Uncategorized

Ndiri ‘shefu’ wevaroyi: Mwana (13)

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

— ‘Ndini ndinovhura makuva’

Kingstone Mapupu —
KAMWANA kasikana kanogara kwaRukweza, kwaMakoni kwaRusape, kari kudura kuti kanoroya zvemberi nedzimwe chembere dzemunzvimbo iyi — idzo dzinokatungamidza pamwe chete nevamwe vana pakuvhura makuva vachishandisa nyoka.

Mwana uyu — uyo watichangodura zita rake saEve (13) — anogara naamai vake Hazvinei (36), akataurira Kwayedza pasina kunyara kana kutya kuti vechidiki ndivo vanotungamidzwa nechembere kana vachinoroya.

“Ndange ndava muGrade 6 asi ndakamira kuenda kuchikoro nekuda kwekuroya. Izvi ndakazvitanga mugore ra2011 ndichiita zvekurota apo ndaimutswa nechembere, ana mbuya nhingi (achitodura nemazita avo).

“Ndairota ndichidyiswa nyama mbishi uyewo ndichimonerwa nenyoka nekutamba nemapere. Ndakazoguma ndave kungoona ndiri kumakuva ndiine chembere varoyi ava — vandiri kutokuudzai nemazita avo ivava — vachitidzidzisa, ini nevamwe vana vatatu,” anodaro Eve.

Mwana uyu anoti anobuda mumba asingazive zvinenge zvichiitika kwaari apo anenge anzwa zita rake richishevedzwa.

IMBA YAITORWA MWANA

“Ndinobatiswa nyoka chena hombe, iyo ndinosvikotaurirwa nemachembere aya kuti ndirove nayo pamusoro peguva rinenge rasarudzwa, robva ravhurika.

Ini nevamwe vasikana vatatu tinobva tapinda muguva umu tiine masaga, totora nyama yatinonzi titore kana kudambura-dambura mutumbi wose tichishandisa mazino edu anenge areba seruler kana kuti nenzara.

“Tinoisa nyama iyi mumasaga tobuda nayo, iyo tinonodyira pazimuti riri Kumakuva ekuno kwaRukweza,” anodaro.

Mwana uyu anoti iye nechikwata chake chevana nechembere vadya nyama yezvitunha zvevanhu vanodarika gumi.

“Tinoudzwa nevakuru vedu kana kwave kudiwa nyama yevanhu nemazita evanhu vanenge vave nechijana chekufa. Hazvina mhosva kuti vari kure zvakadii — kana mhiri kwemakungwa chaiko — tinomuuraya ari ikoko,” anodaro Eve.

Musikana uyu anotaura mazita ose evanhu vavauraya kusvika pari zvino — kusanganisira mumwe wavairoya naye uyo anonzi akanga ave kuramba kuurayawo munhu wekumba kwake apo “chijana chake chekutipa nyama chakasvika”.

Mwana uyu anoti ave kugara achiona zinyoka rinomutevera akasvinura kwese kwaanoenda.

“Pane zinyoka rinonditevera kwese kwandinoenda richinanzvira, iro ndinoona ini bedzi asi vamwe vasingarione. Nyoka iyi inondivharidzira mugwagwa wandinofamba nawo, vanhu vanozongoona ndichichema ndichivati ndiri kuona nyoka asi ivo vasingaione.

“Nekuda kwenyaya iyi, amai vangu vave kutogara vachifamba neni kwese kwandinoenda nekundityira.”

Eve anoti zvekare anoona chimhuka mumba maanorara, icho anofungidzira kuti ibere.

“Nyoka yandinoona iyi ndiyo imwe chete yandinoshandisa husiku kurovesa makuva achivhurika,” anodaro.

Amai vaEve vanotsinhira nyaya iyi vachiti mwana wavo nevamwewo vechidiki vari kushandiswa nechembere mumabasa ekuroya.

“Mwana uyu ndakamuita nemumwe murume wandakazosiyana naye. Dambudziko iri rakazotanga apo ndakauya kuzogara pamba pevabereki vangu vakashaika pandakasiyana nemurume. Asi ndakazoroorwa nemumwe murume wandiine vana vaviri naye pari zvino,” vanodaro amai ava.

Vanoti mwana wavo anonzi ane midzimu miviri — wasekuru naambuya vake — izvo zvavanoti ndizvo zvakaita kuti afumure nyaya yevaroyi ava.

“Izvozvi ini handichakwanisa kushanda mabasa sezvo ndichigara ndakachengeta mwana uyu kwese kwaanoenda.

‘‘Anoona nyoka yaanoti inoda kumusunga makumbo nekuda kumumedza. Zvinonzi varoyi vaakafumura ava ndivo vari kuda kuti afe nekumurumisa nenyoka,” anodaro Hazvinei.

Mwana uyu anonzi ari kusvikirwa nemidzimu miviri, iyo inonzi ndiyo iri kurwisana nevaroyi ava kuti vasamushandise.

Anonzi akatanga achiita seaibatwa nemweya achitaura vamwe vaanoti anoroya navo achiti vaida nyama yevanhu yepazororo reKirisimasi yegore rapera.

Zvinonzi zvakare panguva iyi, pakabva pafa mumwe murume wemumusha uyu, uyo anonzi akangodonha ari kuUnited Kingdom.

Mutumbi wemurume uyu unonzi wakazounzwa muZimbabwe ukavigwa kwakare kwaRukweza.

Amai vemwana uyu vanoti nyaya iyi yakatombosvitswa kwaMambo Makoni uko isati yapera.

“Kwakauya masvikiro nen’anga muno vakatadza kubatsira mwana wangu sezvo kwaiva nekukandirana makobvu nematete.

Vanoti baba vemusikana uyu, avo vanogara kuHarare, vanoziva dambudziko rine mwana wavo.

“Ndinoda kuti mwana wangu adzokere kuchikoro, agara anogona zvikuru. Varoyi ava ngavasiyane nemwana wangu, anodawo kuzvivambira upenyu hwake. Kumashure uko vaimboda kupengesa mwana wangu mukuru naiyeyu wavave kupa huroyi,” vanodaro.

Dzimwe nyanzvi mune zvechivanhu dzinoti mhuri yemwana uyu inofanira kungwarira midzimu inonzi iri kusvika paari sezvo dzimwe nguva ari mashavi ehuroyi anouya akahwanda.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMambo Makoni nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey