Uncategorized

‘ndinodanana nababa’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘ndinodanana nababa’

Kwayedza

‘. . . mimba iyi ndeyavo’

 ‘. . . amai vanotozviziva’

Kingstone Mapupu —
MURUME anobva kuBuhera asi achigara kumindamirefu yekuBeatrice ari kuparika amai nemwanasikana wavo wekubereka mbune — avo ari kugara navo vose semadzimai ake.

Manenji aya ari kuitwa kunzvimbo yakagariswa vanhu patsva papurazi reKerry, iro riri pasi paSabhuku Mapfumo, kwaMambo Nyamweda.

Zakariya Muzadzi (40) —uyo anobva kwaNyashanu, kuBuhera — ndiye ari kuita madzimai kuna Mozallett Mapfumo (37), anove muporofita wechechi yeJohane Masowe, nemwanasikana wake Benhilda Chebanga (17).

Benhilda anotsinhira kuti anodanana naZakariya uye kuti ane pamuviri pake patove nemwedzi mitanhatu.

Nyaya iyi yatekeshera mudunhu iri uye inonzi yaivanzwa nevemhuri iyi kusvikira mwanasikana uyu akazodura kune vemunharaunda kuti anoitwa mukadzi nemurume waamai vake.

Mai Judith Magwagwa (54), vanova mukoma waMozallet, vanoti nyaya iyi yavakandisa mapfumo pasi.

“Iyi haisi nyaya yemufirimu, zvinhu zviri kuitika izvozvi. Ini nemunin’ina wangu hationane nekuti aida kuvanza nyaya iyi — kuti ari kuparikwa nemwanasikana wake dangwe nemurume uyu.

“Nyaya iyi takaitaura pano pamba pangu mumwedzi waApril (Kubvumbi) gore rino apo paive nenyaradzo yababa vangu, vose vakaibvuma. Benhilda anotova nepamuviri pane mwedzi mitanhatu izvozvi pababa vake,” vanodaro.

Vanoti vakapotsa varwisana nemunin’ina wavo nekuda kwenyaya iyi.

“Takapopotedzana nenyaya iyi, ndikabvunza babamudiki Zakariya kuti vanoda ani pakati pemwanasikana uyu nemunin’ina wangu ivo vakati vanoda vose semadzimai avo.

“Iye munin’ina wangu ava kugara achirohwa nemurume nekuda kwemwanasikana uyu,” vanodaro Mai Magwagwa.

Vanoti Mozallett akaburitsa nyaya iyi mushure mekunge arohwa nemurume wake apo aiti Zakariya akabata mwanasikana wake chibharo kubva mumwedzi waZvita mugore ra2015 kusvika izvozvi, izvo mukadzi uyu anonzi akataura achida kuchengetedza imba yake.

“Vachitaura kwandiri musi waputika nyaya iyi, mainini Mozallett vanoti murume wavo aishinha nemwana uyu pamadiro, dzimwe nguva muimba inorara amai nababa vake. Anoti akatombovawanikidza — murume wake nemwanasikana iyeyu,” vanodaro.

IMBA YERUDO

Asi Mozallett anonzi haana matanho aakatora paakawanikidza murume wake nemwanasikana.

Zakariya anonzi akauya kuzogara pamusha paMozallett apo mukadzi uyu aive nevana vake vatanhatu mugore ra2014 mushure mekunge murume uyu aburitswa basa kwaaishanda semufudzi wemombe.

“Ndichitaura nemwana uyu, anoti baba ndivo vakatanga vachimubhinya kusvikira ava kubvuma, otozvifarirawo,” vanodaro Mai Magwagwa.

Mudzimai ari kuparikwa nemwana uyu muporofita kuchechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe, iyo yavanopinda vose naZakariya – zvisinei nekuti murume uyu anonzi anonwa doro.

“Mainini Mozallett vanoti nyaya iyi yakatanga kutaurwa kuchechi kwavo, uko vanoti vakambomiswa nemweya kubatsira ruzhinji,” vanodaro Mai Magwagwa.

Ottillia Mapfumo (31), anova muzukuru waMozallett, anotsinhira nyaya yekuparikwa kwaamai nemwanasikana wavo.

“Tete vangu vaisafanirwa kuvanza nyaya iyi. Zakariya akajairira dzinza redu rose, tinoda kupedzerana naye uye anofanirwa kusungwa aende kujeri,” anodaro.

Musikana uyu anonzi akasiira chikoro panzira paNyakasikana Secondary School.

Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kumapurisa nehanzvadzi yaMozallett, Never Mapfumo.

Pakasvika Kwayedza pamusha waMozallett, mukadzi uyu akaonekwa achirova bara kutiza vatori venhau akananga kuzvikomo zviri padyo nemusha wake apo Benhilda aigeza magemenzi.

Musikana uyu anobvuma kuti anodanana nababa vake.

“Amai vangobva pano manje-manje vakananga kusango uku.

‘‘Ichokwadi kuti ndinodanana naZakariya, nditori nenhumbu yake ine mwedzi 7. Ndakatanga kudanana nababa Zakariya mugore ra2015.

“Vakatanga vachindimanikidza kusvikira ndave kuzvida. Ndaitaurira amai nyaya iyi – kuti baba ndizvo zvavari kundiita asi hapana danho ravaitora. Baba havana chavaindipa, kungoshinha neni bedzi,” anodaro Benhilda.

Anoti zvisinei nekuti murume uyu anodanana naamai vake, iye anongomuda zvakadaro asi ndokutadza kutsanangura kuti hukama pakati paamai vake naiye huchazomira sei.

“Amai vaida kuvanza nyaya iyi vakatombondibvisa pamusha ndikaenda kuKuwadzana kunoshanda, uko ndakazodzoka pamuviri pave kuonekwa,” anodaro Benhilda.

Zakariya anonzi akazotiza munzvimbo iyi mwedzi wapera nekuda kwenyaya iyi achinzi akaenda kumusha kwake kuBuhera.

“Zakariya akaenda kumusha kwake kuBuhera uko anonzi hama dzake hadzisi kuda kumuona nekuda kwenyaya iyoyi. Vabereki vake vakashaika saka ndakanzwa kuti haana kuchema amai. Nyaya yangu ine hama yake yakaiendesa ikoko, nhumbu yangu haina preparation izvozvi. Ukuwo amai vari kugara vachindirova nekuda kwekuti ndinodanana nemurume wavo,” anodaro mwanasikana uyu.

Madzibaba Simbarashe Chirandu (22), avo vanopinda chechi naMozallett, vanoti nyaya iyi inonyadzisa zvikuru.

“Zakariya akakanganisa zvikuru. Kuita vanhu semhuka kuti odanana naamai nemwana wavo?” vanodaro Madzibaba Chirandu.

Hanzvadzi yaBenhilda, iyo ine makore 15 okuberekwa, inoti inorwadziwa zvikuru nezvakaitwa nemusikana uyu pamwe naamai vake.

Mai Pauline Gwata (57), vanova muroora kunaMozallett, vanoti nyaya iyi iri kuvashaisa chimiro paruzhinji.

“Tave kutonyara kuti takaroorwa kwaMapfumo nekuda kwenyaya yatete Mozallet. Mwana kudanana nemurume wavo ivo vovanza?” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMozallet zvichitevera kutiza kwaakaita vatori venhau uye Zakariya anonzi ari kuBuhera.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya iyi inofanirwa kuferefetwa.

“Nyaya iyi inogona kubuda paine mhosva yechibharo nekumbunyikidzwa kwemusikana uyu kanawo kudanana nemusikana ari pasi pezera. Amai vacho vanogonawo kunge vaibatsira mukuparwa kwemhosva iyi.

“Tinokurudzira vanhu kuti vaburitse pachena nyaya, vapari vemhosva vosungwa nguva iripo. Ngatisavanza zvinhu zvakaipa zvinoitwa munzvimbo dzedu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links