Ndava musvuu: Tsandukwa

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
MUMWE samusha akachema-chema mudare achida kuti ridzikise mari yemendenenzi yaari kubhadhara pamwedzi achiti upenyu hwamuomera zvekusvika pakudya nhoko dzezvironda. Grassmore Tsandukwa akaendesa aimbova mudzimai wake, Gladys Sandi, kuHarare Civil Court achikumbira kuti $70 yaari kubhadhara yekuchengeta vana vatatu idzikiswe kusvika pa$50 pamwedzi.

“Changamire, upenyu huri kundiomera zvekuti mari yekubhadhara mendenenzi iri kundinetsa. Ndinoshanda basa rewindow glazing zvino mazuvano nekuoma kwaita zvinhu munyika, mabasa acho ari kunetsa kuwana.

“Ndinogona kuita mwedzi wose kana miviri pasina kana basa ramuka. Kutaura kuno ndakagara zvino mari yemendenenzi handisi kukwanisa kuiwana. Zvisiri izvozvo handaimbonetsekana nekuchengeta vana vangu. Chikumbiro changu kuti dai mari yadzikiswa kusvika pa$50,” akadaro Tsandukwa.

Sandi akapokana nechikumbiro chaTsandukwa achiti hazvaiita kuti mari iyi idzikiswe.
“Ini handioni zvichiita kuti mari iyi idzikiswe kusvika paari kutaura nekuti $70 itori shoma pavana vatatu. Pamari iyoyo ndipo panobva yechikafu, zvipfeko zvevana, kurapwa uye zvimwe zvavanoda. Haisi kutokwana, dai zvaiita yatokwidzwa nekuti ishoma,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akarasa chikumbiro chaTsandukwa achiti pakange pasina umboo hunoita kuti mari yaari kubhadhara idzikiswe.

Share This:

Sponsored Links