‘Ndiri kuchengeteswa mwana asiri wangu’

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
SAMUSHA vekutsvagira mudzimai wavo basa nechinangwa chekuti vabatsirane kuriritira mhuri, vanoti vagurwa kunorira sezvo mukadzi uyu ave kuvasiya pamhene.

Benard Nyakabawo akadunura mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemudzimai wake, Margaret Murambidzi, achiti ari kumushungurudza.

Murambidzi anoti anoda gwaro rinomudzivirira kubva kuna Nyakabawo.

“Mambo wangu, ndinokumbirawo mundiyamure kubva kuhunhu hwemurume uyu. Anondishungurudza achindirova. Kutaura kuno bendekete rangu rakatotyoka nekuda kwekurohwa kwandinogaroitwa. Nyaya yekundirova kwaakaita ichitori kumapurisa,” akadaro Murambidzi.

Nyakabawo akaudza dare kuti mudzimai wake aisataura chokwadi sezvo achivanza mabasa ake echipfambi.

“Kunyepa kwake mukadzi uyu, chokwadi chiripo ndechekuti ave kuda kunoita zvechipfambi ‘full time’. Kutaura kuno ndine mwana wake wandiri kuchengeta waakaita nemumwe murume. Kugara kwese uku ndaisazviziva uye zvakatozobuda pachena manje-manje tave kunetsana,” akadaro.

Anoenderera mberi akati, “Mukadzi wangu ndaimuda chose, ndikatomutsvagira basa kuti ashandewo kuti zvinhu zvitirerukire asi haana kana chaaiita nemari yaaitambira.

“Aisatenga matomatisi kana hembe dzevana. Zvaindinetsa kuti saka mari ari kuiisa kupi izvo munhu aiunganidza zvake mari yake. Manje-manje apa ndipo akandiudza kuti haachada nezvangu nekuti ava nemari yake, $1 500. Kuti achaenda kupi nayo kana kuti achaitei nayo handizivi saka ngaasade kundinenedzera mhosva dzandisina.”

Anotizve mudzimai wake anogara achimurwisa vachimukutsira nehanzvadzi dzake.

“Kutaura kuno, akaenda kunogara nehanzvadzi dzake akandisiira vana, mukuru wacho ane gore nemwedzi minomwe. Ndiye anotondirova pese pandinoda kumutsiura.

“Kwaari kugara handinei nako asi ndinoda wachi yangu nebhasikoro rangu zvandakabatirwa nehanzvadzi dzake musi wandakaendako mushure mekunge dzandirova,” akadaro Nyakabawo.

Anoti Murambidzi anofanirwa zvakare kuuya kuzotora mwana wake uyo waakaita nemumwe murume.

“Ndinoda kuti auye atore mwana wake waari kundichengetesa. Zviri kundirwadza nekundikanganisa kuti mwana uyu nezvese zvandaimuitira, haasi wangu,” akadaro.

Mutongi Sharon Rakafa akapa Murambidzi gwaro redziviriro akati vaviri ava vagadzirise nyaya dzavo pasina bongozozo.

Share This:

Sponsored Links