Uncategorized

Ndinotaura nevatumwa vaSatani — Prophet

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Ndinotaura nevatumwa vaSatani — Prophet

Kwayedza

Blessings Chidhakwa —
MUPOROFITA wekuHighfield, muHarare, ari kukatyamadza veruzhinji zvichitevera mashoko okuti anoti anotaura nevatumwa vaSatani.

Prophet Trevor Mawoyo, uyo anova mukuru wechechi yeChrist in Action Ministries, anoti ave nenguva yakareba achitaura nevatumwa vaSatani apo anenge achinamata.

KUDAKWASHE MAREDZA

“Mweya werima uriko pasi rose. Ndakarohwa nehana ndaona vatumwa vaSatani vachidura pachena svondo yapfuura ndichinamata mangwanani nevatevedzeri vangu tiri kugomo,” anodaro Prophet Mawoyo.

Anoenderera mberi achiti: “Takati tiri pakati pekunamata, takaona zvipuka zviviri zvaipenya zvichiita semhuka zvichiti zvinodya nyama dzevanhu kuti zviwane raramo. Zvakaita dambe nesu kwechinguva chidiki zvichiti tinozvitadzisa kuita basa ravo nemazvo saka zvaida kuparadza hushumiri hwedu.

“Takangotanga kunamanata zvine simba takazongoona zvipuka izvi zvisisipo mberi kwedu zvanyangarika.”

Mashoko ake anotsinhirwa nemutauriri wekereke iyi, Kudakwashe Maredza, achiti aka hakasi kekutanga vachiona vatumwa vaSatani.

“Hakasi kekutanga munhu waMwari vachiona vatumwa vaSatani vachinamata, zvakamboitika gore rapera muna Chivabvu apo vainge vaita mazuva mazhinji vachitsanya. Vakanamata vakanzwa izwi raitaura asi vasingaone chaitaura chacho.

“Vaingonzwa izwi richiti, ‘Musativhiringa basa redu, tinopedzerana’,” anodaro.

Anoti svondo rapera vakaona vatumwa vaSatani ava zvakare.

“Musi weSvondo wapfuura uyu ndaive nemunhu waMwari tiri vaviri kugomo tichinamata apo takaona zvipuka zviviri zvaipenya zvichiita semhuka asi zvichitaura kuti zvatumwa naSatani kuzoparadza hushumiri hwekereke yedu, iyo yazvinoti iri kuvashaisa zororo muhumambo hwavo,” anodaro Maredza.

Anoenderera mberi achiti, “Asi chakandishamisa ndechekuti zvipuka izvi zvaiti zvinodya nyama yevanhu, ndiyo inoita kuti zviwane simba. Hongu, ndakapindwa nekutya asi takazongoramba tichinamata tikaona zvinhu izvi zvisispo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>