Ndezvemumhuri: Malajila

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Ndezvemumhuri: Malajila Cuthbert Malajila - (Mifananidzo: Wilson Kakurira)

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors neBidvest Wits yekuSouth Africa, Cuthbert Malajila, anoti shuviro yake kuona vanin’ina vake vachisvika kure mumutambo uyu asi vanofanirwa kushanda nesimba kwete kushandisa zita rake.

Cuthbert – uyo ari pazororo zvichitevera kupera kwakaita mwaka wenhabvu wekuSouth Africa uko kwaakahwina mukombe weABSA Premiership – ane vanin’ina vatatu vanoti Obert (19), Gedion (15) naJames (14) avo vari kubikwa tarenda ravo kuchikwata chake cheCUMA Academy chinokwikwidzwa muZifa Division 2. Muhurukuro neKwayedza nguva yadarika, Cuthbert anoti chinhu chimwe chete chaanoda kuona vanin’ina vake vachiita zvinorova munhabvu kudarika zvaari kuita iye.

“Ndichitarisa vapfana vangu, vane mukana mukuru kudarika wandakawana ini ndichiri mudiki pandaikura mukutamba nhabvu nekuti vane zvese. Vari muchikwata cheCUMA Academy icho chinobika vatambi vechidiki chichivagadzirira remangwana ravo saka vakatambisa mukuna uyu hameno havo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ini ndakashanda nesimba kuti ndive pandiri apa uye ndikahwina mikombe yakawanda saka ndinoshuvira chaizvo kuti vanin’ina vangu vaendewo kure kudarika pandakasvika, vatambirewo zvikwata zvikuru.”

Achitanga kutamba nhabvu, Cuthbert akatambira zvikwata zvinosanganisira Western Pirates, Young Swallows neDavid Whitehead. Muchinda uyu akazoita mukurumbira achitambira Chapungu United, Highlanders neDynamos asati aenda kunotambira kunze kwenyika.

Zita rekuti Malajila rave kutopfumbira munyaya dzenhabvu sezvo kune vamwe vakaita mukurumbira mumutambo uyu kare.

Cuthbert anoti vanasekuru vake vanosanganisira Bwanale Malajila, James Malajila naMalajila Malajila vaitamba nhabvu. Kozoti baba vake – Enerst Makosa – vakambotambira Rio Tinto nemaWarriors.

Anotiwo mwanakomana wake ane makore maviri ekuberekwa anonzi Cuthbert Junior ane rudo nenhabvu zvakanyanya.

“Mwana wangu uyu anodisisa nhabvu, anogara achindiona paTV ndichitamba nhabvu saka kana ndaenda kumba anenge ave kuti ‘Dad hande panze tinotamba nhabvu,’’’ anodaro.

“Zvinhu zvinondifadza nekuti zvinorakidza kuti mwana wangu achaitawo zvandinofarira.”

Zvakadai, Malajila anoti vatambi vazhinji vechidiki vane vakoma kana hama dzakamboita mukurumbira munhabvu vari kukundikana kuenda kure mumutambo uyu nekuti vanenge vave kuedza kuda kuzviisa mutsoka dzevakoma kana hama dzavo.

Anopa muenzaniso wasekuru vake vanonzi Donald Malajila uyo waanoti aive nechipo chaizvo chekutamba nhabvu waakabatsira kuenda kuDynamos asi akazozvikanganisa apo paakatanga kuzviona saiye Cuthbert.

“Vatambi vechidiki kana vaine hama dzavo dzakamboita mukurumbira ngavasashandise mazita avo vachifunga kuti zvinogona kuvabatsira kuenda kure munhabvu.

“Ini ndakanyora peji ranguwo munhabvu saka ndinoda kuti vapfana vangu vaitewo zvimwe chetewo muhupenyu hwavo.

“Ndina sekuru vangu vanonzi Donald vaive nechipo zvekuti ndakavabatsira kuti vaende kuDynamos, vakatorwa. Asi dambudziko rakazovakanganisa izuva iro vakatanga kuzviona vari Cuthbert ndipo pavakabva varasika kana kuzoonekwa kwavakaenda havana kuzoonekwa zvakare,” anodaro.

Kubva achiuya kuzororo, Malajila ange achimboona mafambiro echikwata chake cheCUMA Academy achienda kumitambo yacho pamwe negadziriro dzacho.

Anoti shuviro yake kuona CUMA Academy – iyo akavamba akabatana namuzvinabhizimisi wekuKadoma Hubert Manyowa – ichizopinda muCastle Premier League rimwe gore sezvo chikwata chake chine mapoka anotangira paUnder-13, 15 ne17 kozoti chevakuru icho chiri muDivision 2.

Anoti iye zvino ari mushishi kutsvaga vakotsveri vanobatsira chikwata chake kuti chirambe chichibika vatambi vemangwana.

“Kutungamira chikwata chenhabvu kunorwadza asi ini naManyowa tiri kuedza kubatsira vatambi kuKadoma kuti vawane mukana wekusimukira mumutambo uyu uye vasvike kure.

“Isu mikana iyi takange tisina yatiri kuvagadzirira ndosaka tiri kuedza nepatinogona kuvasimudzira.

“Asi pazvese hatisi kuzosiya madzimai nekuti tine hurongwa hwekutangisa chikwata chemadzimai cheCUMA Academy Ladies. Madzimai anodawo mikana iyo inowaniswa vanhurume saka tiri kutangisa chikwata chenhabvu chekutanga chemadzimai chemuKadoma,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links