‘Ndapfidziswa nenyoka’

13 Mar, 2015 - 10:03 0 Views
‘Ndapfidziswa nenyoka’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wechidiki wekuChitungwiza, nyakubuda pachena gore rapera achiti anoitwa zvinorova nezinyoka pamwe nezvidhoma, anoti nyoka iyi yamupfidzisa sezvo dambudziko iri achiinaro.Violet Chita (29), uyo anobva kwaNyajina, kuUzumba asi achigara panhamba 3876 Zindi kuUnit D, kuChitungwiza, afunga zvekunopotera kuchechi sezvo nyoka dzamuonesa chitsvuku.

Chita gore rapera akabuda munhau apo akabata mutori wenhau uno huruweki ndokukikiritsana naye zvakasimba apo Kwayedza yainge yasvika pamba pavo ichida kunzwa nezvedambudziko rake.

Kubva ipapa, Chita anoti haana kuwaniswa zororo nezvinhu zvinomushungurudza izvo.

Chita akazofunga kunopotera kuchechi yeUnited Family International Church (UFIC) mazuva mashoma adarika uko kwaanonzi ari kubatsirwa.

Mutauriri wechechi iyi, Pastor Prime Kufakunesu vakatsinhira kuti Violet akaenda kuchechi kwavo ndokunamatirwa nemukuru wechechi iyi, Prophet Emmanuel Makandiwa.

Pastor Kufakunesu vakazoudzwa kuti Chita achiri kuoneswa moto nezvinhu izvi ivo ndokuti:

“Mudzimai uyu akanamatirwa, vamwe vanogona kuti vadzikinurwa vodzokera vonobata zvinhu zvemunyika kana kudzokera kun’anga nekudaro hatizive zvakazoitika ikoko adzokera kumba. Asi nyaya hombe ndinoda kumuona.”

Chita anonzi akaenda kuchechi uku akabata bepanhau reKwayedza raiva nenyaya yake yekuti anoshandiswa nenyoka nezvikwambo izvo zvinomuita mukadzi.

Anonzi akasimudza bepanhau iri achikumbira kuti abatsirwe izvo zvakazoita kuti anamatirwe naProphet Makandiwa. Kwayedza yakashanyira Chita kumba kwavo nemusi weChitatu svondo rapera ichida kunoona kuti ave sei ndokumuwana aina amainini vake, munin’ina waamai.

Sezvakamboitika gore rapera, Chita akabva akabatwa nemweya ndokutanga kuda kurwisa vatori venhau.

Pakasvikwa pamba apa, Chita akapunzikira pasi ndokugwesha senyoka achikararadza apo akabvunzwa nezveutano hwake.

“Nhai (Kingstone) Mapupu (kureva mutori wenhau) wanyanya kundifumura mhani! Iwe Kingstone wanyanya kundifumura ndoraramira kupi? Ndini Edmond ndinogara mubani, ndavinga nyama yangu mhani ndiregei,” akadaro achibhidhirika.  Ainzi Edmond mumwe muporofita weJohane Masowe wemuHarare uyo anonzi nemudzimai uyu ndiye akaita kuti ave nedambudziko iri mushure mekunge amushandisira mishonga apo akaenda kumasowe kwake achida rubatsiro pane zvimwewo zvaimunetsa.

Pakatanga Chita kubatwa nemweya uyu, mutori wemifananidzo weKwayedza, Memory Mangombe, akatomborova bara kutiza ndokuzonodzoka adungamidzana nemutyairi Joramu Muchina.

Mushure mechinguvana, Chita akabengenuka ndokutanga kutaura pamusoro achiita seadzikama.

“Ndakaenda kuchechi uku ndikabatsirwa,” akadaro.

“Asi ndatambura veduwe-e, imi (vatori venhau) ndibatsireiwo. Ndakambogara kun’anga kwemwedzi 6 asi hapana chakabatsira. Baba vangu vakatengesa mombe vakapa mari kun’anga, ndinodawo kuchengeta mwana wangu.”

Anoti dambudziko rake richiripo. “Ndakaiswa nyoka nezvidhoma nemuporofita weJohane Masowe achida kuti sangano rake rikure. Zvinhu izvi zvandinzwisa,” akadaro.

Chita akazonamatirwa nevamwe vaanogara navo apo mweya uyu waitsidza kuti hauende.

Vamwe vaanogara navo, Mai Marjory Madya (36) naMai Itai Made (30), vakatsinhira kuti mweya uyu uchiri kumubata.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey