Uncategorized

Ndinoroora sei vanhu vachindidai?

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views

Kwayedza

KUNA tete
Ndiri mukomana ane makore 30 ekuberekwa. Ndakambogara nemumwe musikana tikaita mwana asi takanetsana iye ndokuenda kumba kwavo nekuti aiva asina rukudzo nevabereki vangu uyezve iniwo wacho ainge asingandione semurume wake. Panguva ino anogara nevabereki vake nemwana wangu.

Mwana ava nemakore mana ekuberekwa kubva patakasiyana pamakore matatu apfuura. Mari ndaiendesa apo neapo semunhu aishayawo. Dambudziko rangu rakatanga mwedzi miviri yadarika pandakawana basa remawoko. Amai vemwana wangu wakatora nyaya vakaendesa kumatare edzimhosva.

Ndine mari yatakawirirana kumatare edzimhosva kuti ndizopa tete vake kupera kwemwedzi wega-wega. Asi tete vari kuramba kuitambira vachiti nyaya ngaitange yagarwa pasi nedare remusha. Iniwo semunhu, ndanga ndave kufambira mberi neupenyu, saka ndine musikana akabvuma zvandiri uye ava kuzivikanwa mumusha.

Ndoita sei ivo vachida kuti ndidzokerane naye, vachiramba mari yekuti ndichengete mwana wangu? Apa ndivozve vekundiendesa kumatare.
Emannuel Kasva.

Goromonzi.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru ndingati mazvokuda mavanga enyora. Iwewe pawakaona kuti mukadzi wako uyu ane zvaari kutadza, iwe nevabereki vako maifanirwa kushevedza madzitete ake movapira mabasa aainge achiita. Apa maibva mamupa mutemo pamberi pehama dzake, nezvamunotarisira kwaari mumhuri menyu.

Izvi zvaiita kuti mumise imba yenyu mochengeta mwana wenyu muri pamwe chete. Zvaava kuita kwave kukurwadzisa nekuti wakamupa mutoro mukuru wekugara nemwana ari oga, zvekuti iye zvino kuti aroorwe aine mwana zvinonetsa. Ndokusaka ava kuda mari kwauri.

Zano randingakupa nderokuti enda unokumbira ruregerero kunanatezvara vako, unotora mwana nemukadzi wako mugare mese, unoona zvinhu zvako zvinotanga kukufambira mberi. Mukadzi wawakaita naye mwana uyezve ari mukadzi wako haarambwe nekuti mwana iyeye ndiye ane makomborero enyu mese. Dzokerana nemukadzi zvinhu zvikufambire, uyo musikana hazvina basa kuti anga ava kuzivikanwa.

Kwakowo kuri kuda kunyanya kukudzwa kwakanyanyodii? Iwe kureva kuti hautadzi, vakatwasanuka mune zvese? Vanhu musangorambana netunyaya tusina kana basa, idzi inyaya dzokuti munogara pasi motaurirana.

Tete.

Share This:

Sponsored Links