Uncategorized

‘Ndine chitunha muwodhuropu’

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
‘Ndine chitunha muwodhuropu’

Kwayedza

. . . chavakaviga mutumbi wembwa
. . . mugwaku chiwoko chemwana
. . . ndinosanduka kumbova nyoka

MUKADZI wekuEpworth, Harare, ari kuita kuimba chaiko achiti anoshandisa ruwoko rwemwana mucheche akafa semugwaku wekupakurisa zvekudya uye ava nemwedzi minomwe achigara mumba make nemutumbi wemumwe

mukadzi mutorwa wavakauraya nechikwata chevamwe vake.

Mukadzi uyu ari kuzviti muroyi, anoshanda nechikwata chevamwe vake vana uye mukadzi ane mutumbi waari kugara nawo uyu vairoya naye.

Mugwaku weruwoko rwemwana uyu anoti unoita kuti kana dai akabika sadza shoma zvakadii, rinokwana vanhu vakawanda zvekutozvimbirwa uye hupfu hwake haupere “zvekumhanya”.

Stella Gondo (50), uyo anogara panhamba 188 Muguta, anoti mutumbi uyu uri kuseri kwemubhedha wake muimba yaanorara.

Asi mashoko ari kutenderera munzvimbo iyi nepaWhatsApp ari kuti mutumbi uyu wakachengetwa muwodhuropu.

Stella anogara naamai vake, Mbuya Idah Gondo (100), uye baba vake VaRemous Gondo vakashaya kare.

Mbuya Idah Gondo vachitaridza vatori venhau wodhiropu yavo iri kunzi ine chitunha. — Mifananidzo: Innocent Makawa

Mbuya Idah Gondo vachitaridza vatori venhau wodhiropu yavo iri kunzi ine chitunha. — Mifananidzo: Innocent Makawa

Mukadzi uyu akadzoka kuzogara pamba nevabereki vake mushure mekunge arambana neaimbova murume wake.

Anotizve chikwata chavo chaive nevaroyi vashanu, kusanganisira mushakabvu Mai Jane Mushonga, avo vavakazoroya vakafa mushure mekunge varamba kuuraya mwana wavo kuti vamudye nyama, apo chakange chava chijana chavo chekuti vauraye munhu wemumba.

Mai Mushonga vanonzi vakangofa pasina kurwara nemusi wa13 Kurume gore rino.

Pamusoro paizvozvo, Stella anoti iye nevamwe vake vakauraya kamwana kacheche, kamuzukuru kaMai Mushonga, ako anoti vari kushandisa ruwoko rwacho semugwaku wekupakurisa sadza nekumwe kudya.

Anzi nevatori venhau avaratidze chitunha ichi, akati havagone kuchiona nemaziso avo, kunze kwekunge vari n’anga kana kuti maporofita vanoita zvemweya.

Stella anonzi akatanga kufumura nyaya yekuti anoroya iyi apo vakanga vaenda kunobatsirwa semhuri zvichitevera kurwara kwemumwe wemumhuri yavo.

Vanhu vaida kuona chitunha chinonzi chiri muwodhiropu pamba panogara Stella Gondo.

Vanhu vaida kuona chitunha chinonzi chiri muwodhiropu pamba panogara Stella Gondo.

Mhuri yekwaGondo inonzi yakaenda kun’anga inonzi Rosemary Marumba (43) — iyo inozivikanwa nekuti Mbuya Marumba Soko —apo shavi rehuroyi rinonzi rakanobata Stella ndokutaura zvose.

N’anga iyi, iyo inogara munzvimbo imwe chete iyi, inonzi yakaburitsawo mweya unonzi wairwarisa, Margarate Gondo (43), mumwe wevanin’ina vaStella. Mweya uyu unonzi wakati wainge uchitumwa naStella kuti uuraye Margarate.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira mhuri yekwaGondo ndokuwana iri pan’anga Mbuya Marumba Soko apo vaishoperwa nezvenyaya iyi.

Stella haana kana kukakama ndokuudza vatori venhau kuti iye “ishangwiti pakuroya”.

“Ndaifamba naMai Jane Mushonga pakuroya. Vaiva muroora wangu, mudzimai wemwana wavatete vangu. Tose tairoya kusvikira takazotanga kunetsana, ini nevamwe vangu tichiti jana ravo rekuti vaurayewo wavo mwana raive rasvika ivo vakaramba.

“Izvi zvakandibhowa tichibva tavauraya. Takangovamonya, takavatumira zvidhoma zvedu vakafa vasina kurwara zvinozivikanwa,” anodaro Stella.

Mukadzi uyu anoti pakafa Mai Mushonga, vakatora mutumbi wavo usati wavigwa vachishandisa mishonga, ndokuenda nawo uko vakanodya ziso chete, vari varoyi vana. Anoti kubva ipapo mutumbi uyu ari kuuchengeta kumba kwake uko ari kugara nawo mumba maanorara.

“Takadya ziso rekuruboshwe chete tiri vana kudaro, tikatoguta.

“Pavakange vave kuda kunomuviga, takaisa imbwa mubhokisi kuburikidza nemishonga, ndiyo yavakaviga mutumbi tikasara nawo. Ivo havana chavakaona.

Rosemary Marumba Soko

Rosemary Marumba Soko

“Vanotofunga kuti vakaviga munhu asi mutumbi wake ndinawo mumba mangu. Ndiri kutogara nawo izvozvi,” anodaro Stella.

Anoti vakazouraya zvakare mwana mucheche, muzukuru waMai Mushonga, mwana wemwana wavo, uyo Stella anoti vakangotora ruwoko rwechitunha chake urwo vanopakurisa sadza nemuriwo kumba kwavo.

“Tauraya Mai Mushonga, takazouraya zvakare muzukuru wavo tikabvisa ruwoko rwake urwo tinoita chigwaku.”

Anoti mutumbi waanogara nawo mumba uyu itsvimbo yake yekuroyesa.

“Huroyi ndakasiya ndatemerwa natete vangu,” anodaro Stella achivadura nezita.

Mhuri yekwaMushonga, kusanganisira murume waMai Mushonga — VaTilton Mushonga (68) — vanonzi vakazoshevedzwa kun’anga uko Stella airondedzera nyaya iyi.

Stella, achiudza Kwayedza, anoti: “Ndakataura pamberi pemhuri iyi kuti ndini ndakauraya Mai Mushonga nemuzukuru wavo.

“Handisi kunyara kutaura, ndakavazivisa kusanganisira iye mwana wangu (VaTilton Mushonga), kuti ndini ndakauraya mudzimai wake. Ndakamukumbira ruregerero pamberi pevanhu vaive pano, zvose nekuti ndini ndakauraya mwana mucheche.”

Kunze kwekusiirwa huroyi natete vake, Stella anotiwo akamboenda kune imwe n’anga kumapurazi ekwaGeorge, muHarare, uko aida mushonga wekuti arambe murume. Anoti kun’anga iyi akanopihwa mushonga wakazopanduka kuita nyoka.

Anotizve ndiye anogara neshamhu mbiri dzekuvhurisa makuva apo vanenge vachida kutora nyama yevanhu sezvo ari iye muroyi mukuru.

Stella anoti shamhu iyi nejira jena zvinogara mumuti kumba kwake. Zvisinei, zvinhu izvi zvinonzi zvava kun’anga iri kuvashandira.

Stella anoti zvakare mutumbi wechitunha waari kugara nawo mumba make hauonekwe nevanhu vose-vose kunze kwevaroyi chete.

Anoenderera mberi achiti: “Tinoshandisa rusero pakunoroya uye zvidhoma tinazvo. Ini ndini mukuru wavo, ndinovhura makuva. Takauraya vanhu vatatu vanoti Mai Mushonga, Mai Chambara nekacheche kekwaMushonga kane ruwoko rwatinopakurisa sadza semugwaku.”

Anoti kazhinji, nyama yevanhu vanoidyira mumba vakazorora zvavo uye iri mbishi.

“Hama dzangu dzava kuziva zvandiri — basa rangu. Ndinoda kubatsirwa, ndakapihwa huroyi uhwu ndisingade. Hanzvadzi dzangu (achidzidoma nemazita) nevamwe vanoziva dambudziko rangu,” anodaro Stella.

Mbuya Gladys Mutasa Marumba (65), avo vanogara pamba pen’anga iri kushandira Stella, vanoti mukadzi uyu ane shave rekuroya rakakomba.

N’anga Mbuya Marumba Soko inoti inokwanisa kubvisa mutumbi unonzi wakachengetwa mumba uyu.

“Ndiri kungomirira mhuri dzose dziri munyaya iyi kuti vawirirane tonoburitsa chitunha ichi. Asi hatidi kuti varwisane, anogona kubuda ari munhu chaiye, unogona kubuda wava mushonga kana akapindurwa nekuti varoyi vane mazano,” inodaro n’anga iyi. Pane mashoko ari kutenderera munzvimbo iyi anoti mutumbi uyu uri muwodhuropu maMbuya Gondo, izvo chembere iyi yakaramba vose naiye Stella.

“Vanhu vari kugara vakaungana pano vachiti vanoda kuona chitunha chiri muwodhuropu mangu, handizive kuti zviri kubva kupi izvozvo,” vanodaro Mbuya Gondo.

Vanoramba kutaura zvakawanda nekuda kwenyaya yaStella uyo ari kubuda pachena kuti muroyi nekuti ndiye ane mutumbi mumba make.

Pakashanyirwa pamba apa neKwayedza, pakawanikwa imba inorara Stella yakakiiwa sezvo ari kugara kun’anga.

VaMushonga, vanova murume wemushakabvu anonzi mutumbi wake uri mumba maStella, vanoti vane shungu zvikuru nenyaya iyi.

“Mukadzi wangu akafa asina kurwara, akangoti musoro ndokufa. Nyaya iyi yakazobudira kun’anga kwaMarumba saka zvizhinji endai munonzwa ikoko. Ehe, takamuviga kwaChiremba (kuEpworth),” vanodaro VaMushonga.

Zvichakadaro, mwanakomana wepamusha apa, Kenny, akadya magaka mambishi achida kurwisa vatori venhau achiti aisada kufungiswa nezvekufa kwaamai vake.

“Heyi, ibvai pano ndinoita ngozi mhani! Musataure nababa vangu, izvozvi vakabva muchipatara nekuda kwenyaya idzi, ibvai pano,” akadaro akazvivharira mumba, kunze kuchipisa zvikuru. Mumwewo mwanasikana wepo wechidiki nemudzimai wechikuru vakapindirawo munyaya iyi vachirambidza VaMushonga kutaura nevatori venhau.

“Imi sekuru, siyanai mhani nevanhu ava. Huyai kuno musataure navo, ngavaende kun’anga kwaMarumba kwakatangira nyaya,” akadaro mukadzi wechikuru uyu.

 

 Nechiwoko chemwana: 

Sadza, hupfu hazvipere’

STELLA Gondo anoti chiwoko chemwana mucheche icho chaanoshandisa semugwaku wekupakurisa sadza nemuriwo anochegarisa mumugomo kana musaga nochengeterwa hupfu senzira yekuti husapere sezvo chichitora hupfu kudzimba dzevamwe vanhu.

“Chioko ichi idivisi rekuti hupfu husapere mumba uyewo kunyange mukabika sadza shoma, rinokwana vanhu vose varipo, zvisinei nekuti vakawanda zvakadii. Ndizvo zvinoshanda chioko ichi,” anodaro.

Anoti mwana mucheche anofarira nemunhu wose chinova chikonzero chinoita kuti vanhu vafarire pamba pake iye Stella.

“Hupfu hwedu haupere. Kunyangwe tikabika poto inobikirwa sadza revanhu vaviri, vanhu gumi vanoguta,” anodaro.

Stella anoti vamwe vanoshandisa chiwoko chemwana mucheche ichi kusanganisa nembeu dzavo pakudyara muminda izvo zvinoita kuti vakohwe pakuru.

 

Share This:

Sponsored Links