Ndasakura ndazunza: Zhakata

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Ndasakura ndazunza: Zhakata Leonard Zhakata

Kwayedza

Leonard Zhakata

Leonard Zhakata

ANENGE ari makuwerere svondo rinouya neChishanu kuHarare International Conference Centre (HICC) uko muimbi ane mukurumbira Leonard Zhakata nechikwata chake cheZimbabwe All Stars vanenge vachiparura dambarefu ravo rechi21.

Pachitiko ichi, Zhakata achange achitsigirwa nevamwe vaimbi vanosanganisira  Alick Macheso, Peter Moyo, Suluman Chimbetu naTinashe Magacha.

Muripo wekupinda mudopiro iri unenge uri $25 kune vaye vanoda kugara kumatafura embozha zvichidzika kuenda pa$10 ne$5 kune vamwe vose.

Achitaura nevatori venhau munguva yapfuura, Zhakata akavimbisa kuti dambarefu rake idzva iri mutakunanzva chaiwo.

Anoti akasanganisa musambo wake wakare newakati nyorovereri waari kuridza mazuva ano.

“Pangu ndaita, ndabika zvaibva uye ndichapakura pazuva rechisere mumwedzi waChikunguru gore rino. Ndinodaira kuti munhu wega-wega achawana chinomufadza panziyo gumi neimwe dziri padambarefu iri,” anodaro Zhakata.

Macheso anoti agadzirira zvikuru chiitiko ichi.

“Zhakata ndisahwira wangu mukuru wandinobatirana naye basa mukuimba kwedu,” anodaro Macheso apo aitaura nevatori venhau. “Musi uno taive naZhakata achibatsira kupemberera kusvitsa kwangu makore makumi mana nemasere saka tichave nayewo tichipemberera dambarefu rake idzva. Ndizvo zvinotaridza kubatana kwevaimbi.”

Moyo anovimbisawo kuti padopiro iri iye nechikwata chake cheUtakataka Express vachange vachirakidza kamwe kamutambiro katsva kavari kudzidzira parizvino kanonzi “Bata bhora”. “Tinokoka vose vanonakidzwa nemagitare vauye kuzoona kamutambiro katsva aka,” anodaro Sukol Dube anove mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa kuchikwata ichi.

Mutauriri wechikwata cheSulumani Chimbetu cheOrchestra Dendera Kings, Joel Nyamungoma,  anoti vanofara chose kutsigira Zhakata anove mumwe wevaimbi vakazvininipisa munyika muno.

“Hakudanwe anonzwa musi uyu, tiri kuuya takagukuchira mitakunanzva yega-yega kuti tifadze vanhu,” anodaro.

Zvakadaro, Magacha anotiwo anoona Zhakata semurairidzi wake uye anovimbisa kuti achange achiimba chimbo chake chaita mukurumbira watekeshera nenyika yose chinonzi “Mvura ngainaye”.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>