Uncategorized

‘Ndinochengetwa nenyoka’ . . . ‘Ndakatowana mukadzi nazvo’ . . . Mupurisa akapotswa nepfumo

04 Feb, 2016 - 22:02 0 Views
‘Ndinochengetwa nenyoka’ . . . ‘Ndakatowana mukadzi nazvo’ . . . Mupurisa akapotswa nepfumo

Kwayedza

MUPURISA aiva pabasa achiferefeta nyaya yemurume wekwaChihota uyo anozviti anorarama nemari yekuchera nyoka achitengesa, svondo rapera akapona nepaburi retsono apo akapotswa nepfumo nemurume uyu achiramba kusungwa mushure mekunge awanikwa aine mukweshwa wenyoka yerudzi rwemhungu.

Izvi zvakaitika apo Kwayedza yaivawo munzvimbo iyi ichitsvagawo nyaya imwe chete iyi, yemurume anoti abata nyoka pamadiro achitengesera maporofita, n’anga nevamwewo vanhu vekune dzimwe nyika muno.

Constable Makuyana vepakamba yeZRP Mahusekwa, avo vakanga vaenda nemumwe mupurisa wechidzimai anonzi Constable Moyo kunoferefeta nyaya iyi vakazotadza kupedzisa basa apo Lovemore Lewis (40), uyo anozivikanwa nekuti “Chekamwana” akamuka chibhebhenenga nepfumo ndokuedza kuvabaya naro.

Kwayedza yakaenda kunzvimbo iyi nemusi weChina svondo rapera mushure mekunge yanzwa runyerekupe rwekuti Lovemore anochera nyoka, zvisinei nekuti dzakakura sei, achitengesa. Izvi zviri kutsinhirwa naMambo Chihota, VaRaphael Chigodora (40).

Achitaura neKwayedza apo zvake zvainge zvisati zvamubata, Lovemore anoti anotengesera nyoka dzaanobata, dzimwe nekuchera, kumaporofita, n’anga nevamwe vanhuwo.

Maporofita nen’anga idzi, vazhinji vacho vanozivikanwa nekuti vanatsikamutanda, vanonoshandisa nyoka idzi kunyepera kunge vadzibvisa mumisha yavanenge vachishandira senzira yekuti vawane mari kana imwe pfuma.

Murume uyu akaratidza vatori venhau, achitoganza kwazvo, dzimwe dzemombe dzaakawana mushure mekutengesa nyoka.

Lovemore anoti ndiye zvakare akadzidzisa murume waikoku – Grey Mupinganjira – wekubatwa nemapurisa emuHarare gore rapera aine mukweshwa wenyoka mubhegi, mabatirwo enyoka.

Mupinganjira akazomiswa mudare redzimhosva nekuda kwenyaya iyi ndokuti nyoka yaakabatwa ainayo yakange iri yenhaka yaakasiirwa naamai vake mushakabvu uye anoishandisa mukurapa varwere.

Mazuva aya, Mupinganjira akavimbisa kuti aida kuroya mapurisa vakamusunga nekuvaita mapofu asi akaudzwa chokwadi nemutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Paul Nyathi: “Isu hatikwatiswe.”

Lovemore anoti: “Handina nyoka yandinotya, kunyangwe yakadii. Mukaona nyoka ndishevedzei ndiichere. Ndinobata uye ndinodzida.

“Onai ruwoko rwangu rwerudyi urwu (achiratidza), ndakarumwa asi ndinozvirapa. Ndine mishonga yechivanhu yandinoshandisa kuita basa iri uye ndinoshanda naMupinganjira mukuita izvi.

“Ndava nenguva yakareba ndichiita izvi. Ndakatoroora mukadzi nazvo uye ndinoraramisa mhuri yangu nemari yenyoka. Ndakatenga mombe mbiri nenyoka uye mari yetsvakiraikuno $120 yandakaendesa kuvabereki vemudzimai yaiva yenyoka.”

Lovemore akati musi waakashanyirwa neKwayedza uyu akange asina nyoka zvisinei kuti vatori venhau vaive nerunyerekupe rwekuti aiva nezinyoka rainge rakamirira kutengeswa iro raiva rapedza svondo rakaiswa mumugomo muimba yekubikira.

Apo Kwayedza nevamwe vemumusha uyu vaitaura naLovemore, vamwe vakazoenda kuchuru chiri pedyo nemusha wake uko vakanoona mugomo waiva nezinyoka yerudzi rwemhungu, pamusoro wakavharwa nechivharo chaiva chakatsitswa nedombo.

Paakaziva kuti gure rake rafumuka, Lovemore akabva aviruka nehasha ndokutakura nemagumbeze nemabhegi achiti ainge otama pamusha apa ndokukanyaira achienda.

Panguva iyi, mapurisa ekuMahusekwa akabva aziviswa nezvenyaya yekuti murume uyu ane nyoka ndokutumira mapurisa maviri kuti vazomusunga.

Panguva iyi, mutauriri wedare raMambo Chihota, VaEddison Chigodora, Sabhuku Ukama, VaJoseph Matumba nevamwe vemumusha vakasara vakachengeta nyoka iyi.

Mupurisa wamambo, VaDouglas Furamera (57), Augustine Chigodora (32), Ancerino Lewis (29) naDaina Musanhi (35) anova mudzimai waLovemore, vaivepowo.

Kwayedza, iyo yainge yambonobatsira mapurisa kuti vasvike panzvimbo iyi nekukasika, yakazodzoka nemapurisa vakasvikowana Lovemore achinzi akanga adzoka akasvikovhundutsira vanhu vaiva vasara vakarindira nyoka. Anonzi aida kubaya vaivepo nemapanga maviri izvo zvakaita kuti chaunga chitize, iye ndokutora chikara chenyoka mumugomo ndokuikanda musango kuti iende.

VaFuramera vanoti Lovemore aida kurwisa wose aiedza kumudzivisa kusanganisira mudzimai wake, Musanhi, uyo waanonzi aipomera kuti ndiye akanga anomhan’ara nyaya iyi.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti vanhu vose vatize iye ndokuwana mukana wekutora nyoka iyi.

“Auya mukomana uyu achipenga zvisingaite aine mapanga maviri tichibva tatiza. Azovhura mugomo akatora nyoka ndokuibata muswe achibva aizeeretsa mudenga ndokuipotsera pasi pachivanze.

“Atanga kutaura nendimi seasvikirwa, azoivinga zvakare apo yanga yava kufamba akainhonga ndokuizeeretsa mudenga zvekare akaipotsera kuvanhu rikaita bararamhanya pano. Abva azoinhonga akanoipotsera kuchuru iri mhenyu, iye achibva anohwanda,” vakadaro VaFuramera.

Mapurisa vakazotanga kutsvaga Lovemore musango kuti

vamusunge. Paimwe nguva, akamboonekwa achisungirira mombe dzake kumapuranga ari pedyo asi ndokutsakatika.

Mapurisa nevamwe vemumusha vakazoronga zano rekumugarira pamba kuti vakwanise kumusunga izvo vakaita kusvikira kuma3 zuva ronovira.

Vatori venhau vakambobva panguva iyo Lovemore anonzi akasara akadzoka zvakare apo Constable Makuyana vaiva muimba isingagarwe vakahwandira.

Ndipo paakavasvikira ndokutora pfumo iro akavapotsera asi vakapona neburi retsono vachibva vati chitsoka ndibereke.

Vamwe vaiva vakahwandira pamwe chete nemumwe mupurisa wechidzimai vanonzi vakashaya chavakaita apo murume uyu aidya magaka mambishi.

VaEdson Chigodora vanoti Lovemore akazotanga kutinha mombe dzake ndokuenda.

“Mushure mekupotsa abaya mupurisa nepfumo uye vanhu vatya kusvika paari, akabva atora mombe dzake ndokuenda achishevedzera kuti, ‘Kana ane $200 ngaandipe’,” vanodaro.

Murume uyu ane nyaya dziri kudare ramambo dzekumhan’arirwa natezvara vake avo vari kuda pfuma yeroora kwaari uye anonzi akati haachada kuenda kudare kuti nyaya idzi dzipedziswe kutongwa.

Lovemore ari kugara nevana vadiki vaviri avo vaakasiirwa nemudzimai mushure mekunetsana.

Sabhuku Ukama vanoti mudzimai uyu akatandaniswa pamba nekuda kwekuti Lovemore aiti sei vabereki vake vachida pfuma kwaari.

“Mudzimai waChekamwana ndinaye pano. Akauya neChitatu adzingwa nemurume,” vakadaro sabhuku ava.

Mudzimai uyu anotsanangurawo nyaya yekuti murume wake anorarama nenyoka.

“Nyoka yaazotora iyi yanga yapedza svondo ichigara mumba achitsvaga kwekuitengesa. Ndakaroorwa achingoita basa iri, tava nemakore 6 tose uye tine vana vaviri. Vanochera nyoka vose naGrey Mupinganjira vachinotengesa kuHarare nekune dzimwe nzvimbo, kana imo muno. Murume wangu akatombochinjanisa generator nenyoka naMupinganjira iro taitoshandisa pano. Akatipa generator apihwa mhungu hombe,” anodaro Musanhi.

“Nyoka idzi dzinogara mumigomo yakatsitsirirwa nematombo kuti dzisabude uye dzinopihwa hupfu. Akatenga mombe nenyoka, vanoti kana vave kunotengesa vodziisa mumabhegi votobereka kumusana,” anodaro.

Nyoka idzi dzinonzi dzinotengeswa nemari iri pakati pe$100 neUS$400 zvichienderana nemhando nehukuru hwadzo.

Zvakadaro, svondo rapera pamberi Lovemore anonzi akamiswa mudare raMambo Chihota amhan’arirwa natezvara wake – VaAlouis Musanhi.

Anonzi padare iri akati akange asina mari sezvo bhizimusi rake rekuchera nyoka achitengesa rakange risiri kunyatsofamba.

Padare irori zvakare anonzi akamboita mhirizhonga akazogumisira asungwa nengetani kusvikira rapera.

Kudunhu rimwe chete iri ndiko kune vakadzi vaviri vekuzviti varoyi vekunobatwa vasina kupfeka pamasowe emumwe muporofita wekuBudiriro, muHarare. Vakadzi vaive nezizi nerusero ava vakazoonekwa kuti vainyepera kuva varoyi sezvo vakange vabhadharwa nemuporofita uyu kuita izvi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekuongorora kuti nyaya iyi yakafamba sei.

Mambo Chihota vanotiwo nekuda kwenyaya yenyoka yakawanikwa kumba kwaLovemore, vane hurongwa hwekumushevedza kudare kana kumudzinga mudunhu ravo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>