Uncategorized

‘NDINE MUSHONGA WEKUDIWA’. . . pfambi dzichitobata ‘mhene’ . . . mukadzi wemunhu achitoda

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
‘NDINE MUSHONGA WEKUDIWA’. . . pfambi dzichitobata ‘mhene’ . . . mukadzi wemunhu achitoda VaCharles Ndunge

Kwayedza

N’ANGA yekuChipinge ine mukurumbira, inoti ndiyo inopa mishonga yekudiwa – “mudiwadiwa” – kupfambi nema”small-house”, zvose nekuvarume, kuti vasarambwe nemunhu waanenge ada.

N’anga iyi inoti wainopa mushonga wekudiwa “haarambwe”, zvisinei nekuti mudzimai kana kuti murume wemunhu.

Kana murume chipukandipemwenje anogona kudiwa netsvarakadenga ndokunge “mhenya” yemukadzi yavhiringwa nemishonga iyi.

VaCharles Ndunge Makwiyana (85), avo vanozivikanwa nezita rebasa rekuti Sekuru Ndunge, vakaudza Kwayedza kuti vanobatsira vanhu vemuno nevekune dzimwe nyika avo vanoenda kwavari vachida kugadzirisirwa zvine chekuita nerudo.

“Munhu ane mushonga wangu wekudiwa anonetsa kumuramba, haarambike. Zvekunzi achembera, akashata pachiso kana kuti akaruramisa hazvina basa, unodiwa bedzi,” vanodaro Sekuru Ndunge.

Vanoti pane vanhukadzi, sepfambi, vanoenda kwavari vachivapa mishonga yekuti “vabate mhene”.

Munhau munogara makabuda nyaya dzevakadzi kana varume vachembera, ma”sugar mummy” nema”sugar daddy”, avo vanenge vachipengesana netukomana kana tusikana tudiki, vanhu vachitadza kuziva kuti vana ava vanenge vakanganiswa nei kusaona kuti vari kudanana nevanhu vasiri vezera ravo.

Kana vanoita zvechipfambi, dzimwe nguva veruzhinji vanotadza kunzwisisa kuti vanombozvifambisa sei, kukwezva “mhene” dzevarume zvisinei nekuti vamwe vacho vanenge vaine zviratidzo “zvekurohwa nematsotsi”.

Sekuru Ndunge vanoti vanopa mushonga wekudiwa kuvanhu vemuno nevanobva kunyika dzinosanganisira Mozambique, South Africa, Zambia, Malawi, DRC, Namibia neBotswana.

Musharukwa uyu anogara kunorimwa masamba, kuTanganda Tea Estates.

Pakashanyirwa Sekuru Ndunge nevatori venhau svondo rakapera, pamusha pavo pakawanikwa paine vanhukadzi vairatidza kuti vanoita zvechipfambi, vamwe vacho vaitonwa doro pabhawa riri pedyo, vakamirira kubatsirwa. Vamwe vakatanga kuverevedza vachitiza pavakangonzwa runyerekupe rwekuti pane vatori venhau.

“Iripo mishonga yatinopa kumadzimai vanotengesa miviri yavo ava sekupa kwatinoita vanotengesa zvinhu zvakasiyana, dzingava mbatya kana muzvitoro vachiita mari yakawanda. Mushonga watinovapa unokwezva varume kana kuti kupa raki kuvakadzi ava. Vakauya kuno tikavagadzira, aiwa zvinonofamba vozodzoka vachitenda,” vanodaro.

“Pane musikana wechidiki wekuSA (South Africa) anoita mabasa echipfambi uyo wandakashandira. Akadzoka svondo rakapera chairo aine motokari mbishi achitenda kuti zvakamufambira.

“Vakawanda vanouya, kusanganisira makaradhi ekuMozambique nevakadzi vechiRungu, vachida kubatsirwa munyaya dzekuti vadiwe.”

Sekuru Ndunge vanoti vanoyambira vakadzi vavanobatsira kuti vadzikame sezvo vachigona kuzokonzeresa bongozozo vava kurwirwa nevarume.

“Kana mukadzi kana murume ndamushandira, zvinoda kuti adzikame sezvo achizogona kurwisanisa vanhu vanenge vava kumuda,” vanodaro.

Kunze kwepfambi, Sekuru Ndunge vanoti vanobatsirawo vanenge vachida kuroorwa kana kuroora – hapana anoshaya mudiwa waanoda.

“Vasikana vanoda kuroorwa kana vakomana vanoda kuroora tinovabatsira pamwe nekudzosa varume kana vakadzi vakatiza dzimba. Nevanoda kurambana, tinoita asi zvimwe tinorambawo zvinodiwa nevanhu nekuona kuipa kwacho.

“Murume akatizira ku’small-house’ mukadzi wake akauya kuno tinogadzira, tinogona kuita kuti murume atadze kunoshanda ku’small-house’ ikoko.

“Kana kuti ‘small-house’ iyoyo tinoita kuti irambe ichitevera zvoshaya basa. Tinogonazve kusvibisa moyo, ungave wemurume kana mukadzi, kuti vanhu ivavo varambane.”

Vanoti vamwewo vanoenda vachitsvaga mishonga yekuti vachate.

Asi Sekuru Ndunge vanoshora zvikuru varume nemadzimai vanoita zvemubobobo.

“Kune varume nevakadzi vanoita zvemubobobo. Mishonga iyi haiitise nhumbu asi kuti vakadzi vanogara vachibva pamiviri kana vakada kuita vana,” vanodaro.

Vanoti chinodiwa chete kuvanhu vakadai, vane mubobobo, kuvaisira mishonga yerukwa inoita kuti vabatwe sezvinoitwa varoyi.

“Tinayo mishonga yacho, yekuti ubate munhu anouya achishereketa nemudzimai wako asingazvizive, kana kuti mukadzi anouya achishinha nemurume anoyedzerwa mumba imomo.

“Izvi zvinoitwa nevarume kana vakadzi vane ruchiva.

“Mishonga iyi mimwe chete neyekubata varoyi kuti vayedzerwe. Huroyi humwe hune mashavi asi zvemubobobo kuromba.”

Sekuru Ndunge vanoshandisa hakata dzerupasa kana kuti rukukwe pakukandira nekasha, iyo inoti kana pakabvunzwa zita remunhu, inobva yanongedzera munhu wacho.

Mutori wenhau uno akanongedzerwa nekasha iyi mushure mekunge Sekuru Ndunge vati inongedzere paaive.

N’anga iyi inobatsirwa mumatare ayo nemwanakomana wayo mukuru, Jabulani Ndunge (40), uyo anonzi ari muhurongwa hwekusiirwa hun’anga sezvo makore egodobori iri apindana.

 

Share This:

Sponsored Links