Ndinogara ndichingotevera

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Sekuru, ndiri mudzimai ane makore 30 ekuzvarwa. Dambudziko rangu nderekuti ndiri kungoenda kunguva yangu mazuva ese uye izvi zvaitika kwemakore akawanda. Izvi zviri kutonditadzisa kuroorwa, kana kuti ndide murume izvo zvakadai hazviiti. Zvipatara ndanzwa nazvo asi hapana chinobatsira. Ndodini sekuru

MHINDURO:
Iwe muzukuru nevamwe vangava nematambudziko akadai, zivai kuti kune zvirwere zverudzi urwu zvinokonzereswa nemamiriro anenge akaita muviri wemunhu kana kuti nekuda kwemweya yakaipa sekuroya. Zvinoitika kuti unogona kunge wakaroyiwa nevanhu vane utsinye nechinangwa chekuti usaroorwe kana kuti usaite mwana muupenyu hwako.

Asi zvakakosha kuti kuzvipatara kwauri kuenda uku unyatsoitwa ongororo nenyanzvi nekuti hauna kundiudza kuti paunoenda kuchipatara vanoti dambudziko rako riri papi. Nyanzvi idzi dzinofanirwa kukuongorora vokuudza zvavanenge vaona.

Asiwo kana izvi zvakona, chitsvaga rubatsiro munyanzvi dzechivanhu. Kune shasha dzinoziva kupedza matambudziko akadai dzichishandisa mishonga yechivanhu.

Saka iwe kana wagutsikana kuti zvekuchipatara zvakona, enda kumahofisi eZinatha ari pedyo wovazivisa nezvedambudziko rako kuti vakupe nyanzvi dzichakubatsira. Dambudziko rako rinopera muzukuru uchitozoroorwa nekuita vana saka usawore moyo.

l Bvunza Kwayedza pa 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Share This:

Sponsored Links