Uncategorized

‘Ndinoroyera New zealand’

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Ndinoroyera New zealand’

Kwayedza

— ‘Ndiko kune vamwe vedu’
— ‘Ndinoita 1 hour nerusero’

Kingstone Mapupu —
MUKADZI wechidiki wekuMuzarabani, kuMashonaland Central, ari kuzvirova dundundu achiti iye nechikwata chake chevaroyi vanoenda vachinoroyera mhiri kwemakungwa sekunyika yeNew Zealand husiku hwoga-hwoga, vachidzoka kuno apo vanenge vari murusero nezvidhoma zvavo zvitanhatu, bere nebhiza.

Anoti iye nechikwata chake chevaroyi vatanhatu — vamwe vacho vemumhuri yake nevatorwa — pavanoenda kuNew Zealand vanenge vachitevera vamwe vavo vavanoroya navo avo vanogara kunyika iyi.

Mukadzi anozviti muroyi wemandiriri uyu anobva mubhuku raDemberere, kwaMambo Kasekete, asi achishandira kuPort Elizabeth, kuSouth Africa, uye mazuva ano akambodzoka muZimbabwe kuti azobatsirwa pane zviri kumunetsa.

Beaulla Malasha (23) ari kuti haachada zvekuroya saka ari kushandirwa naMbuya Sarah Pfidze (44) avo vanove n’anga nemurume wavo, VaNever Pfidze, avo vanoporofita.

Malasha anoti vanoroya vakawanda uye chikwata chavo chine nhengo zana dzinosanganisira vanhu vakuru nevechidiki. Anotizve muzinda wavo uri kuMuzarabani.

Mukadzi uyu akaroorwa mugore ra2015 uye ane mwana mumwe chete nemurume wake.

Anoti shavi rehuroyi riri paari raida kuuraya murume wake nemwana semhiko yekuti huroyi hwake husimbe asi zvakaramba.

“Ndakapihwa huroyi na****** (zita tinaro) vekwababa vangu mugore ra2008 apo ndaigara kumusha. Ndinomuka manheru ndangonzwa kuti vamwe vangu vave kuuya, tonokwira rusero rwedu, kazhinji rwunotakura vanhu gumi.

“Inguva duku mafambiro edu, panobva vamwe varoyi kumusha votorana nevamwe muno muHarare nekuSouth Africa, toenda kuNew Zealand. Hazvitore nguva ingaite awa kuti tisvike.

“Tasvika kuNew Zealand, tinotanga kuroya nevamwe vedu vaikoko tiina **** vangu (achidura zita),” anodaro Malasha.

Malasha anoti pose pavanoenda kunoroya, vanenge vaine hama yake yekwababa vake iyo yakamupa shavi rekuroya nevamwe vemumhuri.

“Hama yangu iyoyi ndiyo yakandibikira bota ndokuisa huroyi mukudya uku, ndichibva ndakatanga kuroya zvakasimba. Ndizvo zvavakaita kune vamwe vose.

“Kubva pandakatanga kuroya, ndauraya vanhu vaviri vanoti munin’ina wangu nemuzukuru, mwana wabhudhi vangu. Takadya nyama iyi nevamwe vangu vanosanganisira madzi**** angu maviri, dzimwe hama dzangu . . .,” anodaro achidova vamwe vake nemazita.

Pavanoenda kunoroya, anodaro Malasha, vanovhura makuva kunyangwe evanhu vavasina kuuraya vachidya nyama yevakafa.

“Pakudya nyama, vakuru ndivo vanotanga isu vadiki tozotevera. Tinodya iri mbishi isina sauti uye inonaka zvikuru. Mukati mevaroyi ava maiva neimwe hama yangu yepedyo (zita tinaro) iyo yakazoshaika apo yakauraiwa nevamwe varoyi ini ndisati ndava muchikwata ichi, izvo ndinongonzwa zvichitaurwa,” anodaro.

Malasha anoti vane nzvimbo dzavanofarira kusangana sechikwata chavo chevaroyi.

“Hazvina mhosva kuti ndemuno here muHarare, kumusha kuMuzarabani, kuSouth Africa kana kuNew Zealand, tinowanzofarira kusangana pamhararano, pasi pemiti mikuru, kumakuva, padyo nemvura kana pamipata yemakomo apo tinotanga taita mhiko dzedu tozotanga kuroya.”

Malasha anoenderera mberi: “Varoyi vanowanikwa kubvira kutwana tucheche kusvika kuchembere neharahwa dzisisagone kufamba. Asi, panguva iyo mashavi paanenge akabata, hapana anotadza kufamba, kusanganisira tucheche itwotwo twunenge twabatwa nemashavi twunotofamba.”

Anoti iye nevamwe vechikwata chake vanoshandisa zvidhoma pakuuraya vanhu vavanozodya nyama.

“Isu sevaroyi, tinouraya vanhu tichishandisa zvidhoma nemishonga. Kunyangwe kuridzira munhu mutsonyo (tsamwa) kunogona kumuuraya. Seni ndine zvangu zvidhoma zvitanhatu, zvimwe 4 zvakazouraiwa nevari kundibatsira asi bere nebhiza hazvisati zvauraiwa. Ndokusaka muri kundiona ndiri pano,” anodaro asi kana ganda kumeso.

Malasha anoti pavanoenda kune dzimwe nyika, varoyi veko ndivo vanotungamirira pakuvhura makuva, zvikuru avo vanenge vauraya uye nekutanga kudya nyama yevanhu.

“Hatina mhosva kuti chitunha chava kuwora, nyama yacho tinongodya yakadaro iyo yatinoti yakamvumvira,” anodaro.

Panyaya yezvidhoma, Malasaha anoti zvitatu zvaiva zvirume koitawo zvitatu zvikadzi, izvo zvinogara mubhegi rake.

Anotizve zvidhoma izvi anozvituma chero nguva ipi kuita zvaanoda, kungava kurova vanhu mumigwagwa, mudzimba kana mumakombi chaimo.

“Munogona kuona munhu achingopunzika opupa furu asingarware, panenge paine azvitumira. Imi munoti munhu abatwa nechirwere cheshuga kana BP uye anofa kana mukashaya vanomubatsira pachivanhu.”

Mukadzi wechidiki uyu anoyambira vanhu kuti vasangobate tumabhegi twemadzimai kana twevanhurume vose-vose sezvo vanoroya vachiisa zvombo zvavo imomo.

“Zvidhoma kana mishonga yekuroya haidi kubatwa nemunhu waisingazive, unobva warohwa ipapo wofa kana kuzorwara uchifa usingazive kwazvakabva,” anodaro.

Kunze kwekuroya, Malasha anoti anoitwa mukadzi nezvikwambo zvemumusha izvo zvakakumikidzwa kwaari zvichinzi asaroorwe.

“Ndinoshereketwa neni ndakasvinura nezvinhu zvandisingaone kana kuita zvekurota,” anodaro.

Malasha – uyo akawanikwa aine murume wake paari kushandirwa – anoti ane tarisiro yekudzokera kunoshanda kuSouth Africa kana “midziyo yake yebasa” yatorwa kubva kwaari.

Mbuya Pfidze nemurume wavo, VaPfidze, vanotsinhira kuti vari kushandira mukadzi uyu mushure mekunge ati haachada kuroya.

Share This:

Sponsored Links