‘Ndezvefc Platinum’

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Ndezvefc Platinum’

Kwayedza

Abel Ndooka —
KUNOTSVA demo kugosara mupinyi nemusi weSvondo kunhandare mbiri dzinoti yeAscot Stadium kuGweru neNational Sports Stadium muHarare apo zvikwata zviviri – FC Platinum neDynamos – zvichatamba mitambo yazvo yekurwira mukombe wePremier Soccer League.

FC Platinum, iyo iri kurairidzwa naNorman Mapeza, ichasangana neChapungu uye inofanirwa kukunda mumutambo uyu kuti igotora mukombe.

Kana FC Platinum ikatora mukombe uyu, inobva yaita chikwata chekutanga chisiri chemuHarare kana Bulawayo kusimudza mukombe wePSL.

Kozoti Dynamos FC – iyo iri kurairidzwa naLloyd Mutasa – iri kusangana neChicken “Gamecocks” Inn uye inofanirwa kuhwina mutambo wayo zvakare kana ichida kutora mukombe uyu.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevatsigiri venhabvu vakasiyana avo vanoti vamirira kuona shasha yePSL yegore rino.

Mumwe wevatsigiri vakuru veDynamos, Kervin Mujuru, anoti kunyangwe zvake achida kuzvisimbisa kuti DeMbare ine mukana wekuhwina mukombe uyu, haaone FC Platinum ichikundwa kana kuita mangange neChapungu United svondo rino.

“Norman Mapeza akabata mukombe uyu neruwoko rumwe chete saka handione achiuregedza. Hapana paachakundwa neChapungu nematambiro ari kuita FC Platinum yake. Gore rino nderakewo akabata basa, anga ave nemakore achingopotsa mukombe uyu nepadiki,” anodaro.

Nelson Gomera wemuHarare anoti chishuwo chake ndechekuti Dynamos itore mukombe uyu uyo yave nemakore ichitadza kuusimudza.

Anoti FC Platinum inogona kudzokororwa zvayakaitwa mugore ra2011 apo yakazongobvutirwa mukombe uyu pamuromo payakange yave neidi rekuti yatouhwinha.

“AnaFC Platinum vachiri vatete, rangarirai 2011 yakazongobvutirwa pamuromo ichifunga kuti yabata basa. Saka ngaimbomire kupembera nekuti mutambo wenhabvu wakaoma bhora rinotambwa maminitsi 90 uye achange akavaremera maminitsi aya musi uyu.

“Tongozvisiira mumawoko eChapungu pamwe inogona kutibatira basa sezvatakamboitirwa neCAPS United mugore ra2011 apo yakazvambura ZPC Kariba pazuva rekupedzisira isu ndokubva tasimudza mukombe uyu,” anodaro Gomera.

Ngoni ‘Madhambu’ Chimalizeni anoti mukombe wePSL uri kutorwa neFC Platinum.

“Ini ndinomhanya neDynamos pazvese asi handioni ‘tichiluma’ nekuti tine mutambo mukuru neChicken Inn. Gore rino ndezvePlatinum hapana paichamiswa neChapungu United,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naLovemore Dodo weBulawayo achiti mukombe mwaka uno ndeweFC Platinum.

“Mukombe waenda neFC Platinum uyu, hapana paichakundwa neChapungu United kana tichiongorora matambiro ayange ichiita mitambo yayo yadarika,” anodaro Dodo.

Share This:

Sponsored Links