‘Ndinopihwa maZimdollar’. . . oti zvimari izvi zvatozara dhiramu

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati murume wake, uyo anove mugadhijeri, achiri kumubhadhara mendenenzi nemaZimdollar achiti ashandise mari iyi kutenga zvekudya pamwe nekubhadharira vana kuchikoro.

Lillian Mutombwa akamhan’arira Trymore Madire kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi ibhadharwe nemadhora ekuAmerica.

“Kana ndimiwo vedare, munhu achiri kubhadhara mendenenzi nemari dzakudhara mukore uno? Kumwe kuzviitisa pamwe chete nekuda kuona kuti ndinomudii. Vana vake vari kufamba vakapfeka marengenya nekuita kwake ikoko kunge mwana mudiki nekuti dhiramu ratozara nezvimari izvozvo.

“Akatotora mumwe mukadzi aona kuti apedza neni, mwedzi ukangopera chete munhu anonofukunura zvimari zvakasoshanda kare-kare zvikarambwa ndizvo zvaanouya nazvo oti ndibhadhare chikoro chemwana nezvekudya.

“Ndakambozama kusvimha misodzi, kudogara dare nedzimwe hama dzake asi vakaisa zvitanda munzeve mhosva ikatoita yangu. Pese pandinoda kuti nditaure naye anoti ari kubhadhara mari yaakanzi nedare abhadhare muna2006, inova maZimdollar. Mumwedzi yatodarika iyoyi anga asingachatobhadhare maZimdollar acho achiti haachina kwekuawana. Ndinoda kuti andipe US$130 pamwedzi.

“Ndigadhijeri wekupi achiri kutambira mari dzakudhara idzodzii?,” akadaro Mutombwa.

Madire akaudza dare kuti Mutombwa aimunyepera kuti anodhadhara mendenenzi nemaZimdollar.

“Changamire mari yatarwa iyo ndiri kusungirwa kunzi ndibhadhare handiikwanise. Chikonzero ndechokuti nditoriwo nemumwe mwana nemudzimai vanodawo kuriritirwa.

“Mukadzi wandiri kugara naye pari zvino ari kuenda kuchikoro kuwedzera fundo yake saka ndeimwe mari yandiri kuburitsa iyoyo. Pamusoro pezvo, ndakatora chikwereti kubhanga saka chinopota chichibatwa pamwedzi wega-wega uyezve chimwe chikwereti chiriko kuTV Sales and Home kwandakatora midziyo yemumba saka vari kubatawo chavo chikamu pamwedzi. Zvichireva izvo kuti pa$130 yaari kutaura kuti anoda ini ndinokwanisa kumupa $50 chete nekuti ndiyo yandinenge ndasarirwa nayo,” akadaro Madire.

Mutongi Barbra Masinire akati Madire adzoke kudare aine umboo hunoratidza zvikwereti zvaanazvo kubhanga nekuTV Sales and Home.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>