Ndichiripo: Pasuwa

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

— Vakawanda vanoda kuziva kuti Pasuwa ari kurarama sei

Abel Ndooka —

AIMBOVE murairidzi wemaWarriors neDynamos FC – Kalisto Pasuwa – anoti kubva zvaakasiya kurairidza chikwata chenyika ari kufara chaizvo sezvo ari kuwana nguva yekusasana nemhuri yake.

Pasuwa akave murairidzi wechitatu munhoroondo yenhabvu yeZimbabwe kutungamira chikwata chemaWarriors kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations asi achingobva kumutambo uyu basa rakasvika richipera.

Kubva zvaakasiya kurairidza chikwata ichi, haana kuzomborairidza zvakare nhabvu kunyangwe hazvo paimbotenderera mashoko ekuti aidiwa nezvikwata zvakawanda zvinokwikwidza muPremier Soccer League uye zvekuSouth Africa neTanzania.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, King Kali – sezita remadunhurirwa raPasuwa – anoti ari kufara zvikuru kuburikidza nekuwana kwaari kuita mukana wekuve nemhuri yake.

“Panguva ino ndiri kumba zvangu ndakambozorora uye ndiri kumbowana nguva nemhuri nevana vangu. Ndakaita makore matanhatu ndichiita zvenhabvu ndichinyima nguva kumhuri yangu saka izvezvi ndiri kumbovapa nguva uye ivo vari kufara nazvo zvikuru. Mhuri inoda nguva nababa vayo,” anodaro Pasuwa.

Kunyangwe zvake achiti haasi kuita zvenhabvu panguva ino, Pasuwa anoti mumiriri wake – Gibson Mahachi – ari kumhanya-mhanya kumutsvagira basa kune zvikwata zvakasiyana.

Anoti dzimwe nguva anombodanwa neshamwari dzake kuti adzibatsire kurairidza vechidiki pamwe nekuvapa mazano ekuti vasimukire.

“Zveramangwana rangu takazviisa mumawoko aGib- son Mahachi mumiriri wangu. Ini ndiri kufunga zvemhuri yangu chete nekuona kuti iri kufara here uye vari kuwana zvavanoda here,” anodaro Pasuwa.

Anoenderera mberi achiti: “Asi dzimwe dzenguva ndinombodanwa neshamwari dzangu kuzoona zvikwata zvavo ndichivabatsira kurairidza nekusimudzira vechidiki, uku ndiko kutandara kwandinenge ndichiita,” anodaro Pasuwa.

Vamwe vangade kuziva kuti Pasuwa ari kurarama sei panguva ino.

“Kushanda kwese kwandaiita, mari shoma yandaitambira ndaitangisa mabhindauko akasiyana ayo anove ndiwo ave kundiraramisa izvezvi nemhuri yangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>