‘Ndinobhurwa nemukadzi’

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
‘Ndinobhurwa nemukadzi’

Kwayedza

Memory Lemani
MURUME anogara achizvindikitwa nemudzimai wake pamberi pevana vavo akazonopotera kudare mushure mekunge adzingwa pamba.

Israel Kandemiri akamhan’arira mudzimai wake Magret Chilichei kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa ndondo isina mukare akamboona.

Kandemiri akaudza mutongi wedare iri Ruth Kamangira Samukange kuti: “Mukadzi uyu andionesa pfumvu, handina kana mufaro nekuda kwehunhu hwake. Anondishungurudza nekundirwisa pamberi pevana vedu.

“Kutaura kuno akandidzinga pamba. Isu tinogara kuActurus Mine uye imba yatinogara ndeyebasa. Mumwe musi ndakati ndichibva kubasa ndakaona gedhi rakakiiwa akandirambidza kupinda achiti haachadi kundiona pamba apa.

“Ndiri kutochengetwawo kushamwari yangu nekuda kwekuti handichabvumidzwa kupinda mumba. Nenyaya yematauriro aanoita neni, ndakabva ndatoregedzawo kupinda mumba macho sezvo taizosvitsana kusiriko.” Anoti dzimwe nguva mukadzi wake anomutevera kubasa achimutuka pamberi pevaanoshanda navo.

“Kana musi iwoyo zvake zvakakwidza anonditevera kubasa kuzopopota nekundituka pamberi pevandinoshanda navo. Ndatova chiseko chenyika nekuda kwemabatirwo andinoitwa nemukadzi uyu. Handizivi kuti chandakanyanya kumutadzira chii.

“Mazuva apfuura aya akapwanya mahwindo emotokari yangu akaviga zvakare magwaro angu efundo akakosha. Hasha dzake dzava kutondityisa nekuti zvichazoguma nepamwe. Sekuona kwangu, mukadzi uyu haagutsikani neni . Mutongi Kamangira Samukange akatambira chikumbiro chaKandemiri ndokumupa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links