Uncategorized

ndine mudzimu: murungu

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
ndine mudzimu: murungu Rebecca Green

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKADZI wechichena anogara kunyika yeUnited States of America anoti ava nemakore 15 achiita zvekushopera sezvo achizviti isvikiro renjuzu uye dzimwe nguva anofamba nepasi pemvura munyanza achienda kunoshandira vanhu kunyika dziri kure.

Kwayedza yakaita hurukuro naRebecca Green (50) pamusangano wekupera kwegore wakaitirwa varapi vechivanhu nevemakereke nesangano reZimbabwe National Practitioners ‘Association (ZINPA) muHarare nguva ichangodarika.

“Ndakatanga kubudirwa neshave renjuzu ndiine makore 35 ekuberekwa asi pakutanga handaiziva kuti chii chaiitika kwandiri. Kwaigona kungoita mhepo asi ndichiita sekunge ndiri kurota, ndobva ndatoendeswa kugungwa. Ndainogarako kwemwedzi wose ndichisangana nedzimwe njuzu dzechikadzi dzinenge dziri kudivi radzo apo dzechirume dzinenge dziri kwadzowo.

“Tiri pasi pemvura kudaro, tinopona nekudya madhaka nemupunga. Ndipo zvakare patinenge tichifundiswa kurapa. Seni ndinorapa zvirwere zvakasiyana uye ndikangotarisa munhu kumeso bedzi, ndinobva ndangoratidzwa raramo yake yose – yekumberi neyekumashure,” anodaro Green. Anoti ane chipo chekufembera zvinhu zvakavanzika nekupa kundiso kune vanenge vachida rubatsiro rwake.

“Ndinoshevedzwa kunyika dzakawanda sekuBrazil, kuJapan, Malawi, kuno kuZimbabwe, China nekumwe ndichinobatsira vanhu. Vamwe vanongochaya nhare ndotovadedemurira matambudziko avanenge vachisangana nawo nekuvapa kundiso pasina zviya zvekuvabvunzurudza. Zvose ndinozviratidzwa nevadzimu vangu vemumvura.”

Green anoti anobatsira zvakare vanhu vanotambudzwa nemadhimoni kana vaye vanorasa njere nekuda kwemweya yakaipa.

“Pamwe pacho ndikadeedzwa kuti ndizorapa vanhu kunyika dziri kure, kana mudzimu wangu wandibata, ndinotorwa nemvura ndopinda mugungwa ndichitoyambuka gungwa ndiri pasi kusvika kunyika yandinenge ndichienda.

“Ndinogona kudzokera zvakare kunyika kwangu kuAmerica ndiri pasi penyanza, pasina kukwira ndege. Mudzimu uri pandiri unoita kuti ndirarame zvakanaka, pasina kuparadza mari yakawanda.

“Ndinorapa vanhu vemarudzi ose, zvisinei nekuti mitauro yedu inogona kusiyana. SechiShona ndinotaura apo neapo,” anodaro. Green uyo anoti ane imba yehushwa yaakavakisa pedyo nerwizi iyo yaanoitira matare kuAmerica.

“Nditori nedare rangu guru zvekuti pandiri kuno kuZimbabwe ndiri kutoona vanhu vakaungana vachimirira kuti ndivabatsire. Vamwe vanobva kunyika dziri kure asi nekuda kwematambudziko anenge akavakomberedza, vanosarudza kuzotsvaga rubatsirokwandiri.

“Ndinoshandisa mishonga yakasiyana mukurapa vanhu zvirwere zvakaita segomarara, runyoka, vanenge vabirwa, kubvisa rushambwa, vanoda wanano kana kusimbisa dzimba, vanotsvaga mabasa, kugeza chibereko, kusimbisa bonde nezvimwe zvakawanda.”

Votaura pamusoro paGreen, Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZINPA, Sekuru Friday Chisanyu, vanotsinhira kuti mudzimai uyu anosvikirwa neshave renjuzu.

“Chivanhu chinobata marudzi ose uye chakatobvira nekuvachena, ndiko kusaka muchiona njuzu zhinji dziri dzechichena. Mabasa ari kuitwa naGreen tinoapembedza nekuti uyu munhu muchena asinganyari chivanhu chake.

“Green anotamba ngoma dzemashavi nekuputa fodya yebute uye ane matare ake kuAmerica. Kuno akatouya kumusangano uno kuti adzidzewo zvinoitwa nevamwe varapi,” vanodaro Sekuru Chisanyu. Zvichakadai, Green akadzokera kunyika kwake svondo radarika mushure mekumboshandira vamwe vanhu vemuno pamatambudziko avo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey