Uncategorized

Ndini ndakauraya: baba vemunhu

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Ndini ndakauraya: baba vemunhu KEFAS MUGWAGWA

Kwayedza

KEFAS MUGWAGWA

KEFAS MUGWAGWA

MHOMHO yevanhu vaiva parufu rwehama yavo kwaShe Gadzingo, kwaGutu kuMasvingo, vanonzi vakashaya neremuromo apo mumwe wehukama akabuda pachena kuti kufiwa kuri kuitwa mumhuri iyi ndiye ari kukonzeresa.
Nyaya iyi inonzi yakabuda pachena apo mumhuri iyi makanga mafa vanhu vaviri mumazuva akatevedzana izvo zvakazokonzera kuti murume uyu angoerekana ave kurotomoka pamberi pehama dzake achikumbira ruregerero nekufa kuri kuitika mumhuri iyi.

Murume uyu, zita tinaro asi hatina kukwanisa kumuwana kuti atipe divi rake, anonzi akangotanga kutaura nyaya yake panhamo yaGreatman Mugwagwa, uyo akashaya nemusi waNyamavhuvhu 7.

Mumwe wevanin’ina vemurume wekureurura uyu, uyo akatamira kuGokwe, Nemious Zinyemba, anonzi ndiye akatanga kushaika nemusi waNyamavhuvhu 5 mushure memazuva maviri Greatman achibva azoshayawo.

Mwana wemunin’ina wemurume uyu, VaMenus Mangwiro (42), vanoti nyakudura kuti ndiye ari kukonzeresa kufa kwehama dzake uyu, mushure mekunzwa nezvenhamo, akabva kwaave kugara apo akasvikotanga kutaura nyaya yake.

“(Zita remurume uyu) vakauya kuno kwaGutu vachibva kumunda kwavo vachivinga nhamo iyi. Vakatanga kutaura kuti kufa kwaiita vanhu ndivo vari kukonzera. Vakadura kuti vakauraya amai vavo mugore ra1974 apo vaida kutora hun’anga hwaiva naambuya ivava. Vanoti ndipo pakatangira mabasa avo,” akadaro Menus.

Baba vekunzi vakareurura ava, avo vasina kuonekwa neKwayedza payakashanyira dunhu iri svondo rapera, vanonzi vakaenda kun’anga, uko vakanopihwa mishonga yekuuraya amai vavo kuti vatore hun’anga nemashavi uye pari zvino anotove n’anga.

Munin’ina wemurume uyu, VaKefas Mugwagwa (67), vanoti vakashamiswa zvikuru nechiitiko ichi, kuti munhu anodura huroyi hwake pasina amubvunza.

“Uyu ihama yangu chaiyo, takasiyana chete kwababa asi amai vedu vamwe chete. Akauya panhamo yemwana wangu, Greatman, apo akatanga kureurura oga,” vakadaro. Vanoti nyaya yaakatanga kutaura ndeye kuuraya kwaanoti akaita amai vavo mugore ra1974 achiti aida hun’anga hwavo.

“Anoti ane kun’anga kwaakaenda ndokunonzi ape amai dahwa, datya, nemadororo ehangaiwa kuti vafe izvo zvakabva zvaitika. Saka iye zvino anoti ngozi yaamai ndiyo iri pamberi kupedza vanhu ava iyewo achishandisa mishonga yake,” vakadaro VaMugwagwa.

Amai vemurume uyu vaanonzi akauraya mugore ra1974 vainzi Avire Chinamasa, avo vanonzi vakangosvikofa apo akapinda mumba mavaiva achibva kun’anga.

“Apo akadura nyaya yake takazoisvitsa kwasabhuku wedu nekumadzisekuru, hanzvadzi dzaamai, vekwaChinamasa tikawirirana kuti tizoungana nyaya iyi itaurwe, kana kuchiripwa pamwe nekuti arase mishonga yake.

“Asi kwakawiriranwa kuti musi unounganwa uyu iye ndiye anotengera vanhu zvekudya,” vakadaro.

Vamwe vanhu vanonzi vakafa vakatevedzana mumhuri iyi vanosanganisira mudzimai waVaMugwagwa, Pauline Kukasira Paradzai, nemwanasikana wavo, Dorothy Mugwagwa.

Hanzvadzi yemurume ari kunzi akati anoroya uyu, Mai Dorica Mugwagwa (57), vanoti dai nyaya iyi yagadziriswa nekukasika “nekuti hazvichazivikanwa kuti ari kutevera kufa ndiani”.

“Huroyi hwake hwatishaisa mufaro, ave kubuda (pachena) nhasi kuti ndiye akauraya amai?

Kwatinofamba zvinonzi kwasara vatatu vaanoda kuuraya, ndini naivo bhudhi ava Mugwagwa naJoseph Matunga ave kugarawo kumapurazi,” vakadaro.

Zvinonzi pavana vakawanda vakaberekwa nemurume wekureurura uyu, vazhinji vacho vapera kufa zvisinganzwisisike. Mumwe wevana vemumhuri iyi, VaThompson Chindori (46), vakatsinhira kuti baba ava vakatanga kutaura voga kuti ndivo vakanga vauraya ambuya vake.

“Ini ndini ndakatanga kunetsana navo nenyaya iyi nekuti ndaisangana neminyama yakawanda. Vakatombopotsa vandiendera kumapurisa saka tamirira kuti tibatsirane navo semunhu akabuda pachena,” vakadaro.

VaWebster Madondo (57), avo vanove muvakidzani wemhuri iyi, vakati nyaya iyi inoshamisa.

Josiah Mukwimbi (30) wemunzvimbo iyi zvakare akati murume uyu akaita zvakanaka kudura mabasa ake kuti zvinhu izvi zvigadziriswe.

Sabhuku wemusha uyu, VaTitus Madondo, vakashaikwa vatori venhau pavakasvika pamusha pavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey