Uncategorized

Ndinokiya varume: madzibaba‘. . . unza makii kana zvipfeko’ ‘. . . ndine 100 zvinhu muhari’

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Ndinokiya varume: madzibaba‘. . . unza makii kana zvipfeko’ ‘. . . ndine 100 zvinhu muhari’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuChitungwiza uyo anozviti muporofita, ari kushandira vanhu nemumwe mutoo — ane mazikii aanoti ane simba rekukiya “zvinhu” zvemurume kana mukadzi anoita zveupombwe achizozvichengetera mumazihari ake zvekuti muridzi wezvinhu izvi anosara asisina basa.

Madzibaba Steven Mugariri (33) wechechi yeJohane Masowe Zambuko anoti apfidzisa varume kana vakadzi vanodarika zana nekuvatorera sikarudzi dzavo kana kungodzikiya.

Muporofita uyu ari kuti anotova nehari mbiri dziri mumba yake yekunamatira idzo dzizere nesikarudzi dzevarume nevakadzi vanodarika 100 izvo zvaakatora kuburikidza nemhiko dzake mushure mekunge akumbirwa nevarume kana nemadzimai kuti akagadzire vadikani vavo nechinangwa chekuti vasaite gumbo mumba, gumba kunze.

Panotova nemumwe murume ari kuzhamba achiti haasisina sikarudzi mushure mekunge aenderwa kumuporofita uyu nemudzimai wake. Mudzimai wacho, zvose namadzibaba uyu vanotsinhira kuti vakazviita uye sikarudzi yemurume uyu imwe ye100 dzizere muhari.

Kwayedza yakapinda mumba munoshandirwa vanhu nemuporofita uyu ikaratidzwa makii akawanda akakiyiwa, mazihari anonzi azere nesikarudzi pamwe nezvipfeko zvemukati izvo anoshandisa pakusota vanhu.

Vatori venhau vakatya kudongorera mumazihari aya kuti vaone zvaivemo zvisinei nekuti muporofita uyu ainge avati vaone zvirimo “asi musazochema neni kana mukaita mapofu”.

Zvichakadai, mumwe murume wechidiki weiko kuChitungwiza, ari kuzhamba kuchema achiti akasotwa naMadzibaba Steven zvekuti sikarudzi yake inotsakatika pose paanoda kuita zvemumba yekurara nemudzimai wake mudiki pabarika.

Paul Chadzimura (39) — uyo anogara kuSt Mary’s asi kumusha achibva kuMadziva — anoti akagurwa kunorira nemuporofita uyu. Murume uyu anoti ane chipari chemadzimai maviri uye mudzimai wake mukuru ndiye akaenda kumuporofita uyu akanomugadzira izvo zvave kuita kuti ashaye basa zvachose kumudzimai wake mudiki.

Anoti sikarudzi yake inotsakatika pose paanoda kufadzana nemudzimai mudiki uye izvi zvinopera chete kana abuda mumba munenge muina nyachide uyu.

“Ndine madzimai maviri anoti Mirriam Ngirazi (33) uyo wandinogara naye kuSt Mary’s nemudiki — Stella Chipuriro (29) — anogara kuMary Mount, kuRushinga. Mukuru ndine vana vatatu naye mudiki aine vaviri.

“Dambudziko iri rakabva kushanje dzemudzimai wangu mukuru, uyo akaenda kumuporofita anozviti Madzibaba Mutumwa uko akanondigadzira uye mudzimai wangu nemuporofita uyu vose vari kubvuma nyaya iyi,” anodaro Chadzimura.

Anoenderera mberi achiti: “Semunhu anotyaira makombi, ndinoenda kwakasiyana, kunyanya kuRushinga uko kune mudzimai wangu mudiki. Dambudziko rakazotanga mwedzi mitanhatu yadarika sezvo ndisiri kukwanisa kuita chinhu nemukadzi wangu mudiki.

“Kungopinda naye mumba bedzi, sikarudzi yangu inobva yany’ura mudumbu kushaya chinosara. Ndinotonzwa zvichienda kusvika kumwoyo chaiko.”

Chadzimura anoti akatomboenda kunotaura naMadzibaba Steven nekuda kwenyaya iyi asi muporofita uyu akaramba kumusunungura achiti anoda mari yake yechikwereti iyo yaifanirwa kubviswa nemudzimai wake paakashandirwa.

Madzibaba Steven anobvuma kuti ndiye akasota Chadzimura uye kuti ane hari mbiri dzizere nesikarudzi dzevanhu — vose varume nevakadzi.

“Ndinoita zvandinenge ndakumbirwa, angava mudzimai wemunhu kana murume wemunhu ndokunge aona kuti mumwe wake ari kuita chipfambi. Ndinosunga, hakuna kupoya kwaanozoita sezvo tichishandisa makii kukiya munhu.

“Kumurume, zvinogona kuny’ura kana ave kuda kusasana. Kumukadzi, anomera ruware otadza kuziva kuti zviri kufamba sei. Vamwe vanoguma vanamirana kana kutofa,” anodaro Madzibaba Steven.

Anoti anoita mhiko dzake achishandisa zvipfeko zvemukati zvinenge zvaunzwa nevanenge vachida kusunga vadikani vavo pamwe nekusevenzesa makii. Madzibaba Steven anoti makii anoshandiswa pakukiya varume kana vakadzi anotengwa ari matsva nevanouya vachida kusunga vadikani vavo. “Makii ari muno akaturikwa neari muhari anodarika zana, kureva kuti varume nemadzimai vanopfuura 100 vatakasunga. Kurevawo kuti izvozvi nhengo dzavo dzakazorora zvadzo muhari umu.

“Tinongozvisanganisa mudzihari mbiri idzi — zvechirume nezvechidzimai.”

Anoenderera mberi achiti: “Zvinhu izvi ndinozvitora nemasaramusi kunyangwe vanhu vachiona sevanenge vainazvo asi zvinenge zviri kuno. Kutaura kuno zvimwe zvacho zvinyoro nezvakasvava zvose zviri muhari dzemhiko idzi.

“Kana vanhu vazotaurirana, sikarudzi dzavo dzinongodzokera tatanga tavasunungura.” Madzibaba Steven anoti pakuita mhiko dzake haashandise mishonga.

“Handishandise mishonga, ndinoshandisa mhiko — zvipanera zverudo — mafuta nezvimwe tosunga vanhu vasinganzwe. Kwandiri hausi huroyi, hamheno kune vanofunga kuti huroyi. Ini ndinosimbisa dzimba,” anodaro. Mumba munoshandira muporofita uyu mune mamwe makii akarembera ayo anonzi ndiwo aanoshandisa kukiya kana kukiinura vanhu.

Madzibaba Steven anodura kuti ndiye akasota Chadzimura mushure mekunge akumbirwa nemudzimai wake mukuru. “Ichokwadi, murume uyu ndini ndakamusunga ndakumbirwa navadzimai vake vachiti anoda kuzviita bhuru renyika. Ndichamusunungura kana mudzimai wake abvuma.”

Uyu Ngirazi anoti akaenda kuna Madzibaba Steven achida kugadzira murume wake kuti asabude kunze.

“Ndakaenda nejira remubhedhuru kwaMadzibaba Steven uko vakagadzira. Vakanditi ndiise jira iri mubhodhoro redovi ndorega kurivhara, ndonoriyeredza murwizi. Ini ndakazokanganwa ndikabva ndavhara bhodhoro racho ndokunoriyeredza jira iri izvo zvinonzi ndizvo zvava kuita kuti sikarudzi yake iny’ure,” anodaro Ngirazi.

Anoenderera mberi achiti: “Ivo varume ngavazive kuti tiri vanhu, tinorwadziwa. Ndizvo zvinotisvitsa ipapo nekuti handizive chinenge chashaikwa nemurume mumba kuti azobude kunze.”

Share This:

Sponsored Links