‘Ndinochengeta amai vangu, kwete mwana’

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati haana mari yekuchengeta mwana wake asi yekuriritira amai vake. Spiwe Mutare akadhonzera Prince Mutini kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana wavo.

“Ndinoda $180 yekuchengeta mwana. Ndinoda mari yekutengera mwana mbatya, yechikafu nekumuendesa kuchipatara kana achinge arwara. Ini pari zvino ndinoita basa rekutengesa pamwe nekuita mabasa pano neapo achindipa mari shoma isingandikwanire nemwana,” akadaro Mutare.

“Baba vemwana uyu vanoita basa rekutyaira motokari yekumba kwavo. Anokwanisa kuwana $600 kupera kwemwedzi zviri izvo zvaaigara achindiudza mazuva ataidanana kunyangwe tisina kumbobvira tagara tose. Mari yacho anopihwa naamai vake vanova muridzi wemotokari yaanotyaira.”

Mutini akati mari yaanowana haisi yake saka haakwanise kuchengeta mwana.

“Changamire mari chaiyo iri kutondinetsawo zvekuti mari iri kutaurwa nezvayo handikwanise kuibvisa mukupera kwemwedzi woga-woga. Hongu, ndiri mutyairi asi hapana mari yandiwana nekuti ibasa repamba.

“Mari yandinobata ndeyekuchengeta amai vangu vandinogara navo. Ndichatotsvaga basa kuti ndiwane mari yekuchengeta mwana nekuti pari zvino zvinhu zvacho zvakatondiomera,” akadaro Mutini.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Mutini abhadhare $60 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>