Uncategorized

‘Ndinoona baba vakafa’ . . . n Vachitofamba nekutaura neni: Mwanasikana

04 Feb, 2016 - 22:02 0 Views
‘Ndinoona baba vakafa’ . . . n Vachitofamba nekutaura neni: Mwanasikana Netsai Rusenza

Kwayedza

MUKADZI wechidiki wekupurazi rePeter riri pedyo nemusha weBudiriro, muHarare, anoti anoona nekutaura nababa vake vakafa mugore ra2001 masikati machena, vachitomupa mazano.

Netsai Rusenza (27) anoti ari kutsvaga rubatsiro kune vanogona padambudziko rake iri.

“Ndine dambudziko guru mukurarama kwangu, baba vangu VaChrispen Rusenza vakafa mugore ra2001 ini ndiri mudiki zvikuru. Mafiro avo haana kunzwisisika sezvo vasina kurwara.

“Vakavigwa vachingobuda ropa mukanwa nemumhuno semunhu apondwa. Izvozvi vanouya kwandiri vachiita semunhu mupenyu vachitaura neni. Asi ndikada kuvabata ruwoko ndinobva ndavashaya.

“Musi weGoredzva chaiwo gore rino, vakauya vachinditi, ‘Mwana wangu uri kutambudzika asi ndakuvigira maropafadzo, handidi kuti utambure’. Vanouya vakapfeka mbatya dzavakafa vakapfeka,” anodaro Rusenza.

Mukadzi uyu anoti mweya wababa vake unosvika paari uchimurwarisa uchinzi unotaura kuti vakauraiwa nevanhu vatatu vavaigara navo avo vakavaroya semunhu aizvishandira.

“Kana baba vasina kuuya kwandiri ndichirota, vanouya vari munhu chaiye, ndichitovaona. Ndine dambudziko zvakare rekuti mweya wavo unobata pandiri uchitaura kuti unoda kunorwisa vanhu vakavauraya nenyanga yehuroyi. Ndaneta nekufamba kumaporofita ndichida kubatsirwa.

“Ini ndiri wechitatu pavana vasere asi vamwe havabatwe nawo. Dzimwe nguva vachiti kune vavengi vakatarisana neni vobva vandisimbisa,” anodaro.

Mweya uyu unonzi unotizve hauchakwanisa kurwisa zvizere nekuti wakatsipikwa.

“Izvozvi ndinorwara, makumbo angu anopisa uyewo mwoyo nemuviri wose zvinorwadza. Ndinogara ndichidirwa mvura inotonhora ndiri mumba, pachipfuva panorwadza uye ndinowira pasi zvekufenda nezvimwe. Handizive kuti ndicho chikonzero here.”

Amai vaRusenza, Mai Mirirayi Chaporonga (54), vanotsinhira dambudziko remwana wavo vachiti: “Anobatwa nemweya wababa vake unouya uchiti vakauraiwa uye vanoda kuripwa. Unotaura mazita evanhu vacho vatinogara navo kuno kupurazi.

“Murume wangu akafa nemusi wa24 December (Zvita) pasina kurwara. Ini ndaive ndaenda kunopihwa girosari reKisimusi nabhudhi vangu kuMt Pleasant, ndikazotambirwa nemashoko erufu ndichidzoka hanzi baba vafa.

“Vaibuda ropa sevabaiwa nebanga. Pane mamwe mashoko anondirwadza anotaurwa kupurazi kwedu ekuti ndini ndakauraya murume.”

Mutumbi wemurume uyu wakavigwa kupurazi uku.

Zvichakadai, mhuri iyi yakatonopotera kumumwe muporofita anonzi Madzibaba Passmore Chinovava Prangadai, wekuMt Hampden, uyo ari kuvashandira.

Kwayedza yakaenda kupurazi rekwaPeter kana kuti Amalinda uko yakanoona mhuri iyi.

Paibatsirwa mukadzi uyu, akazongopunzika mweya unonzi wababa vake uyu ndokuti tugu, asi hauna kutaura. Mweya yevanhu vari kunzi ndivo vakavauraya ndiyo yakabuda.

“Ndakamuuraya ndikadya nyama yake. Ndakamubaya nenyanga. Unogondiitei?” wakadaro mweya wainge wabata Rusenza apo aibidirika pasi.

Share This:

Sponsored Links