Uncategorized

‘ndinodyiswa nhunzi, honye’

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘ndinodyiswa nhunzi, honye’

Kwayedza

‘. . . nehove mbishi’
‘. . . Zvichitondinakira’
‘. . . Ndozorutsa ropa’

Kingstone Mapupu —-
MUKADZI wechidiki anogara kuChitungwiza, asi kumusha achibva kuMhondoro-Ngezi, svondo rapera akabongomora kuchema achiti atambura neupenyu hwekugara pasi pemvura apo njuzu dzinomudyisa sadza, nhunzi, honye nehove mbishi.

Anoti kubvira achiri mudiki, upenyu hwake ndehwekugara mumvura munzizi Munyati, Nyatsime kana Manyame.

Kana ari mumba, zvikangomubata anomuka atoenda kurwizi uko anodyiswa zvakasiyana.

Kuzosvika kuchema pamberi pevatori venhau, anoti haachada izvi, ave kuda kunamata, asi zvinhu zvacho hazvisi kumusiya – zvinomutevera kana nekuchechi.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mukadzi uyu anoti dzimwe nguva anogokorora kurutsa ropa richizara mugomo we20 liters mukati menguva diki-diki, izvo zvaanoti zvinokonzereswa nenjuzu sechirango.

Kana dai iye achiti haafarire mararamiro aya, anoti njuzu idzi dziri kungomutevera, dzichimushevedza kuti vanosangana kumvura uko dzinomudyisa zvakasiyana.

Chikerema (35) — uyo asina kuda kutaura zita rake rekutanga apo zvakamubata achiita hurukuro ino — pari zvino ari kugara panhamba 41 Nungu Road, kuZengeza 2, kuChitungwiza.

Svondo rapera Chikerema akasvimha misodzi achichema pamberi peKwayedza achiti shavi renjuzu riri paari ramutambudza zvekusvika pakukanganisa wanano yake.

Nekuda kwekuti iye nevamwe vemhuri yake havasi kugashira shavi renjuzu iri, anoti zvaita kuti afirwe nevana vatatu pavana vake vashanu — vose vasina kurwara.

Akati aendewo kuchechi, njuzu idzi dzinomutevera ikoko.

Chikerema ari kutsvaga rubatsiro kune vanokwanisa kumuyamura.

Anoti akatorwa nenjuzu ari Form 2 apo aigara natete vake kwaNembudziya, kuGokwe.

“Ndakakura ndisingade mafuta nesipo zvinonhuwirira uyewo kudya ndaiita kwekusarudza. Hanyanisi kana majarini ndaisadya, chingwa ndichidya makanda bedzi,” anodaro.

Anoti akatorwa nenjuzu apo ainge aenda nevamwe vasikana vechidiki kurwizi rwaMunyati paaigara kuGokwe.

Murwizi urwu, anodaro Chikerema, makabuda munhurume ndokubva atanga kuvashevedza.

“Murume uyu akatanga kusanduka muviri wake wose kuita sehove, aine vhudzi raiva rakareba kusvika kumusana. Musi uyu, vamwe amai vaivapo, vakazomhanya ndokudyorera mbatya dzataida kuwacha ndokutiti tiende kumba vachiti yatainge taona injuzu. Takatizira kumba tose.”

Chikerema anoenderera mberi, ipapo maziso ake akatsvuka, misodzi ichiyerera nematama: “Takadzokera kurwizi urwu zvakare rechimangwana tiri 4. Ndakazoona chamupupuri ichi chakauya chakandinanga apo ndakaita chadzimira. Ndiko kutorwa kwandakaitwa.

“Ndakazobengenuka ndave kugara pasi pemvura netumwe tuchembere tuviri – murume nemukadzi netumwewo tuvana tudiki – avo vaitaura mitauro yakangosiyana, kusanganisira Shona.”

Kana ari kuChitungwiza, Chikerema anoti njuzu idzi dzinomukwezva kunzizi Nyatsime naManyame.

Anoti pasi pemvura paanoendeswa panotova nedzimba uye anodyiswa sadza nehonye, nhunzi kana hove mbishi izvo zvaanoti zvinonaka zvikuru.

“Sadza rinenge riine usavi hwehonye, nhunzi kana hove mbishi uye zvichitonaka zvikuru.

“Tiri pasi pemvura ipapo, ndairambidzwa kutamba nevamwe vana uye mitauro yakaita sechiRungu nedzimwewo ndimi zvinotaurwa. Mbatya dzinongopfekwa sezvatinoita kuno (kunyika) asi kunobva mbatya idzi handikuzive.”

Chikerema anoti mbatya dzinonyanya kupfekwa pasi pemvura dzinosanganisira dzeruvara rwuchena, blue negoridhe.

Anotizve kune mitumbi yevanhu vanovigwa mumapako nenjuzu idzi pasi pemvura ipapa uye vanoudzwa kuti ndeye vanhu vanenge vatorwa kunyika, hama dzavo dzozochema ivo vobva vauraiwa nenjuzu idzi.

Zvinonzi kana munhu akatorwa nenjuzu, hama neshamwari dzake hadzifanirwe kumuchema uye izvi zvikaitika, munhu iyeye haadzoke ari mupenyu.

“Njuzu ndinodziona, dzimwe nguva dzinouya dzichiita fanika mazihove makuru dziine mabesu asi misoro iri yevanhu nevhudzi refu,” anodaro.

Anoti zvakare mitumbi yevamwe vanhu vanouraiwa nenjuzu inoputirwa nemachira machena.

Chikerema anoti kune vamwewo vanhu vaanoona vachiuya nenjuzu idzi vari vapenyu, avo hama dzavo dzinenge dzisina kuvachema pavanotorwa.

Anowedzera achiti paakatorwa nenjuzu kekutanga, tete vake nedzimwe hama vakanzi vasacheme kuti iye agodzoka ari mupenyu sezvakazoitika.

“Dzimwe nguva tinodyiswa sadza nemiramba, mupunga neimwe nyama yandaisanzwisisa kuti ndeyei. Hautenderwe kuzviramba, ukangoda kudaro unobva waramba uchingopihwa sadza nenhunzi nehonye kusvikira usisataure,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kekutanga ikaka, ndakazoburitswa mumvura mushure memakore maviri apo ndakapihwa jira rewhite (jena), chuma nembiya izvo ndakanzi zvinofanirwa kugara mumba mangu zvakaputirwa nejira irori. Kwakazoitwa mabiko nevekudzinza kwedu.”

Akaramba kuratidza Kwayedza mbiya, chuma nejira zvaanoti akabva nazvo mumvura izvi.

Chikerema – uyo akazoroorwa pashure – anoti njuzu idzi dzinoramba dzichiuya kumba kwaave kugara nemurume wake dzichimutora.

Padzinomutora, dzinoenda naye kuna Nyatsime kana Manyame (Hunyani), kuChitungwiza munguva dzehusiku, dzonopinda naye mumvura umo anozobuda mangwanani asi akaoma.

“Murume wangu, Nickwell Chikerema, akandiona ndamuka pakati pehusiku anotevera otondiona ndichipinda mumvura, iye osara akandigarira kusvikira kunze kwayedza,” anodaro.

Paanotorwa apa, anoti anoitiswa mabasa akasiyana anosanganisira kutorawo vamwe vanhu munzizi vachienda navo pasi pemvura.

Mudzimai uyu anoti zvakare atambudzwa neshavi iri, zvekuti atova n’anga huru sezvo achirotswa mishonga yaanorapisa vanhu nekuita mamwe masaramusi.

Anotizve njuzu dzinomuudza kuti asarase jira nechuma izvi akabva nazvo mumvura achinzi akazvirasa bedzi anobva afa.

Kuburikidza nedambudziko iri, Chikerema anoti anoputa fodya nekushandisa mishonga yakasiyana kurapa vanhu.

“Mudzimu unosvika paandiri ndewaBondera. Takaberekwa tiri vana 6 mumba medu asi ini ndini ndoga ndinoita izvi.”

Anoti akamboita nguva refu achitevera zvisingagume achinzi zvaikonzerwa neshavi renjuzu.

“Izvozvi ndinogara pamba pababa vangu, murume wangu haashande uye ini wacho ndaimbotengesa zvikashaya basa. Njuzu ndinodziona kana kuhope kana dai ndakasvinura dzichinditi tiende kumvura,” anodaro.

Anoti akaenda kumadziva anoona mvura ichipera yose oratidzwa hove dzakawanda zvikuru idzo anonzi nenjuzu atore iye achiramba.

“Ndiri kutambura zvikuru nekuda kwekuti handisi kukwanisa kutevedza zviri kudiwa nenjuzu idzi. Vabereki vangu havachada kudyidzana neni nekuda kwenyaya iyi.

‘‘Kunyange kwandakaroorwa, hama dzemurume wangu dzinodawo kuti ndirambwe.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waChikerema kuti apewo divi rake panyaya iyi sezvo akashaikwa pamba uye nhare yake yaingorira asi isingadairwe.

Zvakadai, VaJonathan Shonhiwa vekuChiredzi vanoti Chikerema ngaasiyane nekutsvaga rubatsiro kumachechi asi kuti aende kuchivanhu kuti zvipere.

Kune vanoda kubatsira Chikerema vanoridza nhare panhamba dzinoti 0776 988 190 kana 0777 692 188.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey