‘NdezveDeMbare’ . . . asi zpc ne caps united zvichirimo

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
‘NdezveDeMbare’  . . . asi zpc ne caps united zvichirimo

Kwayedza

APO ligi reCastle Lager Premier Soccer League rave kusvika kwamvura yacheka makumbo vamwe vatsigiri venhabvu nevaongorori vemutambo uyu vanoti pakati pezvikwata zvinoti Dynamos neZPC Kariba ndipo pane chichahwapura mukombe wegore rino.
Kwasara mitambo mishanu kuti ligi rePSL ripere uye parizvino Dynamos ndiyo iri kutungamira palogo iine mapoinzi 49 ichiteverwa neZPC Kariba iyo iri kufemera mugotsi mayo nemapoinzi 47 kuchizotiwo CAPS United yakagara pechitatu ne45 poinzi.

Zvikwata zvitatu izvi zvine mukana mukuru wekuhwina ligi mwaka uno asi zvinotofanirwa kuhwina mitambo yazvo yese yasara uye chinongokundwa chete mumutambo mumwe chete chinobva chatosara.

Vamwe vaongorori venhabvu vakataura neKwayedza svondo rino vanoti zviri pachena kuti Dynamos iri kurambira nemukombe, vamwewo vachiti ZPC Kariba ichanyora nhoroondo nekuhwina mukombe uyu mumwaka wayo wekutanga ichangobva kuDivision One.

Nyanzvi yekuongorora mutambo wenhabvu munyika Charles ‘CNN’ Mabika anoti anoona DeMbare ichirambira nemukombe uyu sezvo ine mitambo yakareruka kudarika zvimwe zvikwata.

Anoti gore rino, kusiyana nemamwe adarika, mukombe weligi uchahwiniwa pasara mutambo mumwe chete.
“Ini maonero angu ndeekuti zvikwata zvitatu izvi zvinoti Dynamos, CAPS United neZPC Kariba kana zvikahwina mitambo yazvo svondo rino panonakidza.

“Chichangokundwa chete chichasara nekuti rwendo urwu rwakaipa zvinotoda madhonza makuru chaiwo.
“DeMbare ndiyo yandinoona iine mukana mukuru wekuhwina mukombe uyu uye chikwata chichatora mukombe chichahwina pasara mutambo mumwe chete,” akadaro Mabika.

Shasha yakambonetsa ichitambira nhabvu kuCAPS United, Alois Bunjira, anoti zvichanetsa kubvisa Dynamos panyanga asi Kepe-kepe ine mukana mukuru wekuhwina mukombe uyu.

Bunjira, uyo ave kuita basa rekuongorora mitambo paZiFM Stereo,  anoti parizvino Kepe-kepe iri kutamba nhabvu inofadza nekudaro inogona kutora mukombe uyu.

“Pasara mitambo mishanu zvinoreva kuti zvibodzwa 15 zvekutambira, ini hangu ndinofunga kuti CAPS inozviita nekuti iri kutamba nhabvu yemandorokwati.

“DeMbare zvinonetsa kuibvisa panyanga asi zvese zvine mukana mukuru wekuhwina. ZPC handiione ichipinda kana mutop 2 chaiyo, mukombe uchatorwa neDeMbare kana Kepe-kepe,” akadaro Bunjira.

Imwe shasha yekuongorora nhabvu ari zvakare mushamarari wezvemitambo panhepfenyuro yeStar FM, Spencer Banda, anoti ari kumhanya neZPC Kariba iyo yaakati yakarongeka zvikuru mwaka uno.

Anoti ZPC yakwanisa kuita zvinorova nekukunda zvikwata zvikuru zvemuPSL izvo anoti zvichaibatsira mukutora mukombe uyu.

Zvakadaro, Banda anotiwo Dynamos ine mukana mukuru wekuhwina zvakare ligi iri achiti murairidzi weDeMbare Callisto Pasuwa anoziva kurairidza nhabvu zvepamusoro-soro.

“Ini ndinoona hangu kuti ZPC Kariba nekurongeka kwayakaita inozviita gore rino.
“Hapana chinomboitadzisa kutora mukombe weligi nekuti murairidzi wayo Saul Chaminuka anoziva basa rake, ine vatambi vakaita saLimited Chikafa vane ruzivo rwekutamba nhabvu vanoziva kuhwina ligi (Chikafa akahwina ligi kaviri achitambira CAPS United) uye pachezvavo vakarongeka mubasa ravo.

“Asi Dynamos ngatisaikanganwe nekuti apa ndipo painoita mashave, Pasuwa ndipo paanorakidza hunyanzvi hwake,” akadaro Banda.

Mutsigiri wenhabvu, Kervin Mujuru, anoti DeMbare ndiyo ichatora mukombe sezvo mitambo yayo yasara yakareruka zvikuru.

Mujuru anoti zvakare DeMbare ichange iri pamusha pamitambo yayo yese yasara izvo zvichaibatsira kuti ihwine.
Anoti vatsigiri venhabvu ngavasatarisire CAPS United pasi sezvo iri kutamba nhabvu inodakadza.

“Ndinoona sekunge Dynamos ichabata basa hayo asi inotofanirwa kusunga dzisimbe nekuti pakaipa mukombe hauuye nyore.

“Inotofanirwa kukwinya zvakasimba nekuti ZPC iri kutofemera mugotsi mayo iri kudawo ligi iri. Vazhinji hedu tiri kupishana pfungwa tichiti zvimwe kuda iDeMbare kana kuti ZPC zvichatora ligi asi ngatingwarirei Kepe-kepe iyo iri kufemera mugotsi mezvikwata izvi.

“Iri kuuya kuipa uye inawo mukana wekutora mukombe wegore rino,” akadaro Mujuru.
Zvakadaro, kunenge kusingadanwe anonzwa svondo rino muligi apo zvikwata zvese zvichange zvichibandana.

Dynamos ichange iri pamusha apo ichasangana neChapungu, kozoti ZPC Kariba iri kunanga kuZvishavane uko ichanosangana neFC Platinum kuMandava Stadium.

Highlanders ‘Bosso’ iyo isina kumbobvira yatamba zvinogutsa kubvira pakabva murairidzi wayo, Kelvin Kaindu, iri kusangana neChicken Inn. Panguva ino zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuBosso uye inofanirwa kurwa semvumba kana ichida kuramba ichikwikwidza zvemhando yepamusoro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey