Ndawana mikana: Dauda

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views
Ndawana mikana: Dauda

Kwayedza

 . . . ndave kuenda nenyika

MUTAMBI weZPC Kariba, Dennis Dauda, uyo akahwina mubairo weSoccer Star of the Year wa2014 anoti kuhwina kwaakaita kwakamuvhurira mikana yakasimba yekutengwa nezvikwata zvekunze pamwe nezvimwe zvikuru zvemuno.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, D-Luiz sezita remadunhurirwa raDauda, akati gore rinotevera ari kubva kuZPC Kariba uko kwaakatamba nhabvu inodakadza.

Anoti chido chake ndechekuenda kunotambira nhabvu kunze kwenyika kwakaita sekuGermany kana South Africa uye kana izvi zvikakundikana achatsvaga chimwe chikwata chikuru chemuZimbabwe.

Anoti parizvino chikwata cheBidvest Wits chekuSouth Africa ndicho chakamborakidza shungu yekuda kumutenga asi ari kusiira nyaya yacho yose mumawoko amaneja wake uyo ari kumhanya-mhanya kugadzirisa zvinhu.

D-Luiz anoti kana dhiri iri rikabudirira acharitambira nemawoko maviri kunyangwe zvazvo aine chishuwo chekutambira zvikwata zvakaita seMamelodi Sundowns pamwe neSupersport United zvekuSouth Africa. “Nanhasi handina neremuromo kuti ndini ndakavhoterwa kunzi Soccer Star of the Year, chiremerera chikuru ichi.

“Kuhwina kwandakaita kwandivhurira mikana yakasimba nekuti gore rinotevera ndava kuenda nenyika. Ndiri kubva kuZPC Kariba ndichinotambira kunze kwenyika.

“Maneja wangu ari kumhanya-mhanya kunditsvagira chimwe chikwata chekunze chekunyika yeGermany pamwe nekuSouth Africa zviri kuda kunditenga.

“Maneja wangu akandiudza kuti Bidvest Wits yekuSouth Africa iri kuda kunditenga saka ndichangomusira nyaya dzacho dzese kuti agadzirise.

“Kana zvikabudirira ndiri kuenda asi kana zvikazotadza kuitika ndichatsvaga chimwe chikwata chihombe chemuno chekutambira,” akadaro Dauda.

Zvakadaro, Dauda anoti mwaka unotevera achaedza kuramba achitamba nhabvu yemhando yepamusoro pamwe nekubatsira chikwata chaachenge achitambira kuhwinha mukombe.

Anoti kuhwina mikombe sechikwata ndiko kwakamukoshera kunyangwe hake achiti dai pasina vamwe vatambi veZPC asina kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year.

“Gore rinotevera ndinoda chaizvo kuhwina mibairo yakawanda nechikwata chandichange ndichitambira. Ndozvakakoshera mutambi wese.

“Kuhwina kwandakaita Soccer Star kunodadisa hako asi chikuru mibairo yatinohwina sechikwata,” akadaro Dauda.

Akaenderera mberi achiti matambiro aakaita nhabvu mwaka wadarika anoita kuti akodzere kutambairawo chikwata chenyika chemaWarriors uye akatarisira zvikuru mukana uyu.

“Izvezvi hangu ndave kungotarisira kuti zvimwe ndingashevedzwe kuzotambira maWarriors, chiremerera chikuru icho ndingatambire nemawoko maviri.

“Kana ndikapihwa mukana wekutambira nyika yangu aiwa ndichavarakidza tarenda rangu,” akadaro Dauda.

 

Share This:

Sponsored Links