Uncategorized

Nditori ‘bomb’: Pfambi

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Trymore Muvhawa—-

SAMUSHA vekuroora mudzimai wechipiri vahosi vasingazvizive vanoti vakaigochera pahutsi apo nyachide uyu akazovatukirira pajekerere kuti ipfambi yemakoko kana kuti “petrol bomb” chairo achireva kuti ane chirwere cheshuramatongo.

Emmanuel Maradza – uyo anoshanda kumahofisi aRegistrar-General – akamhan’arira mudzimai wake wechipiri, Mercy Mukutura, kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Ndatambudzwa nemudzimai uyu. Mukadzi uyu ipfambi yangu saka ave netsika yekuuya kumba kwangu achisvikondishungurudza paine mhuri yangu. Paakauya kumba kwangu akasvikopopota zvakaipisisa achinditi ndakaroora ‘petrol bomb’ uye anoti iye akapihwa chirwere chemukondombera nemurume wake wekutanga, nekudaro ini ndatove nachowo,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti, “Kusanyara kwake akataura mashoko aya pamberi pemukadzi nevana vangu. Handizivi kuti pari zvino vanondifungirei?

“Nguva yose yaanondituka anoshandisa mashoko ekunyadzisira zvekuti haataurike muno mudare. Ndinokumbira kuti dare rimudzivise kundituka pamwe nekushanyira kubasa kwangu nekuti akambouyako akaenda kune vakuru vebasa akavaudza kuti ini ndiri mbavha, ndinopota ndichiba zvinhu pabasa zvekare anenge achingopopota nezvinyadzi.”

Mukutura akaudza dare kuti Maradza ane katsika kekunyepa uye haana kumbobvira amutuka nezvinyadzi.

“Iko zvino ari kunyepera dare kuti ini ndiri pfambi yake asi iye akandiroora. Zvaari kuita izvi inyaya yekuti ini ndakamuudza kuti ndave nepamuviri saka ndinoona kuti ndipo paasiri kuda.

“Zvakare, takanetsana panyaya yekuti iye aisada kuti mudzimai wake azive kuti ave nemukadzi wechipiri kureva ini, asi ini ndakazofona zvemusoro wangu,” akadaro.

Akati ichokwadi kuti akaenda kumba kwavahosi asi haana kutukidzira Maradza.

“Kumba kwavahosi ndakaenda asi zvaari kutaura zvekuti ndakati ndine chirwere sandizvo. Pandakasvikapo akabva akiyira mukadzi wake mumba ndokutora ini kundiisa mumota ndokudzokera kumba. Handina kuvatuka, kana kuita zvemhirizhonga,” akadaro Mukutura.

Akaenderera mberi achiti, “Ndinovimba kuti ndichiri mukadzi wake kusvikira andiramba zviri pamutemo, kwete zvaari kutaura muno mudare.

‘‘Kubasa kwake ndinosvika nekuti hakurambidzwi vanhu, ari kuda kutora gwaro irori senzira yekusada kuchengeta mwana wake,” akadaro Mukutura.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey