‘Ndinoitwa mukadzi nenyoka’…Ndava kutozvida, ndingadii?

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Ndinoitwa mukadzi nenyoka’…Ndava kutozvida, ndingadii? Pauline Gore

Kwayedza

Pauline Gore

Pauline Gore

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki wekuChitungwiza anoti ari kuitwa mukadzi nezinyoka rakakura kunge shato, izvo zvaanoti pakutanga aisazvida asi iye zvino, nekuda kwekuti haana wekuzvirambira, ave kutozvifarira. Kana apedzwa naye, anoti anozorota achibara tuvana tutatu-tutatu utwo twaanozoyamwisa asi ozotushaya. Anoti izvi zvakamuita kuti arambane nemurume sezvo zvichiitika kwaari siku nesikati, achitoona zinyoka racho.

Pauline Gore (35), uyo anogara kuUnit G asi kumusha achibva mubhuku raNyakudya, kwaSadunhu Musonza kuGoromonzi, anoti apfidza nekuitwa mukadzi, kuyamwiwa “nekutsodwa” nenyoka zvekuti dzimwe nguva anosvika pakutojuja ropa, rimwe nemukanwa.

 

Nyoka iyi, anodaro Pauline, inomuyamwa mazamu, kumuruma mukanwa sezvinonzi inomutsvoda, kupinda mudumbu make nekumuitawo zvimwe zvinotyisa. Pamusoro peizvi, anoti anotemwawo nematombo aasingaone kwaanobva.

“Zvakatanga muna 2003 apo ndaingonzwa muviri wangu uchifambwa nezvinhu zvandaisaona asi ndichinzwa kufema kwechinhu. Ipapo ndaibva ndanzwa kutonhorera, kuya kunoita nyoka, ndichitonzwa ndichifambwa nayo. Dzimwe nguva inotondimonerera kubva kumakumbo kusvika muhuro,” anotsanangudza Pauline.

Anoti izvi zvinoitika kwaari akasvinura kana arere apo anorota achishinha nenyoka inotanga ichimunanzva nekuisa musoro wayo mukanwa make yozomuyamwa mazamu. “Dzimwe nguva nyoka iyi ndinoita yekurota asi pamwe inouya ndakasvinura, kunyangwe ndakazvambarara pamubhedha. Inosvikotanga nekundisunga yondimonerera muviri wose yobva yapinda neni ichitanda nemusoro wayo.

“Pamwe pacho inopinda mudumbu mangu nekusikarudzi ndotonzwa yave kutamba-tamba mudumbu semune mwana, sezviya zvinoita makadzi ane pamiviri,” anodaro Pauline. Nyoka iyi inonzi inogona kuita mazuva

akatevedzana ichiita izvi zvekuti anozoguma ave kubuda ropa nekurwadziwa. “Ndinoudza baba naamai vangu asi havana basa nazvo. Vanonditi ndiende kwandakaromba. Handizive kuti kwavanoti ndakaromba kwacho ndekupi nekuti handina kumbobvira ndakabata mushonga.

“Ndinotya kuti ndichafa ndichisiya vana vangu dzava nherera, mukuru ane makore 18 wekupedzisira ane matatu. Saka ndinokumbira kubatsirwa neruzhinji rweZimbabwe. Ndanzwa!” Anoti nyoka iyi inonwa ropa remumazino ake izvo zvinoita kuti arwadze uyewo achizvimba kumeso nemuromo.

“Ndaiva ndakaroorwa kwaSabhuku Chiworeka, kuDotito kuMt Darwin, ndikazorambwa nemurume wangu, Chrispen Yaso, nekuda kwenyaya iyi. “Nyoka iyi yandipfidzisa hama dzangu. Izvozvi muviri wangu wose unorwadza, ndinozvimba kusikarudzi uyewo inondinanzva mumaziso zvinoita kuti arwadze nekuzvimba,” anowedzera Pauline.

Ziso rake rekuruboshwe rave kugara rakaita serakatsinzinya, uye anoti tsoka dzake dzinorwadza nekunanzvwa nenyoka iyi. Pauline anoenderera mberi, pane dzimwe nguva achida kuchema: “Kusikarudzi kwangu kunogara kuchivava zvakanyanya kana kungoita mapundu. ‘Inoita zvainoda neni kani. Dambudziko ravapo nderekuti ndave kutonakidzwa nezvainondiita nyoka iyi pane kuda varume chaivo.

“Nyoka iyi inondipa hurwere. Ndine munyama mukuru wekuti ndinowana basa ndichiburitswa pasina nguva uye pasina chandatadza. Izvozvi ndine kwandaishanda samaneja muchitoro chine mbiri asi rakangopera sekutamba.

“Kana ndikadanana nemurume ndinogona kungomuramba pasina chikonzero kana iye kungondisiya pasina tsananguro.” Pauline anoti zvinotomunetsawo kuti vabereki vake havadi kumubatsira, kunyange hanzvadzi dzake chaidzo. Ndikada kuti ndinogara kumusha kuGoromonzi, vabereki nehanzvadzi dzangu vanogara vachindirova pasina chikonzero. Kutaura chokwadi handina kumbobvira ndakaona rudo rwevabereki vangu kubva ndichikura kusvika izvozvi. Ndaitombozvibvunza kuti ndivo chaivo vakandibereka here kana kuti kwete?

“Dzimwe nguva mashura aya anotanga iri nyoka asi yozopinduka kuita baba vangu chaivo.” Pauline anotiwo anotemwa nematombo asingaonekwe kuti anobvepi achitogumisira obuda ropa. “Ndikatemwa nematombo aya ndinogona kuzobuda mututu usingakasike kupera uyewo ndinogona kupedza mwedzi miviri kana mitatu ndisingaende kumakore.

“Dambudziko iri rineni chete mumba medu mune vana 10, vakomana 8 nevasikana vaviri,” anodaro. Anotizve kumusha kwake zvose nekwaakange akaroorwa aida kubatiswa mishonga yechivanhu achiramba. Kwaanofamba oga achizvitsvaga anoti anoudzwa kuti vabereki vake vane divisi rekuti vave hurudza, iro rinonzi ndiro rinokonzera izvi.

“Pamwe pacho ndinoburitsa mhepo inotinhira kana nyoka iyi yapedza neni. Paye painopinda mudumbu mangu inozobuda zvishoma nezvishoma ndotoiona ichienda. Madzisekuru angu chaiwo ekwaamai vanoziva dambudziko iri. Nyaya iyi yakatombosvika kwaSadunhu Musonza ndikatadza kubatsirwa,” anodaro. Panguva yaaiva kumurume, anodaro Pauline, anoti akambomuwanikidza achiisa mushonga pasi pepiro akamubvunza akati “aitumwa nehama dzekwangu”.

Anotiwo anorota achisununguka tuvana tutatu utwo anoyamwisa zvakare. “Vana vandinorota ndichizvara ava vanenge vaine zviso zvevana vangu, vozosanduka kuita vamwe vana vanotyisa. Ndikaridzirwa nhare nevabereki vangu ndinobva ndatanga kurwara ipapo,” anodaro. Imwe nyanzvi mune zvechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti Pauline ari kushandiswa nezvikwambo kana zvidhoma.

“Anoda kubatsirwa pachivanhu pasina kunonoka, akaregererwa anogona kufa kana kuita chirema. Vana vaanoyamwisa avo zvidhoma,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey