‘Nditoriwo murombo, ndinotochengetwawo’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Nditoriwo murombo,  ndinotochengetwawo’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekuzama kunzvenga kubhadhara mari yekuchengeta mwana wake achizviti murombo anotochengetwawo sezvo asingashande, akazoshaya pekupinda mudare apo akabvunzwa nemutongi kuti sei achimirira kuchengetwa nevamwe iye ave munhu abve zera.

Marcelene Madhazi akaendesa Regis Maguwa (31) kuHarare Civil Court achida $100 yekuchengeta mwana wavo ane mwedzi gumi yekuberekwa.

“Changamire, ndauya kuno ndichida kuti baba vemwana vandipewo $100 yekumuchengeta kuti awanewo kudya kwakanaka, kupfekawo zvakanaka uye agarewo pakanaka,” akadaro Madhazi.

Madhazi akati Maguwa anokwanisa kubvisa mari yaanoda iyi sezvo achiita basa rehumakanika iro rinomuwanisa $800 pamwedzi.

“Murume uyu ndimakanika wemotokari, anoshanda ega uye anowana mari inosvika $800 pamwedzi. Saka mari yandiri kuda pamwana anoikwanisa,” akadaro.

Maguwa akaramba zvose zvaitaurwa naMadhazi achiti haashande uye ari kutochengetwawo naamai nehama dzake dziri kuSouth Africa.

“Ini handishande, ndiri kutochengetwawo naamai vangu nehama dzangu dziri kuSouth Africa. Mari yandinokwanisa kubatsira nayo i$30 yandinowanawo pane yandinenge ndapihwa,” akadaro.

Achibvunzisiswa nemutongi Muridzo kuti sei achida kushandirwa nevamwe asi iye ave munhu abve zera, Maguwa anoti anomboitawo mabasa akasiyana ayo anomuwanisa $100 pamwedzi.

“Ndinoitawo tumabasa tunogona kundipa $100 pamwedzi kuti ndisamirire amai nehama dzangu,” akadaro Maguwa.

Mutongi Muridzo akati Maguwa anofanirwa kubhadhara $60 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Share This:

Sponsored Links