Uncategorized

Ndinobhururuka Nerusero: Muporofita

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Ndinobhururuka  Nerusero: Muporofita Vatendi vechechi yeHouse of Grace International Ministries vachiratidza jira rinonzi raishandiswa mukuroya nemukadzi akagara pasi (wechipiri kubva kuruboshwe) mukuroya nevamwe vake.

Kwayedza

Vatendi vechechi yeHouse of Grace International Ministries vachiratidza jira rinonzi raishandiswa mukuroya nemukadzi akagara pasi (wechipiri kubva kuruboshwe) mukuroya nevamwe vake.

Vatendi vechechi yeHouse of Grace International Ministries vachiratidza jira rinonzi raishandiswa mukuroya nemukadzi akagara pasi (wechipiri kubva kuruboshwe) mukuroya nevamwe vake.

MUPOROFITA wechikadzi weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku wekuHurungwe anoti iye nevamwe vake vanoshandisa machira matsvuku nerusero “sendege” yekuti vabhururuke vachinoroya vanhu.

Panguva imwe cheteyo, zvinhu izvi vanozvisevenzesa pakushandira vanhu kumasowe.

Madzimai Annah Makwenga (54) vakataura mashoko aya svondo rapera vachipupura kuchechi House of Grace International Ministries iri kwaMachipisa, kuHighfield muHarare, apo vaida kuti machira aya aparadzwe nekupiswa.

House of Grace International Ministries inotungamirirwa naProphet Sham Hungwe.

Kwayedza yaivepo mukadzi wechikuru uyu paakapupura pasina kunyara veruzhinji.

“Isu tinoenda kuchechi yedu tichishandisa simba rehuroyi apo tinobatsira vanhu kumasowe edu. Vanhu vanotopora sezvinoitwawo nevamwe vose. Asi manheru tinobudawo tichinoroya apo tinoshandisa machira matsvuku kushevedzana.

“Ukangorisimudza mudenga vamwe vedu vanobva vaziva kuti tave kuenda, vobuda tonosangana panzvimbo yedu,” anodaro mukadzi uyu.

Kwayedza payakada kuzobvunzurudza zvakawanda pamusoro pemashandiro emukadzi uyu nevamwe vake, akabva atanga kutsika-tsika.

“Sekunzwa kwamaita muchechi ndichipupura ndizvo zvinoitika, asi tiri kubatsirwa.”

Anoti vanoshandisa machira matsvuku zvakare kuisa murusero votakurana nevamwe kuenda kunzvimbo dzakasiyana vachinoroya.

Anotizve hakuna zvinhu zvinotyisa sezvo kunyange kumakuva vachinotambirako vachiita mabasa avo.

Prophet Hungwe vanoti musi wavakanamatira mukadzi uyu vachimubatsira padambudziko rake reshave rekuroya, pane varoyi vakapinda muchechi mavo masikati machena apo vaida kupisa jira raishandiswa naMadzimai Annah.Vanoti panguva yakapinda varoyi ava vakaona rima kumeso kwavo.

“Amai ava vakauya nejira dzvuku ravaishandisa mumabasa avo iro vaida kuti ripiswe uye mweya yakaipa yobviswe. Asi musi uyu zvaiva zvakaoma nekuti vamwe varoyi vakazopinda muchechi ndikavaona vaziva kuti vakanga vave kufumurwa. Nyaya inonetsa ndeyekuti varoyi havana kuti mumwe wavo ndewe kure kana kuti padyo vanoziva kana wave kuda kukanganisa mumwe wavo,” vanodaro Prophet Hungwe.

Vanoti pakapinda varoyi ava muchechi vakawanda, ivo vakaramba vachinamata.

“Ndakabata amai ava musoro nejira ravo rekuroyesa. Ndakaona rima kumeso nevanhu vazhinji vakapinda vakananga kwandiri ndokusimudza ruwoko ndichinamata kusvika vakabuda nenhendeshure, vose pamwe chete vaidarika gumi uye zvakaitika masikati machena. Amai ava tichiri kuvanamatira kuti vadzikinurwe mune zvose,” vanodaro.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey