Ndinorota imbwa nenyoka

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Sekuru, ini ndakarambwa nemurume nekuti handina mbereko. Basa rakabva rapera, zvinhu zvangu zvinongobiwa, pakaitika zvakaipa kunongonzi ndini ndazviita, uye kana ndakarara ndinorota imbwa dzichindiruma, kumhanyiswa nenyoka, nemadzvinyu nemakarwe. Muhope ndinotadza kuyambuka rwizi kana kukwira manera.

Kana mazuva angu ekutevera ava kusvika, ndinonzwa chinhu chinopara-para mudumbu mangu, kana kurota ndabara mwana. Ndashaya kuti izvi zvinomborevei. Ndakawana hembe yangu yakazara bute iri pakati pedzimwe hembe dzangu. Ndibatsireiwo.

 

MHINDURO:

Iwe muzukuru nevamwe vanogona kunge vari kusangana nematambudziko akadai, kurumwa nembwa, kumhanyiswa nemadzvinyu kana garwe unenge uri kutaurirwa nemudzimu wako mhando dzezvombo zviri kushandiswa nevanhu vanoshereketa kuparadze upenyu hwako. Vanhu ava vanenge vati nanga-nanga newe kusvika vakuparadza.

Uku kutaure kuti upenyu hwako huri panyatwa huru. Unofanirwa kusimba kurwisa zvinhu izvi.

Kushaye mbereko, kubirwa zvinhi zvako, kupera kwebasa, kurambwa nemurume, nemaroto aunoita iwaya zvose izvi mabasa ebvuri raunenge wasundidzirwa nevaroyi kuti usabudirire muupenyu hwako.

Paunorota uchitadze kuyambuka rwizi kana kukwira manera unenge uri kuratidzwa nemudzimu wako kuti zvese zveuchaita muupenyu hwako hazvibudirire.

Mweya yakadai inodzingika kuchivanhu muzukuru saka usanyanye kurasa tariro. Iwewe udza dambudziko rako kuvakuru vako vakaita semadzitete, madzimbuya kana madzisekuru avo vachatsvaga vanhu vanoziva chivanhu vachakubatsira.

Asiwoka, hauna kundiudza kuti wakamboenda kumachiremba ekuzvipatara here kunoongororwa nyaya yembereko. Nekuti ikoku unogona kubatsirwa zvimwe zvikatopera.

. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey