Uncategorized

Ndinonamatira pfambi, mhondi – Muporofita

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Ndinonamatira pfambi,  mhondi – Muporofita Prophet Trymore Bizari achiratidza tumapurasitiki twaanoisira anointing oil.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
PANE muporofita ari kuti muchechi yake anonamatira nekutendeutsa pfambi, mhondi mbavha kana kuti makororo.

Chechi yemuporofita uyu ine muzinda wayo kuKadoma, kuMashonaland West.

Prophet Trymore Bizari (29) wechechi yeVictory in Christ International Ministries anoti nguva yadarika akazarukirwa nemweya mutsvene apo akaita mazuva achinamata achinzwa izwi raiti anofanira kubatsira madzimai nevarume vanoita zvechipfambi kuti vasiyane nehunzenza.

Anoti mweya wakamuudza zvakare kuti anamatire matsotsi nemhondi kuti vadzikinurwe mumabasa akaipa avanoita. “Mwedzi minomwe inotevera tichange tichinamatira nekudzikinura pfambi munzvimbo dzose dzenyika. Takatotanga kare uye madhimoni echipfambi ari kubuda achienda.

“Haisi mhosva yavo vanoita chipfambi ava, mweya inovapfeka uyewo mhondi nemakororo tiri kudzikinura mweya yemadzinza inovatuma. Kune mumwe anongoponda pasina chaanoda kumunhu, kungonzwa kuvenga munhu – idhimoni iroro. Mumwe anoba chikorobho chaicho, ishavi rekuba,” anodaro.

Prophet Bizari anoti ari kushanyira nzvimbo dzakasiyana dzemafaro uko ari kutambirwa zvakanaka – zvikuru nepfambi dzechirume nedzechikadzi – dzimwe dzacho dzinenge dzichiti hadzidi kuita mabasa aya asi kuti dzinoshandiswa nemweya yakaipa.

“Tashanyira nzvimbo dzinosanganisira Marondera, Mutare, Harare, Chegutu neMacheke tichisangana nepfambi dzemakoko nemhondi dzinozivikanwa. Vamwe vacho vanonyara nekutya kubuda pachena saka tinovanamatira munzvimbo dzakavandika,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Vamwe vanobuda pachena kuti vakatomboenda kumajeri nemhosva dzakasiyana sekuponda nekuba. Vanhu ava tinovaudza kuti haisi mhosva yavo, asi kuti zvinokonzerwa nemweya yetsvina.”

Prophet Bizari anoti mukubatsira kwake anoshandisa sauti nemafuta eanointing oil.

Chechi iyi yakavambwa mugore ra2013 uye Prophet Bizari anoti ane vateveri vanodarika 10 000. “Ndinofara zvikuru, kuMacheke tine pfambi 6 dzatakanamatira dzikadzikinurwa, dzikapupura ndokusiya mabasa erima. Tine donzvo rekudzikisa chipfambi, humhondi nehumbavha munyika nechikamu chepakati nepakati (50%) patinopedza makore maviri tiine hurongwa uhu,” anodaro Prophet Bizari.

Share This:

Sponsored Links