‘Ndiko kuti munhu apfidze’

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Ndiko kuti munhu apfidze’ Beauty Chideme

Kwayedza

Munyori weKwayedza
VAMWEWO vanhu vanopa mafungiro akasiyana panyaya yekusunga murume kana mudzimai anenge ari muwanano kuti asazoita chipfambi. Mumwe chiremba wechivanhu — Mbuya Marita Ried — vanoshora tsika iyi vachiti hazvina kumbosiyana nehuroyi. “Madzibaba ava ngavasiyane netsika iyi vonamata Mwari mupenyu. Ko isu n’anga hatidaro wani?” vanodaro.

Madzibaba Strive Masango (30) vanotiwo hapana chakaipa pakuti vanhu vakaroorana vachengetedze wanano yavo kuburikidza nerunyoka.

Mashoko avo anotsinhirwa naBeauty Chideme (22) achiti rukawo rwakanaka zvikuru pakati pevanhu vakaroorana.

“Kusunga mukadzi wako kana murume hazvina kuipa, chakaipa kuisa rukawo pamunhu wausina kuroora kana kuroorwa naye,” anodaro Beauty.

Share This:

Sponsored Links