Uncategorized

Ndinouchirwa nemagadziko: Mambo Chundu

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Ndinouchirwa nemagadziko: Mambo Chundu CHIEF CHUNDU

Kwayedza

CHIEF CHUNDU

CHIEF CHUNDU

MADZISHE, masvikiro nevanhu vekunzvimbo dzakasiyana dzenyika yeZimbabwe vane tsika dzavanotevedza kubva nakare, idzo dzimwe dzacho dzinoshamisa zvekuti munhu akazvinzwa anofunga kuti zvimwe ije-e asi chiri chokwadi.

Kana dai mamwe maitiro achifanana, sezvakaita kuyeresa zuva reChisi, kune dzimwe tsika dzinoenderana nenzvimbo.

Kutanga svondo rino, bepanhau renyu reKwayedza, nechinangwa chekuenderera mberi richisimudzira tsika nemagariro enyika ino, richange richironda nekukupai dzimwe dzetsika idzi.

SekwaChundu, kuHurungwe kudunhu reMashonaland West, kune tsika dzakawanda dzinotevedzwako asi pane imwe inoshamisa: Mambo vanoomberwa kana kuuchirwa pachishandiswa magadziko ayo anenge achirohwa kana kubhabhadzirwa neruwoko.

Ishe Chundu, VaAbel Mbasera (43), vemutupo weShava Mufakose Mhofu yeMukono, vanoti vanoomberwa nenzira idzi zvisinei kuti kune vamwe vanhu vanozvitora zvisirizvo.

“Ini sashe ndinouchirwa nemagadziko dzinova tsika dzekwedu. Zvizivei kuti Mambo Chundu vanoomberwa nemagadziko kana kuti tsonyo.

“Izvi zvinoitwa nemunhu mumwe chete watinoti sahwira kana kuti Nyawondo. Anogara pasi akatandavara makumbo akabvisa shangu, opeura zvishoma gadziko rake rekurudyi otanga kurirova neruwoko rwake rwerudyi achidetemba mutupo wedu weShava Mufakose.

“Panguva iyi vamwe vose vanenge vachiuchira asi vachitungamirirwa naNyawondo uyu,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti vamwe vose vanenge vakagarawo pasi vakabvisa nguwani madzimai achiridza mhururu inofambirana nekuombera kwasahwira kana Nyawondo uyu.

“Iyi itsika yatakawana iriko kubva pasichigare, kuti madzimambo edu anoomberwa nasahwira nemagadziko. Sahwira uyu ndewe chirume kwete mudzimai,” vakadaro.

Murume anoombera nemagadziko uyu vanoti munhu anogara achicherechedzwa nesvikiro ravo kuti akachena here asati aenda kunogara pamberi pamambo achinouchira.

“Sahwira uyu anofanirwa kunge ari munhu akachena, asingabate-bate mishonga inokuvadza vamwe.

‘‘Mhondoro yedu yekuno, Sekuru Mubaiwa, vanogara vachiongorora sahwira uyu.”

Imwe nyaya inoshamisa muhumambo hwekwaChundu ndeyekuti pane mutemo unoti mambo haafanirwe kutaura kana kuonana nesvikiro ravo rinonzi Mubaiwa.

“Svikiro redu Mubaiwa kuno tinoti Mupondiwa kana kuti Muranda nekuti mudzimu uyu ndiwo wakauraya sekuru vedu Chimombe.

“Saka Mubaiwa munhu akaripiswa ngozi yekuuraya kwavakaita sekuru vedu VaChimombe.

“Mubaiwa ndewe mutupo weNzou Samanyanga, saka pane chivanhu chakagadziriswa. Svikiro iri muranda wedu watinoshandisa kuno, watinoti anotonga usiku isu tichitonga masikati,” vanodaro mambo.

Dzinza raMubaiwa rinonzi rinobva kuDande kumadzishe anoti Chisunga, Chapoto nekwaChitsungo, uko tateguru wekwaChundu akaponderwa nevanhu verudzi urwu.

“Saka muchiona kuti Sekuru Mubaiwa havasvike padyo neni sashe.

“Tinotova vavengi nekuti mudzimu uyu wakaponda sekuru vangu, kana vachida kutaura neni vanotuma munyai anondisvitsa mashoko avanoda ini ndovapindura,” vanodaro.

Zvakadai, panogadzwa hushe hwevanhu vekwaChundu panonzi panoitika masaramusi akawanda zvikuru, izvo zvinofanirwa kuratidza kuti anenge agadzwa wacho atambirwa nemidzimu.

“Saizvozvi pakabikwa doro rekutambira ini saShe Chundu makore mashoma akadarika. Tichisvitsa kuna tateguru wedu Chimombe kwakauya haka 14 dzakabva musango.

“Dzakauya pamusha apo takanga takaungana tabika doro rekusumwa kwangu sashe kumasvikiro emuno.

Kune vamwe vakaona imwe yehaka idzi vakaidya vakabva vafa pakare ipapo nekuti vakanga vadya midzimu,” vakadaro mambo Chundu.

Share This:

Sponsored Links