Uncategorized

‘ndimi makandiuraya, mukandichekeresa’

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘ndimi makandiuraya, mukandichekeresa’

Kwayedza

– Murume wekupondwa 1987 omuka ngozi

Kingstone Mapupu —
NGOZI yemurume anonzi akapondwa makore 30 adarika — muna 1987 — nhengo dzemuviri wake ndokuchekereswa mabhizimisi kwaSadunhu Sahumani, kuHonde Valley, kuNyanga yamuka chibhebhenenga sezvo iri kuuraya pamwe nekukonzeresa matambudziko makukutu kumhuri ine vanhu vanonzi ndivo vakamuponda ichiti yava kuda kuripwa nemombe gumi.

Sylvester Chakambesu Nyakurimwa ndiye ari kunzi ane ngozi iri kupfuka iyo yapedza kuuraya vemhuri yekwaHambira — uko kunonzi ndiko kune hama yakaponda murume uyu.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Mutasa svondo rapera pamberi mushure mekunge yakwidzwa nemwana wemushakabvu, VaWebster Nyakurimwa Chakambesu (78), avo vanove gotwe raSylvester. Dare iri rinoti mhuri yekwaHambira inofanira kuripa mombe 10 sezviri kudiwa nengozi iyi sezvo nyaya iyi yakatongwa kare makore mashanu adarika apo pakaturwa mutongo uyu.

Zvakabuda mudare iri kuti pakatongwa nyaya iyi pakawiriranwa kuti mhuri yekwaHambira inofanira kuripa ngozi iyi nemombe gumi.

“Imi vanhu vekwaHambira, muno mudare mweya wengozi wakabuda uchitaura, imi mukabvuma kuti Sylvester Chakambesu Nyakurimwa akapondwa akachekereswa, ndokunzi muripe mombe gumi idzo musati mabhadhara. Munonzi makangobvisa mbudzi yakauraiwa nemhuri yamakapondera nenjera (zviyo) mukabva masiya zvakadaro.

“Zvino tave kuchiisa gwaro rinoita kuti muchibhadhara, motipa nguva yekubvisa muripo uyu,” vanodaro Mambo Mutasa.

Mhuri yekwaHambira mudare iri yaiva yakamirirwa naLazarus Hambira (46) uyo asina kuramba nyaya iyi achiti, semhuri mhosva yavo yekuponda vanoiziva.

“Mhosva yekupondwa kwaVaChakambesu inozivikanwa mumhuri medu, hatiirambe. Vanhu ivava vakaponda ihama dzedu. Pakataurwa nyaya iyi kare, vanhu vakabvumirana kuti taizoita mudeme-mudeme mumhuri yedu yose. Asi vamwe vave kudududza, havachada kupinda mazviri.

“Umboo hwemhosva iyi huripo uyezve tinofamba tichizviwana. Kune vamwe vaitombobatwa nemweya wemunhu akapondwa uyu,” vanodaro VaLazarus Hambira.

Murume akapondwa anonzi aiva parwendo kunzvimbo yeNyamukwarara, kwakare kuHonde Valley apo akatanga kurwiswa husiku nevamwe vemhuri yekwaHambira vaive nembwa, ndokuzomupfupfuridza.

Vanonzi mushure mekumuponda, akazowanikwa asina dzimwe nhengo sedzesikarudzi, rurimi, tsoka, zvanza nenzeve. Vakamuponda vanonzi vakazotengesa nhengo dzaSylvester kune mumwe muzvinhabhizinesi weko, uyo asina kudurwa zita rake mudare ramambo. “Webster Nyakurimwa, anova mumhan’ari akaponderwa baba vake tinomuda pano pamwe nemhuri yekwaHambira neyekwaNyamukondiwa avo vanofanira kuwirirana maripiro avachaita ngozi iyi. Asi zivai kuti ngozi haichabhadharwa nevanasikana, tave kubvisa mari nemombe kana zvimwe zvipfuyo.

“Saka endai munogara pasi mutaurirane semhuri, modzoka pano muine chamasunga iro gwaro renyu rekukusungai kuti muchiripa rinenge ragadzirwa,” vanodaro Mambo Mutasa.

Sadunhu Sahumani, VaMoses Andrew Sahumani, vanotsinhira kuti ngozi haicharipwa nevanasikana sezvo iri mhosva huru pasi pemutemo wenyika ino.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda vanoti vanoda nguva yekuita tsvakurudzo vaone kuti mutemo unotii nekuda kwenyaya dzehumhondi dzinozoburitswa nengozi mushure memakore akawanda kudai.

Share This:

Sponsored Links