yake, izvo zvaanofungidzira kuti zvine chekuita netsvimbo idzi.

“Mumba medu hapana anorwara. Chinondishamisa ndechekuti kazhinji kacho ndikangobuda ndichida kunogadzirisa nyaya dzemishonga netsvimbo idzi, panobva pasara pachifa munhu. Tava kutoziva kuti kudzinza kwedu kubva musi wa12 kusvika 23 Zvita wegore rega-rega, panotofa munhu chete.

“Gore rapera, pakafa mukoma wangu akaita zvekurovera nemota kuSouth Africa. Mumwewo akangoti musoro ndokutofa, mumwe ndokuti gumbo akaita chiveve akabva afa zvakare.”

Kuwana anoti paakange achiri kuita basa rake rehun’anga nehuporofita, akabatsira vanhu vakawanda kusanganisira mumwe ane mukurumbira muno, uyo waanoti akazomuvakira imba inotyisa kuMuzarabani.

Share This:

Sponsored Links