Uncategorized

‘Ndava murume wetokoloshe’

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Ndava murume wetokoloshe’

Kwayedza

Daphne Machiri —
PANE murume wekuBindura ari kuti atambura nekunzwa mazwi anotaura zvakasiyana munzeve dzake, kusanganisira kumuti upenyu hwake huri mumawoko ezvidhoma kana kuti “tokoloshe” uye kuti haafe akaroora.

Timothy Mbedzi — uyo anogara panhamba 144 Potland Farm — anoti dambudziko rake rakatanga pakashaya mukadzi wake mugore ra2014.

“Zvakatanga muna2014 pakafa mudzimai wangu Verengai Karimanzira Mahwani. Zvichitevera kufa kwake, ndakaedza kuroora kanokwana kaviri asi madzimai acho nevana vaingofa,” anodaro Mbedzi.

Anoti anonzwa munzeve make izwi rinoti haafe akaroora zvakare.

“Ndinonzwa izwi richiti, ‘Tisu zvidhoma, takakupihwa, haufanirwe kuroora’. Nzveve dzangu dzava kugara dziine maungira, ndinonzwa muchirira nyenze pamwe nehanga dzinochema. Zuva rega-rega ndichimuka ndinopenyerwa nemheni nemoto mutsvuku uye maziso angu anobva atanga kubuda misodzi,” anodaro.

Anoti ane fungiziro yekuti izvi zviri kukonzerwa nezvakaitika apo mudzimai wake akashaya sezvo achiti akagara nechitunha chake mumotokari kwemazuva maviri vari parwendo kubva kuBeitbridge kuenda kuBindura.

“Ndinongofungira kuti zviri kukonzerwa nemavigirwo akaitwa mudzimai wangu. Baba vake, VaMatanhire Karimanzira, vakauya vachitora mutumbi wake kuBeitbridge uko kwataimbogara tisati tatama. Ndakaita mazuva maviri ndakagara nechitunha mumotokari kumashure chakaputiridzwa negumbeze chikapedzisira chave kunhuwa nekubuda mvura uye chakange chafuta,” anodaro Mbedzi.

Anoti mudzimai wake haana kuvigwa zvine chiremerera.

“Takamuviga sembwa mudzimai wangu, ndipo pakatanga zvose izvi.”

Anoti mumaziso ake anoona munhu achifamba pamberi pake asi vamwe vaanenge anavo vasingamuone.

“Ndinoona munhu anoti vhee kufamba mumba mangu uye ndikati ndiyani ndinonzwa ruzha semunhu anotovhura gonhi obuda mumba.

“Izvi zvikaitika, ndinonzwa dzungu, dzimwe dzenguva ndotodonha. Pamwe ndinonzwa ruzha rwemota dzinodhumirana.”

Anoti anombofamba kumaporofita nekun’anga asi hapana chiri kushanduka. Kwayedza haina kukwanisa kutaura natezvara vemurume uyu, VaKarimanzira, kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links