Uncategorized

‘NDINOITWA MUKADZI NEZVIDHOMA’. . . zinyoka richitenderera mumba . . . ogumisira azvikanda mumoto

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
‘NDINOITWA  MUKADZI  NEZVIDHOMA’. . . zinyoka richitenderera mumba . . . ogumisira azvikanda mumoto Marume achiratidza musana wake wakatsva apo akazvikanda mumoto. - Mufananidzo: Daphne Machiri

Kwayedza

PANE mukadzi wekuEpworth anoti aoneswa pfumvu nezvidhoma 12 izvo zvinomuita mudzimai wazvo pamadiro uye dzimwe nguva onobatwa nemweya unomuita kuti azvikande mumoto achiguma atsva muviri wose.

Jesina Marume (39), uyo anogara panhamba 1175 Makomo Extension, anoti anoona kuhope zvirume zvipfupi 12 izvo zvinoshinha naye pabonde pamwe chete nezinyoka rinenge richitenderera mumba maanenge arere.

Pamusoro paizvozvo, Marume anoti anonzwa mazwi ane ruzha runovharira mumba asi asingaone vanhu vacho.

Marume akafugurira Kwayedza hembe achiratidza maronda ehutsva kumusana nemumawoko ayo aanoti akakonzerwa nekunge azvikanda mumoto nekuda kwezvinhu izvi.

Jesina Marume

Jesina Marume

“Ndinonzwa izwi richiti ndizvikande mumoto, saka ndakazvikanda ndikatsva musana wose muna 2013. Mawoko ndakatsva gore rino apo ndakazviwisira mumoto.

“Ndinogona kana kutanga kurwisana nemadziro emba ndopedzisira ndakuvara,” anodaro Marume.

Mukadzi uyu anoti akakurira kuRushinga, kuMashonaland Central uye paaive kuchikoro akange aine chishuwo chekuzopikira kuve sister wechechi yeRoman Catholic asingade kuita zvevarume.

“Asi nekufamba kwenguva vabereki vangu vaitaura neni vachiti, ‘Hauone here kuti ukaroorwa unenge watiremekedza?’ Ndakazosandura pfungwa dzekuve sister ndava nemakore 20 okuberekwa, ndipo pandakazoita mukomana.

“Ndakadanana nevarume vanokwana vashanu panguva dzakasiyana asi ndakarambana navo apo ndaingonzwa kusviba moyo.”

Anoti kushaya hany’a nevarume kwakazoita kuti atange kufamba kumaporofita nen’anga achida kubatsirwa.

“Ndakaenda kune mumwe muporofita wechikadzi kuOverspill, kuEpworth kwakare akanditi pane mweya wezvikwambo uri pandiri. Akati mweya uyu wakarema zvichireva kuti haaikwanisa kuubvisa zvachose asi kumboumisa kuti usandishungurudze,” anodaro Marume.

“Zveshuwa vakazvizorodza vachiti vanoona imba mukati meupenyu hwangu asi ndaizonetseka kuita mwana. Ndipo pavakandipa kadombo kavakati ndimedze uye pasina nguva ndakaroorwa mugore ra2001 ndakaita imba yangu.”

Zvisinei, mudzimai uyu anoti nekufamba kwenguva, mweya wezvidhoma uyu wakabva wazotanga kumubata zvine simba apo aiona rima, kunzwa dzungu achingodonha.

“Murume wangu akambofunga kuti ipfari asi hapana chakaonekwa kuchipatara. Vanachiremba vakatokatyamadzwawo nazvo vakazvitadza. Zvidhoma izvi ndaizvinzwa zvichitaura munzveve mangu zvichiti, ‘Uri kutiendera kumaporofita nen’anga, unoda kutiuraya uyezve wakaroorerwei? Isu toenda kupi, torara nani manje? Hatina kwatinoenda, uri mukadzi wedu’.

“Ndaiti ndikabatwa nemweya uyu ndaizvirovera pasi kana kutanga kungomhanya ndichitiza,” anodaro Marume.

Anoti pakusununguka mwana wake wekutanga, muviri wake wose wakazvimba izvo zvakashamisa vanachiremba vekuchipatara kwaaive, kuBindura General Hospital.

“Nhengo yangu yesikarudzi yakadzoka kuita seyemhandara mwana akatadza kubuda zvakazoita kuti ndiendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko ndakazoitwa oparesheni mwana ndokuburitswa.”

Marume anoti paakadzokera kumba mushure mekusununguka, aingogara akatsamwira murume wake uye asinganzwe kumuda.

“Zvidhoma zvainge zvapedza nyota yangu yekuda murume kare,

ndaizofunga murume wangu aenda kubasa ndonzwa kumuda zvikapfurikidza,” akadaro.

Anoti murume wake uyu akazongofuma akafa rimwe zuva akarara mumagumbeze mugore ra2005.

“Murume wangu akanga awana basa kunze kwenyika uye rimwe zuva takanonoka kurara tichitandara hedu. Takazorara pakati pohusiku, kuseni ndikatomuka ndichida kumubikira nekumugadzirira bhegi semunhu aive nerwendo. Pandakabuda mumagumbeze ndakatomuti mamuka sei asi haana kudaira ndikati zvimwe kwaive kurara hake,” anodaro Marume.

Anoti sekuru vemurume wake, Josphat Mawire, vakazouya sezvo vaifanira kumuperekedza apo aienda kunze kwenyika kwaakange awana basa.

“Ndakatoti sekuru endai mumba mumuone ivo vakatoshamisika nazvo kuti ko achiri akarara seiko iye aifanirwa kukwira ndege musi uyu. Ndikati sekuru vamumutse asi ndakazoona vangovhara gonhi.

“Vakaunganidza vabereki vemurume ini ndakashevedzwa vanhu vaungana vakasuwa. Ndipo pavakati vakafugura murume wangu vakawana akatooma. Ini handina kunge ndaziva kuti murume kusadaira kwaive kufa.”

Marume anoti kubva pakafa murume wake, zvidhoma zviye zvakabva zvamuka chibhebhenenga zvakare.

“Handina kana kushamwaridzana nemumwe murume kubva gore ra2005 kusvika 2014 nekuda kwekuti murume wangu ndaimuda uye akange akavimbika zvakare achindida zvisinei nezvaiitika kwandiri. Murume wandakazosangana naye aiva akasungwa mumachira uye takazozviziva ave kuda kutonobvisa mari yeroora mushure mekunge taenda kumapositori. Ndakabva ndasiyana naye,” anodaro.

Anoti afamba kun’anga nemaporofita kwakawanda asi dambudziko rake harizi kupera.

“Kubva ndichinetswa nezvikwambo izvi, handina zororo uye ndafamba mun’anga nemumaporofita. Ndatoneta nekubirwa. Dai kuri kutenga bhazi ndakatenga rangu kare. Ndakamboenda kuimwe n’anga yekuShamva gore ra2011 yaizivikanwa nezita rokuti Sekuru John ikanditengesa girosari re$200 negumbeze rayaiti nderekunatira nemushonga asi richizosara ikoko. Yakanditi yaida kushinha neni mushure mekundizora mushonga kusikarudzi izvo zvakazoita kuti nditize uye handina kuzodzokerako futi,” Marume akaudza Kwayedza.

Anoti mugore ra2012 akazvikanda mudziva rine mbiri yekufira vanhu riri kuEpworth iro rinozivikanwa nekuti “Pool of Death”’ asi akanyururwa nenyanzvi dzemapurisa dzinoshandira mumvura.

“Chimweya chacho chinoda kuti ndizviuraye. Gore rino musi wa27 Kurume ndakaenda kune imwe chechi ine mbiri muHarare (zita tinaro) uko kwaiva negungano ndichiti zvimwe zvingapere. Ndakatanga kuzviruma-ruma, ndikabatwa nemweya wezvikwambo ndokutanga kubvarura hembe dzose kusara ndisina kana chinhu.

“Ndakazobatwa ndikanamatirwa zvikamboti zii asi nekufamba kwenguva zvakatanga zvekare. Ndaneta nekunyeberwa nen’anga nemaporofita, ndinodawo rubatsiro,” akadaro Marume akapfeka chiso chainzwisa tsitsi.

Mukadzi uyu anoti baba naamai vake vakafa uye haakwanise kugadzirisa dambudziko riri paari nehama dzekwababa vake sezvo paine kupumhana huroyi pakati pavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey