Uncategorized

ndinorohwa nemukuwasha: tezvara

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
ndinorohwa nemukuwasha: tezvara

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wemuHarare anoti aoneswa ndondo nekurohwa nemukuwasha achimukutsirana nemhuri yake izvo zvamukonzera kutiza pamba pevabereki vake apo pava kugarwa nemukuwasha uyu.

Edward Mandiyanike (43) — uyo ava kugara kuMarimba —anoti ari kuzvindikitwa kurohwa nemukuwasha wake, Hendrick Mazorodze, anova murume wehanzvadzi yake Epiphania Mazorodze.

Asi Hendrick ari kuramba mashoko ari kutaurwa natezvara vake ekuti iye nemhuri yake vari kukutsirana Edward.

Edward anoti akatotiza pamba pevabereki vake — panhamba 922 Section 3 kuKambuzuma, muHarare, apo pava kugara mukuwasha uyu nemudzimai wake nemhuri yavo.

IMBA YEMUTAURO

“Zvakatanga apo vabereki vedu vakashaika ndokusara tava vana bedzi — 7 sezvatakaberekwa tiri. Mukuwasha wangu, uyo ane imba yake kuKwekwe, ndipo paakaerekana auya kumba kwedu kuKambuzuma nemhuri yake vachizogara.

“Vakatanga kundirwisa kusvikira ndatiza ndokuuya kumba kwangu kuMarimba ndichisiya 2 rooms dzandaigara,” anodaro Edward.

Anoti baba vake, Cephas Mandiyanike, vakashaika mugore ra1994, amai vavo — Rosemary Mandiyanike — ndokufa muna2015.

“Kusvika amai vazoshaika, ndini ndaigara navo pamba kuKambuzuma apa ndichivachengeta, vamwe vana vemumba medu vachigara kwavo. Ndakazoshamiswa ndave kuona mukuwasha Hendrick nasisi vangu Epiphania nemhuri yavo vouya vachiti vava kuzogara pamba pandaigara ini nemhuri yangu,” anodaro Edward.

Anoti chikonzero chakaita kuti mukuwasha wake abve kumba kwake achiuya kuzomushungurudza haachizive sezvo achiti dzimwe hama dzake dzaitsigira hurongwa uhwu.

“Chinondinetsa ndechekuti mukuwasha uyu nehanzvadzi yangu zvose nevana vavo vakatanga kugara vachindirova. Ndakaedza kutaura nedzimwe hama dzangu asi hazvina kubatsira kusvikira ndazotiza pamba pevabereki vangu ndokuenda kusitendi kwangu kuMarimba — ivo vachisara varipo.”

Edward anoenderera mberi: “Chokwadi imba yedu yotorwa nemukuwasha here isu tiripo? Epiphania hanzvadzi yangu chaiyo nemwana wake Shingi vanondirova. Ndakatomborumwa ruwoko naShingi vachindigara matunduru.

“Imwe nyaya inonyanya kunetsa ndeyekuti midziyo yaamai yavakasiya iri kushandiswa nemukuwasha nemhuri yake inova ngozi kwatiri. Sezvinonzi zvekundirova zvishoma, mukuwasha nemudzimai wake vanorara mubhedhuru raamai vangu mushakabvu.”

Edward anoti vabereki vemukuwasha wake vanemba muHarare saka zvinomunetsa kuti sei asingade kunogara ikoko pane pamba patezvara.

“Takaendesana kumatare kasingapere nekuda kwenyaya yemba iyi, mukuwasha wangu nemhuri yake vakapihwa mwedzi mitatu yekuti vabve pamba apa, izvo zvavasina kuita,” anodaro Edward.

Anoti ave kutotya kuenda kumba kwevabereki vake sezvo akamboswera akavharirwa mumba nemukuwasha uyu pamwe nemudzimai wake apo anoti iye aiitira tsvina neweti mumba umu.

EPIPHANIA MAZORODZE

Zvisinei, Hendrick anoramba kuti iye nemudzimai wake pamwe chete naShingi vanokutsirana Edward nekuti ari kurara mubhedhuru raive raambuya vake.

“Mashoko ekunyepa aya, ndingarove tezvara vangu sei? Ndakaroora hanzvadzi yavo asi nyaya iripo bedzi ‘he is not happy’ (haasi kufara) nekugara kwedu pamba pevabereki vake. Iye ndiye akatorova mwana wangu Shingi.

“Ichokwadi takasangana nezvinonetsa tikauya kuzogara pamba apa tichibva kuKwekwe. Tichabva manje-manje, tiri kupedzisa kuvaka imba yedu kuKwekwe. Handiite zvakadaro, ndakaenda kuchikoro mukoma,” anodaro Mazorodze.

Anoti iye nemudzimai wake nemwana wavo Shingi nemumwe muvakidzani wavo vakatopihwa gwaro rerunyararo naEdward mushure mekunge avamhan’arira kudare achiti vari kumushungurudza.

“Ndakataura natezvara vangu vakuru, Martin Mandiyanike, vanzwa dambudziko rangu vakatibvumidza kugara dzimba shanu dzatiinadzo. Iye Edward nemumwe sisi wake vanopihwa mari pa2 rooms dzavo, dzimwe dzimba shanu idzi ndedzevamwe vana vashanu vemhuri iyi — idzo takapihwa kufanoshandisa tichigadzirisa nyaya dzedu.

“Hatisi kuramba kubva pamba apa, tiri kubva ngaasada kutisvibisa mazita edu,” anodaro mukuwasha uyu.

Hendrick anoti kana Edward achirohwa sezvaanotaura, sei asingamhan’are kumapurisa.

Epiphania anorambawo nyaya yekuti iye nemurume wake vanokutsirana Edward.

“Ichokwadi kuti takabva kuKwekwe nemurume wangu nevana, tave kugara pano pamba pevabereki vedu nekuda kwezvinonetsa. Asi Edward zvose zvaakuudzai anonyepa zvekuti anorohwa nemurume wangu neni.

“Kumukiira mumba, hongu ndakamukiira asi kwete zvekuti ini naVaMazorodze naShingi tinomurova. Iye ndiye apera kusungisa vanhu vose pano,” anodaro Epiphania.

Anoti Edward haasiriye mwana oga saka haafanirwe kurwira imba yevabereki vavo.

“Takawanda, tiri 7 — kunoti ini Epiphania, Martin hanzvadzi yedu huru, Elizabeth Mangadzi, Grace Chirimuuta, iye Edward, Netsai naSimbarashe.

“Saka iye ndiye ashamise chii pakuti anoda kugara pano oga? Imba yevabereki iyi, ndeyedu tose,” anodaro Epiphania. Anoti Edward aigara achirova nekutuka amai vavo vasati vashaika.

“Amai vaigara vachichema nekuda kwekurohwa nekutukwa naEdward kusvikira mukufa. Imba ndeyedu, kana aona zvamunetsa kumba kwake, inova imba yeco-operative, anodzoka tinomutambira kwete zvekupenga zvake izvo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links