Ndinodanana nemukuwasha: Ambuya

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Ndinodanana nemukuwasha: Ambuya LEE MHIZHA

Kwayedza

LEE MHIZHA

LEE MHIZHA

MAMBO Chivero vekuMhondoro vatenderedzwa musoro nenyaya yemumwe mukuwasha naambuya veko avo vari kudura kuti vanodanana zvekudanana zviya.

Apa ambuya ava vatove nemimba isati yazivikanwa kuti ndeyaani, mukuwasha kana kuti tezvara.

Asi tezvara ava, zvisinei nekuti mukuwasha ari kuvaudza kuti, “Zvose zvinoitwa nevanodanana takaita”, vanongoti vari kuda mudzimai wavo.

Ambuya nemukuwasha ava vanoti vane rudo rwunopisa semoto izvo zvazokonzera mitauro nemakakatanwa pakati pemhuri.

Hama dzatezvara dziri kuti, “Ramba mukadzi” asi iye achiti, “Hazviite, ndinomuda”.

Lee Mhizha (21) anova muporofita wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku achigara kupurazi reNew Dornington mumugwagwa unobva Harare uchienda kuBulawayo, anobvuma kuti apengesana murudo naambuya vake, Filda Chingosho (19).

Filda mudzimai waTalent Chikunguru (25) uyo hanzvadzi yake, Mercy Chikunguru (18), yakaroorwa naMhizha uye vose vanogara papurazi reTilford munzvimbo imwe chete iyi.

Mukuwasha naambuya ava vakatomiswa mudare raMambo Chivero, VaBrown Shopo (63), nemusi weSvondo wakadarika vakabvuma makunakuna aya.

Dare iri raitungamirirwa namambo nemakurokota avo anosanganisira VaSilent Kaseke (40).

Mhizha akatoripiswa mombe ina, mbiri kuna dzekupa tezvara nedzimwe mbiri dzekudare ramambo semuripo wemakunakuna ekudanana naambuya.

VaKaseke vanoti mukuwasha uyu akapihwa nguva yekutsvaga mombe idzi sezvo hama dzake dziri kuti azvionere.

Nekuda kwenyonga-nyonga iyi, Mhizha nemudzimai wake chaiye vakatorambana.

“Vanobvuma kuti vanodanana, mukuwasha achiti akadenhwa naambuya izvo zvakazoita kuti avakande shoko rerudo. Hanzi takatoshereketa tose kakawanda uye vakatanga kudanana mwedzi gumi yadarika,” vanodaro VaKaseke.

Mhizha, Talent naFilda nemusi weChipiri svondo rino vakadura kuvatereri venhepfenyuro yeStar FM pachirongwa cheTilda Show kuti vanodanana zvekudanana zviya.

Uku vakaperekedzwa naVaKaseke uye aive masvanhikongonya kutarisana kwevakaramba sezvo tezvara vaida kurwisa mukuwasha nekuda kwenyaya iyi.

“Ichokwadi chamanzwa, zvose zvinoitwa nevanodanana takaita,” Mhizha anodaro.

Talent anoti mushure mekunzwa runyerekupe rwekuti mudzimai wake anodanana nemukuwasha akazohwandira akavabatikidza vari musango.

“Mukadzi wangu rimwe zuva akati aida kuenda kuchechi akaramba kuti ndimuperekedze. Ndakazotevera ndikamuwana aine mukuwasha nemumwewo sahwira wemukuwasha apo vakatiza pavakandiona. Mukadzi akaenda kunochengeteswa kumba kwasahwira vemukuwasha uko takazomuwana nyaya ndokuzoisvitswa kwaMambo Chivero.

“Mukadzi wangu ndinomuda kunyangwe hama dzangu dzichida kuti ndisiyane naye, akandikumbira ruregerero.

Ndiri kuitira vana, asi hanzvadzi yangu mukadzi waMhizha ndakatora, haadzokere ikoko hazvina mhosva kuti ane nhumbu. Zvikaitika munhu anorohwa,” anodaro Talent.

Talent naFilda vane mwana mumwe chete vose.

Panyaya yenhumbu ine mudzimai wake, Talent akatsenga-tsenga mukanwa achiti ndeyake ndokuzoti zvakare zvaitozivikanwa naiye Filda.

Mhizha anoti ambuya ndivo vakamupfimba nemaitiro avo, iye ndokuzongozadzisa.

“Taitakura mashanga kumba kwaamai vatsano apo ambuya vakanditi handisi murume akakwana vachiti ndiri mwana mudiki. Vakazotanga kundirova mapendekete apo ndakazovakanda shoko vakabvuma.

“Takashinha kakawanda, handigone kuziva kuti kangani uye tisina kudzivirira, ipapo pamba pataigara. Kana nhumbu iri yangu ndichachengeta mwana, kana ambuya ava vakadzokera kumba kwavo ndinovatora voita mukadzi wangu kwete zvazviri izvi. Zvakaoma,” anodaro mukuwasha uyu.

Filda haarambe zvinotaurwa nemukuwasha wake.

“Ndinobvuma kuti ndakadanana nemukuwasha tikazobatikidzwa. Ndakamudaro mukuwasha akazoguma akanda shoko ndikabvumawo asi zvakatanga sekuseka. Zvizhinji zvaiitika pamba pataigara sezvo murume wangu aive kubasa nguva zhinji.

“Asi nhumbu ndeyemurume wangu, haisi yemukuwasha ndinozviziva nekuti payakazobata mukuwasha ndakanga ndisisaonane naye,” anodaro Filda.

Talent anoti mudzimai wake akashandisirwa miteuro pakunyengwa kwete kuti akabvuma nekuda kwake.

“Mukuwasha uyu semuporofita akashandisira mudzimai wangu mhiko kuti amude, kwete kuti akaita achida.”

Mhizha anoramba kuti akashandisira Filda muteuro kuti vadanane.

“Ndakangonyengawo ambuya vakatapirirwa neni, hapana mushonga kana miteuro,” anodaro Mhizha.

Anoti akarohwa zvakaomarara nehama dzatezvara vake akakuvara zvikuru nekuda kwenyaya iyi.

Mudzimai waMhizha anonzi ane pamuviri asi murume uyu anoti haachamuda zvachose sezvo akamuramba mudare ramambo.

Zvakadai, Talent naFilda vaiyemerana zvikuru pavakashanya kuStar FM apo vaiperekedzana kuchimbuzi vakabatana mawoko mudzimai achiti aiva nenzara uyuwo mukuwasha Mhizha akayeva zvake.

VaKaseke vanoti mudzimai waMhizha anoti anodawo kuripwa kutadzirwa kwaakaitwa nemurume wake nekudanana kwaakaita nemuroora wake mukadzi wehanzvadzi yake.

Zvakadaro, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti aya ndiwo anonzi makunakuna ekupedzesera.

“Zvakaitwa nemurume uyu chishamiso nekuti ava ndivo ambuya vake chaivo. Saka muchiona zvichinzi vaviri ava havafanirwe kumhoresana nemawoko kana kusvikirana padyo,” vanodaro Sekuru Katerere.

Mbuya Marita Reid vekuChitungwiza vanotiwo vaviri ava vakashoresa tsika dzechivanhu dzinoti panofanira kuva neruremekedzo rwukuru pakati paambuya nemukuwasha.

Kudunhu rimwe chete iri raMambo Chivero kwakamboitika zvakare nyaya yaambuya nemukuwasha vakaripiswa mudare ramambo apo ambuya vaiti vakashandisirwa mushonga nemukuwasha kuti vadanane.

Share This:

Sponsored Links